RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lff chidzidzo 37
  • Bhaibheri Rinoti Chii Nezvebasa Uye Mari?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Rinoti Chii Nezvebasa Uye Mari?
  • Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • WEDZERA KUONGORORA
  • PFUPISO
  • WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
  • Mari Ndiyo Mudzi Wezvinhu Zvese Zvakaipa Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Kuona Mari Neziso Rakanaka
    Mukai!—2015
  • Mari
    Mukai!—2014
  • Bhaibheri Ringakubatsira Sei?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
Ona Zvimwe
Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
lff chidzidzo 37
Chidzidzo 37. Murume anoita zvekuveza achirovera chipikiri papuranga.

CHIDZIDZO 37

Bhaibheri Rinoti Chii Nezvebasa Uye Mari?

Rakaprindwa
Rakaprindwa
Rakaprindwa

Unombonzwa musoro wako watenderera nenyaya dzebasa uye mari here? Hazvisi nyore kuti tiwane zvekurarama nazvo uku tichinamata Jehovha zvakanyatsomukodzera. Bhaibheri rine mazano anogona kutibatsira.

1. Bhaibheri rinotii nezvebasa?

Mwari anoda kuti tinakidzwe nemabasa edu. Bhaibheri rinoti “hapana chiri nani pane kuti munhu . . . afadzwe nekushanda kwake nesimba.” (Muparidzi 2:24) Jehovha anoshanda nesimba. Kana tikamutevedzera pakushanda nesimba, tinomufadza uye tinonzwa tichigutsikana.

Basa rinokosha. Asi hatifanire kurikoshesa kupfuura kunamata kwatinoita Jehovha. (Johani 6:27) Anotivimbisa kuti kana tikamuisa panzvimbo yekutanga muupenyu, iye achatipa zvatinoda pakurarama.

2. Tinofanira kuona sei mari?

Kunyange zvazvo Bhaibheri richibvuma kuti ‘mari inodzivirira,’ rinotiyambirawo kuti mari yega haiite kuti tifare. (Muparidzi 7:12) Saka rinotikurudzira kuti tirege kuda mari richiti: “Gutsikanai nezvinenge zviripo.” (Verengai VaHebheru 13:5.) Patinogutsikana nezvinenge zviripo, hatizozvitemesa musoro nekungoramba tichida zvimwe tisingaguti. Hatizoporomori zvikwereti zvisina basa. (Zvirevo 22:7) Uye tinonzvengana nematambudziko anowanzounzwa nekuita zvekubheja uye zvirongwa zvekuda kukurumidza kupfuma.

3. Tingashandisa sei mari yedu nenzira inobatsirawo vamwe?

Jehovha ndiMwari anopa, uye tinomutevedzera ‘nekupawo vamwe zvatiinazvo.’ (1 Timoti 6:18) Tinogona kushandisa mari yedu kutsigira ungano uye kubatsira vanoshayiwa, zvikurukuru vaya vatinonamata navo. Jehovha anonyanya kukoshesa chinangwa chedu chekupa, kwete uhwandu hwezvatapa. Patinopa zvichibva pasi pemwoyo, tinofara uye tinofadza Jehovha.—Verengai Mabasa 20:35.

WEDZERA KUONGORORA

Ona kubatsira kwazvinoita kuti tishande nesimba asi tichitungamidza nyaya dzekunamata, tichigutsikana nezvinenge zviripo.

4. Kudza Jehovha nemashandiro aunoita

Ushamwari hwedu naJehovha hunooneka pamaonero atinoita basa. Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mibvunzo inotevera:

VHIDHIYO: Shandira Jehovha Nemweya Wese (4:39)

  • Muvhidhiyo iyi wanzwa sei nezvemaonero anoita Jason basa rake uye kuzvibata kwake kana ari kubasa?

  • Aiita sei kuti basa risamukanganisa panyaya dzekunamata?

Verengai VaKorose 3:23, 24, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:

  • Maonero atinoita basa anokosha zvakadii?

Mifananidzo: Murume ari kukoshesa basa rake zvakapfurikidza. 1. Ari kushanda muhofisi masikati. 2. Anoramba ari pabasa kusvikira kwasviba. 3. Anoramba achishanda vamwe vake vaenda kumba. 4. Ari kudya ari ega.

Basa rinokosha. Asi hatifaniri kumbofa takarikoshesa kupfuura kunamata kwatinoita Jehovha

Mifananidzo: Murume uya ava kuwana nguva yekuita zvimwe zvinokosha. 1. Ari kushanda muhofisi masikati. 2. Anopedza basa nguva ichiripo. 3. Akasimudza ruoko pamusangano weungano. 4. Achidya pamwe chete nemudzimai wake nevana.

5. Kugutsikana nezviripo kunotibatsira

Vanhu vakawanda vanoedza nesimba ravo rese kuunganidza mari. Asi Bhaibheri haritikurudzire kudaro. Verengai 1 Timoti 6:6-8, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:

  • Bhaibheri rinotikurudzira kuita sei?

Tinogona kufara kunyange tisina zvakawanda. Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera.

VHIDHIYO: “Gutsikana Nezvinhu Zvinenge Zviripo” (3:20)

  • Chii chinoita kuti mhuri idzi dzifare pasinei nekuti hadzina mari yakawanda?

Ko kana tiine mari yakawanda asi tichitoda imwe? Jesu akapa mufananidzo unoratidza zvazvakaipira. Verengai Ruka 12:15-21, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:

  • Wadzidzei pamufananidzo waJesu?—Ona vhesi 15.

Verengai Zvirevo 10:22 moenzanisa na1 Timoti 6:10 mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:

  • Ndechipi chaunofunga kuti chinokosha kupfuura chimwe? Kuva neushamwari naJehovha kana kuti kuva nemari yakawanda? Nei uchidaro?

  • Matambudziko api anobva pakutandanisana nemari?

6. Jehovha achatipa zvatinoda pakurarama

Nhamo yemari nekushaya mabasa zvinogona kuedza kutenda kwedu muna Jehovha. Ngationei VHIDHIYO kuti tione zvatinogona kuita nemiedzo yakadaro, tobva takurukura mibvunzo inotevera.

VHIDHIYO: Jehovha Achatipa Zvatinoda Pakurarama (6:21)

  • Muvhidhiyo iyi, hama yakasangana nematambudziko api?

  • Akaita sei kuti akurire matambudziko aya?

Verengai Mateu 6:25-34, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:

  • Jehovha anovimbisa kuitirei vaya vanotungamidza nyaya dzekumunamata?

VAMWE VANOTI: “Ndinotofanira kushanda nesimba kuti ndiriritire mhuri yangu. Hazviite kuti ndiende kumisangano yeungano vhiki nevhiki.”

  • Rugwaro rwupi rwunoita kuti uve nechokwadi kuti kuisa nyaya dzekunamata Jehovha pakutanga muupenyu ndiwo mararamiro akanakisisa?

PFUPISO

Basa nemari zvinodiwa muupenyu, asi hazvizofaniri kutitadzisa kunamata Jehovha.

Kudzokorora

  • Chii chingakubatsira kuti usazokoshesa basa rako zvakapfurikidza?

  • Kugutsikana nezviripo kunokubatsira sei?

  • Ungaratidze sei kuti unovimba nezvakataurwa naJehovha kuti achapa vanhu vake zvekurarama nazvo?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Verenga unzwe kuti Bhaibheri rinoti mari yakaipa here.

“Mari Ndiyo Mudzi Wezvinhu Zvese Zvakaipa Here?” (Nyaya iri paIndaneti)

Mwari anoda kupa kwakaita sei?

“Bhaibheri Rinoti Kudii Nezvekupa?” (Nyaya iri paIndaneti)

Kubheja unongovawo mutambo wekuzvivaraidza here?

“The Bible’s Viewpoint—Gambling” (Awake!, March 2015)

Ona kuti mumwe murume aiita zvekubheja nekupaza dzimba dzevanhu akachinja sei upenyu hwake.

“Ndaifarira Mijaho Yemabhiza Zvisingabviri” (Nharireyomurindi, November 1, 2011)

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe