RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lff chidzidzo 38
  • Koshesa Chipo Cheupenyu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Koshesa Chipo Cheupenyu
  • Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • WEDZERA KUONGORORA
  • PFUPISO
  • WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
  • Bhaibheri Rinotii Nezvekubvisa Pamuviri?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Kubvisa Pamuviri
    Mukai!—2017
  • Kubvisa Pamuviri—Haisi Nzira Yokugadzirisa Dambudziko Isina Mamwe Matambudziko
    Mukai!—2009
  • Kubvisa Pamuviri
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
Ona Zvimwe
Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
lff chidzidzo 38
Chidzidzo 38. Baba naamai nekamwana kavo.

CHIDZIDZO 38

Koshesa Chipo Cheupenyu

Rakaprindwa
Rakaprindwa
Rakaprindwa

Upenyu hwakazara nezvinhu zvinonakidza. Kunyange kana tiine matambudziko, kazhinji pane zvimwe zvinhu zvinenge zvichitotinakidzawo muupenyu. Tingaratidza sei kuti tinokoshesa chipo cheupenyu? Ndechipi chikonzero chikuru chekuti tichikoshese?

1. Nei tichifanira kukoshesa upenyu?

Tinofanira kukoshesa upenyu nekuti chipo chatakapiwa naJehovha, Baba vedu vane rudo. Kwaari “ndiko kunobva upenyu” nekuti ndiye akasika zvinhu zvese. (Pisarema 36:9) “Ndiye anopa vanhu vese upenyu nemweya wekufema nezvinhu zvese.” (Mabasa 17:25, 28) Jehovha ndiye anotipa zvinodiwa nemiviri yedu kuti tirambe tiri vapenyu. Asi anozviita nenzira inoita kuti tinakidzwe neupenyu.—Verengai Mabasa 14:17.

2. Tingaratidza sei kuti tinokoshesa chipo cheupenyu chatakapiwa naJehovha?

Jehovha akatanga kukuda kubva pakabatwa pamuviri pako naamai vako. Dhavhidhi, mumwe munamati waMwari, akafemerwa kunyora kuti: “Maziso enyu akatondiona ndichangotanga kuumbwa.” (Pisarema 139:16) Jehovha anokoshesa upenyu hwako chaizvo. (Verengai Mateu 10:29-31.) Zvingamurwadza chaizvo kana mumwe munhu akasarudza kupfuudza upenyu, kunyange hwake pachake.a (Eksodho 20:13) Zvingamurwadza zvakare kana tichitoita zvekutamba neupenyu tichihuisa pangozi kana kuti tisingatore matanho ekuchengetedza upenyu hwevamwe. Kana tikachengetedza upenyu hwedu, tichiremekedzawo upenyu hwevamwe, tinenge tichitoratidza kuti tinokoshesa chipo chinoshamisa cheupenyu.

WEDZERA KUONGORORA

Ona zvimwe zvaungaita kuti uratidze kuti unokoshesa chipo cheupenyu.

3. Chengetedza utano hwako

VaKristu vakazvitsaurira vanoshandisa zvese zvavari pakushumira Jehovha. Vanoita sevari kupa miviri yavo sechibayiro kuna Mwari. Verengai VaRoma 12:1, 2, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:

  • Chii chinofanira kutipa chido chekuchengetedza upenyu hwedu?

  • Ndezvipi zvaungaita kuti uchengetedze utano hwako?

Mukadzi ane pamuviri ari kutaura nachiremba wake.

4. Ngwarira zvinhu zvinogona kukuvadzisa kana kuurayisa vamwe

Bhaibheri rinotikurudzira kusaita zvinhu zvinogona kukonzera njodzi. Ngationei VHIDHIYO inoratidza zvinhu zvaunogona kuita kuti usapinde munjodzi.

VHIDHIYO: Ngwarira Njodzi (8:34)

Verengai Zvirevo 22:3, mobva makurukura zvaungaita kuti usakonzera njodzi . . .

  • pamba pako.

  • kubasa.

  • paunenge uchitamba mitambo.

  • paunenge uchityaira kana kuti paunokwira motokari nezvimwewo zvekufambisa.

Murume ari mumota achisunga bhandi.

5. Remekedza upenyu hwemwana ari mudumbu

Mukadzi akazvitakura akabata dumbu rake.

Dhavhidhi akanyora detembo rairatidza kuti Jehovha anokoshesa upenyu hwemwana achiri mudumbu uye anocherechedza makuriro aanenge achiita. Verengai Pisarema 139:13-17, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:

  • Kuna Jehovha upenyu hwemunhu hunotanga paanoberekwa here kana kuti panobata amai vake pamuviri?

Mitemo yakapiwa vaIsraeri naJehovha yaichengetedza amai nemwana achiri mudumbu. Verengai Eksodho 21:22, 23, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:

  • Jehovha aiona sei munhu aiuraya mwana ari mudumbu netsaona?

  • Saka aizonzwa sei dai munhu aizviita achiziva?b

  • Unofungei nezvemaonero aMwari panyaya iyi?

Ngationei VHIDHIYO.

VHIDHIYO: Koshesa Upenyu Sezvinoita Mwari (5:00)

Kunyange mukadzi anenge achitokoshesa upenyu angatombofunga kuti hapana zvimwe zvekuita kunze kwekubvisa pamuviri. Verengai Isaya 41:10, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:

  • Kana mukadzi achiona sekuti ari kumanikidzwa kubvisa pamuviri, anofanira kutsvaga rubatsiro kunaani? Nei uchidaro?

VAMWE VANOTI: “Mukadzi ane kodzero yekubvisa pamuviri, nekuti munhu wese anoita zvaanoda nemuviri wake.”

  • Chii chinoita kuti uve nechokwadi kuti Jehovha anokoshesa upenyu hwaamai nehwemwana wavo achiri mudumbu?

PFUPISO

Bhaibheri rinotidzidzisa kuti tide, tiremekedze uye tichengetedze chipo cheupenyu chatakapiwa naJehovha, hungava hwedu kana kuti hwevamwe.

Kudzokorora

  • Nei Jehovha achikoshesa upenyu hwemunhu?

  • Jehovha anonzwa sei kana munhu akasarudza kupfuudza upenyu hwemumwe munhu?

  • Nei uchikoshesa chipo cheupenyu?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Tingaratidza sei kuti tinotenda Jehovha nechipo cheupenyu chaakatipa?

Rwiyo 141—Chishamiso Cheupenyu (2:41)

Inzwa mhinduro yemubvunzo wekuti, Mwari anoregerera mukadzi akambobvisa pamuviri here?

“Bhaibheri Rinotii Nezvekubvisa Pamuviri?” (Nyaya iri paIndaneti)

Verenga unzwe kuti maonero anoita Mwari upenyu anotibatsira sei pakusarudza zvekuzvivaraidza nazvo.

“‘Mitambo Yokunyanyisa’—Unofanira Kuzviisa Pangozi Here?” (Mukai!, October 8, 2000)

Ko kana munhu aine pfungwa dzekuzviuraya? Inzwa kuti Bhaibheri ringamubatsira sei.

“Ndiri Kufunga Kuzviuraya—Bhaibheri Rinogona Kundibatsira Here?” (Nyaya iri paIndaneti)

a Jehovha ane hanya zvikuru nevanhu vakaora mwoyo. (Pisarema 34:18) Anonzwisisa kushungurudzika kunogona kuita kuti munhu ade kuzviuraya, uye anoda kubatsira. Kuti uone kuti Jehovha anogona kubatsira sei munhu kuti akunde pfungwa dzakadaro, verenga nyaya inoti; “Ndiri Kufunga Kuzviuraya—Bhaibheri Rinogona Kundibatsira Here?” iri kutaurwa muchidzidzo chino pachikamu chakanzi “Wedzera Pane Zvawadzidza.”

b Vaya vakambobvisa pamuviri havafaniri kuramba vachizvipa mhosva kana kuzvitongesa nekuti Jehovha anogona kuvaregerera. Kuti unzwe zvakawanda verenga nyaya inoti “Bhaibheri Rinotii Nezvekubvisa Pamuviri?” iri kutaurwa muchidzidzo chino pachikamu chakanzi “Wedzera Pane Zvawadzidza.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe