RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lff chidzidzo 36
  • Iva Munhu Akatendeseka Pazvinhu Zvese

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Iva Munhu Akatendeseka Pazvinhu Zvese
  • Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • WEDZERA KUONGORORA
  • PFUPISO
  • WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
  • Iva Akatendeseka Pazvinhu Zvese
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
  • Iva Akatendeseka Muzvinhu Zvose
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Zvinobatsira Kuva Akatendeseka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Kutendeseka Kwakanakirei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2016
Ona Zvimwe
Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
lff chidzidzo 36
Chidzidzo 36. Murume ari kusaina fomu.

CHIDZIDZO 36

Iva Munhu Akatendeseka Pazvinhu Zvese

Rakaprindwa
Rakaprindwa
Rakaprindwa

Hapana munhu asingadi shamwari yaanovimba nayo. Jehovha anodawo shamwari dzakatendeseka. Asi hazvisi nyore nekuti tiri kurarama munyika yakazara vanhu vasina kuvimbika. Zvakanakirei kuva munhu akatendeseka pazvinhu zvese?

1. Ndechipi chikonzero chikuru chekuva vanhu vakatendeseka?

Kana tiri vanhu vakatendeseka, tinenge tichitoratidza Jehovha kuti tinomuda uye tinomuremekedza. Yeuka kuti Jehovha anoziva zvese zvatinofunga uye zvatinoita. (VaHebheru 4:13) Patinosarudza kuva vanhu vakatendeseka anozviona uye zvinomufadza. Shoko rake rinoti: “Jehovha anosema munhu anonyengera, asi ishamwari yepedyo yevakarurama.”—Zvirevo 3:32.

2. Tingaratidza sei kuti takatendeseka muupenyu hwedu?

Jehovha anoti: “Tauriranai chokwadi.” (Zekariya 8:16, 17) Mashoko aya anorevei? Patinenge tichitaura neveukama, vatinoshanda navo, hama nehanzvadzi dzatinonamata nadzo kana vakuru vakuru vehurumende, hativanyeperi kana kuvataurira zvisiri izvo. Vanhu vakatendeseka havabire vamwe kana kuvatsotsa. (Verengai Zvirevo 24:28 uye VaEfeso 4:28.) Vanobhadharawo mitero yese. (VaRoma 13:5-7) Panyaya idzi nedzimwewo, tinoratidza kuti tiri vanhu “vakatendeseka pazvinhu zvese zvatinoita.”—VaHebheru 13:18.

3. Zvakanakirei kuva munhu akatendeseka?

Kana vanhu vachitiziva nekutendeseka, vanovimba nesu. Izvi zvinobatsira kuti vanhu vari muungano vanyatsoita semhuri imwe chete. Tinova nehana isingazvitongesi. Kana takatendeseka tinoita kuti “dzidziso yeMuponesi wedu, Mwari, ioneke kunaka kwayo,” zvoita kuti vamwe vanhu vade kushumirawo Jehovha.—Tito 2:10.

WEDZERA KUONGORORA

Ona kuti kutendeseka kunokubatsira sei uye kuti kana wakatendeseka, Jehovha anokuona sei. Onawo kuti ungaratidza sei kutendeseka pazvinhu zvakasiyana-siyana muupenyu.

4. Jehovha anofadzwa nevanhu vakatendeseka

Verengai Pisarema 44:21 uye Maraki 3:16, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:

  • Nei kuri kuzvinyepera kufunga kuti tinokwanisa kuvanza chokwadi?

  • Unofunga kuti Jehovha anonzwa sei patinosarudza kutaura chokwadi kunyange pazvinenge zvisiri nyore?

Mwana ari kutaura nababa vake achibvuma kuti ndiye adeura chinwiwa changa chiri mugirazi.

Kana vana vachitaura chokwadi vanoita kuti vabereki vavo vafare. Patinotaurawo chokwadi tinoita kuti Jehovha afare

5. Iva munhu akatendeseka nguva dzese

Vanhu vakawanda vanofunga kuti dzimwe nguva hazviiti kuti urambe wakatendeseka. Asi ona kuti nei tichifanira kuva vanhu vakatendeseka nguva dzese. Ngationei VHIDHIYO.

VHIDHIYO: Mufaro Unobva Pai?—Hana Yakachena (2:32)

Pikicha yakatorwa muvhidhiyo inonzi ‘Mufaro Unobva Pai?—Hana Yakachena.’ Ben ari kuudza mukuru wake webasa kuti auraya muchina unodhura.

Verengai VaHebheru 13:18, mobva makurukura kuti tingaratidza sei kutendeseka . . .

  • mumhuri.

  • kuchikoro.

  • pane dzimwewo nyaya.

6. Kutendeseka kunotibatsira

Kutendeseka kunogona kuita kuti tisangane nemamwe matambudziko. Asi nekufamba kwenguva, tinozoona kuti kutendeseka ndiyo nzira yakanakisisa. Verengai Pisarema 34:12-16, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:

  • Kutendeseka kunovandudza sei upenyu hwako?

A. Murume nemudzimai vari kukurukura vachinwa kofi. B. Makanika ari kurumbidzwa nemukuru wepabasa pake. C. Murume ari mumota ari kuratidza mupurisa raisenzi.
  1. Kana murume nemudzimai vakavimbika, imba yavo inosimba

  2. Vashandi vakatendeseka vanovimbwa navo nevakuru vavo pamabasa

  3. Vanhu vakatendeseka munyika vanoyemurwa nehurumende

VAMWE VANOTI: “Kunyepa patunyaya tudiki hakuna basa.”

  • Unofunga kuti pane dzimwe nhema dzinofarirwa naJehovha here?

PFUPISO

Jehovha anoda kuti shamwari dzake dzitendeseke pane zvese zvadzinotaura uye zvadzinoita.

Kudzokorora

  • Tingaratidza sei kuti takatendeseka?

  • Nei kuri kuzvinyepera kufunga kuti tinokwanisa kuvanza chokwadi?

  • Nei uchifanira kuva akatendeseka nguva dzese?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Vabereki vangadzidzisa sei vana vavo kuva vakatendeseka?

Taura Chokwadi (1:44)

Kuita zvatinenge tavimbisa kunobatsirei?

Ita Zvawakavimbisa Kuti Uwane Makomborero (9:09)

Ona kuti nei tichifanira kubhadhara mitero pasinei nekuti inoshandiswa sei.

“Mitero—Unofanira Kuibhadhara Here?” (Nharireyomurindi, September 1, 2011)

Mumwe murume aibiridzira vanhu akachinja sei upenyu hwake?

“Ndakadzidza Kuti Jehovha Ane Ngoni Uye Anoregerera” (Nharireyomurindi, May 1, 2015)

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe