RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lff chidzidzo 47
  • Wagadzirira Kubhabhatidzwa Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Wagadzirira Kubhabhatidzwa Here?
  • Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • WEDZERA KUONGORORA
  • PFUPISO
  • WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
  • Kubhabhatidzwa Idanho Rinokosha
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Wagadzirira Kubhabhatidzwa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Ndinofanira Kuzvitsaurira Kuna Mwari Ndobhabhatidzwa Here?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • VaKristu Vanofanira Kubhabhatidzwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
Ona Zvimwe
Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
lff chidzidzo 47
Chidzidzo 47. Murume ari kufunga nezvekuzobhabhatidzwawo akatarisa mumwe murume ari kubhabhatidzwa pagungano.

CHIDZIDZO 47

Wagadzirira Kubhabhatidzwa Here?

Rakaprindwa
Rakaprindwa
Rakaprindwa

Pari zvino wadzidza zvakawanda nezvaJehovha kubva pakudzidza kwauri kuita Bhaibheri. Pamwe wakatochinja zvimwe zvinhu pamararamiro ako kuti aenderane nezvawakadzidza. Asi panogona kunge paine chimwe chinhu chiri kukutadzisa kuzvitsaurira kuna Jehovha uye kubhabhatidzwa. Muchidzidzo chino tichakurukura zvinhu zvinowanzotadzisa vanhu kubhabhatidzwa uye kuti iwe ungazvikurira sei.

1. Unofanira kuziva zvakawanda sei kuti uzobhabhatidzwa?

Kuti ubhabhatidzwe, unofanira kuva “neruzivo rwakarurama pamusoro pechokwadi.” (1 Timoti 2:4) Izvi hazvirevi kuti unofanira kuziva kese kari muBhaibheri usati wabhabhatidzwa. VaKristu vanongoramba vachidzidza kunyange vava nemakore vabhabhatidzwa. (VaKorose 1:9, 10) Asi kuti ubhabhatidzwe unofanira kunge wava kunzwisisa dzidziso dzinokosha dzemuBhaibheri. Vakuru vemuungano vachakubatsira kuti uzive kuti, neruzivo rwawava narwo, wava kukodzera here kubhabhatidzwa.

2. Ndeapi mamwe matanho aunofanira kutora usati wabhabhatidzwa?

Usati wabhabhatidzwa, unofanira ‘kupfidza zvivi zvako uye kutendeuka.’ (Verengai Mabasa 3:19.) Izvi zvinoreva kuti unenge uchinzwa urombo nezvivi zvese zvawakaita, uchikumbira kuti Jehovha akuregerere. Unobva wasiyanawo zvachose nemararamiro ese akaipa, uine chinangwa chekurarama upenyu hunofadza Mwari. Unotangawo kuita zvese zvinoitwa neungano zvakadai sekupinda misangano uye kuzivisa mashoko akanaka semuparidzi asati abhabhatidzwa.

3. Nei usingafaniri kutya kubhabhatidzwa?

Vamwe vanotya kuti vanozotadza kuita zvavanenge vavimbisa Jehovha. Ichokwadi kuti unogona kumbokanganisa, sezvaingoitwawo nevamwe vanhu vainamata Mwari vanotaurwa muBhaibheri. Jehovha anoziva kuti vanhu vanomunamata vanombokanganisawo. (Verengai Pisarema 103:13, 14.) Anofara paunoita zvese zvaunogona kuti umufadze! Achakubatsira. Jehovha anototivimbisa kuti hapana chinogona “kutiparadzanisa nerudo” rwake.—Verengai VaRoma 8:38, 39.

WEDZERA KUONGORORA

Ona kuti kuwedzera kudzidza nezvaJehovha uye kubvuma rubatsiro rwake kunogona sei kukubatsira kukurira zvinhu zvinowanzotadzisa vanhu kubhabhatidzwa.

Mifananidzo: Musikana ari kukurira zvipingamupinyi kuti azobhabhatidzwa. Pikicha imwe neimwe iri kudzokororwa pazasi apa.

4. Wedzera kunyatsoziva Jehovha

Musikana wacho ari kudzidziswa Bhaibheri nemumwe weZvapupu zvaJehovha.

Unofanira kuziva Jehovha zvakadini usati wabhabhatidzwa? Unofanira kumuziva zvekusvika pakumuda uye kuva nechido chekumufadza. Ngationei VHIDHIYO tione kuti vamwe vakadzidza Bhaibheri kwakasiyana-siyana pasi rese vakazviita sei, tobva takurukura mubvunzo unotevera.

VHIDHIYO: Zvekuita Kuti Ubhabhatidzwe (3:56)

  • Muvhidhiyo iyi, chii chakabatsira vanhu vakasiyana-siyana kuti vagadzirire kubhabhatidzwa?

Verengai VaRoma 12:2, mobva makurukura mibvunzo inotevera:

  • Pane zvimwe zvinodzidziswa neBhaibheri kana kuti zvinodzidziswa neZvapupu zvaJehovha zvausina chokwadi nazvo here?

  • Kana zviripo, woita sei nezvazvo?

5. Kurira zviri kukutadzisa kubhabhatidzwa

Musikana uya ari kuisa Bhaibheri mubhegi amai vake vachimupopotera.

Munhu wese paanosarudza kuzvitsaurira obhabhatidzwa anosangana nematambudziko. Ngationei VHIDHIYO, tione mumwe akasangana nematambudziko tobva takurukura mibvunzo inotevera.

VHIDHIYO: Kuda Jehovha Kunokunda Zvipingamupinyi (5:22)

  • Muvhidhiyo iyi, Narangerel aifanira kukurira matambudziko api kuti akwanise kushumira Jehovha?

  • Kuda Jehovha kwakamubatsira sei kukurira matambudziko aya?

Verengai Zvirevo 29:25 uye 2 Timoti 1:7, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:

  • Chii chingatipa ushingi hwekukurira zvipingamupinyi?

6. Vimba nerubatsiro rwaunopiwa naJehovha

Musikana uya ava kuparidzira mumwe mukadzi wechikuru. Ari kuparidzira aine munhu anomudzidzisa Bhaibheri.

Jehovha achakubatsira kuti umufadze. Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mibvunzo inotevera.

VHIDHIYO: Jehovha Mwari Achakubatsira (2:50)

  • Muvhidhiyo iyi, chii chaitadzisa mudzidzi uyu weBhaibheri kubhabhatidzwa?

  • Akadzidzei nezvaJehovha chakasimbisa kuvimba kwaaiita naye?

Verengai Isaya 41:10, 13, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:

  • Chii chingakupa chivimbo chekuti unogona kuzadzisa zvaunenge wavimbisa paunozvitsaurira?

7. Wedzera kutenda kwaunoita rudo rwaJehovha

Musikana uya ava kunyengetera ari pake ega.

Ukafungisisa madirwo aunoitwa naJehovha, zvichaita kuti ude kumutenda, zvoitawo kuti ude kumunamata nekusingaperi. Verengai Pisarema 40:5, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:

  • Chikomborero chipi chinobva kuna Jehovha chaunonyanya kutenda?

Muprofita Jeremiya aida Jehovha neshoko rake uye aiona chiri chikomborero chaicho kuzivikanwa nezita raJehovha. Akati: “Mashoko enyu . . . akaita kuti mwoyo wangu upembere uye ufare chaizvo, nekuti ndiri kushevedzwa nezita renyu, haiwa Jehovha Mwari.” (Jeremiya 15:16) Pindura mibvunzo iyi:

  • Nei chiri chikomborero chaicho kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha?

  • Unoda here kubhabhatidzwa semumwe weZvapupu zvaJehovha?

  • Pane chiri kukutadzisa kuzviita here?

  • Unofunga kuti unofanira kuitei kuti usvike pakubhabhatidzwa?

Musikana uya ava kubhabhatidzwa.

VAMWE VANOTI: “Kana ndikabhabhatidzwa ndinozozvigona here?”

  • Ndozvauri kufungawo here?

PFUPISO

Jehovha anogona kukubatsira kukurira chese chinenge chichikutadzisa kubhabhatidzwa.

Kudzokorora

  • Unofanira kuziva Bhaibheri zvakadini kuti uzobhabhatidzwa?

  • Ungafanira kuchinja chii pamararamiro ako kuti ukwanise kubhabhatidzwa?

  • Nei usingafaniri kutya kubhabhatidzwa?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Ongorora kuti chii chinofanira kuita kuti usarudze kubhabhatidzwa.

“Wagadzirira Kubhabhatidzwa Here?” (Nharireyomurindi, March 2020)

Dzidza kuti ungakurira sei zvimwe zvipingamupinyi zvinogona kukutadzisa kubhabhatidzwa.

“Chii Chinonditadzisa Kubhabhatidzwa?” (Nharireyomurindi, March 2019)

Ona kuti mumwe murume akakurira sei zvipingamupinyi kuti akwanise kubhabhatidzwa.

‘Nei Uri Kunonoka Kubhabhatidzwa?’ (1:10)

Mumwe murume anonzi Ataa akatanga achizeza kubhabhatidzwa. Ona kuti chii chakazomupa ushingi hwekutora danho iri rinokosha.

Ndinokodzera Here Kuwana Makomborero Ese Aya? (7:21)

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe