Swedera Pedyo naMwari
Pane Chinhu Chinogona “Kutiparadzanisa Norudo rwaMwari” Here?
NDIANI asingadi kudiwa? Chokwadi, tinobudirira patinonzwa kuti tiri kudiwa nemhuri yedu uye neshamwari dzedu. Zvisinei, zvinosuwisa kuti ukama hwevanhu hunogona kuparara uye kuchinja chero nguva. Vanhu vatinoda vangatirwadzisa, vangatisiya, kana kutiramba. Asi pane mumwe munhu anongoramba achitida nyange zvikadii. Kudiwa kwatinoitwa naJehovha Mwari kunorondedzerwa zvinobaya mwoyo pana VaRoma 8:38, 39.
Muapostora Pauro anoti, “ndine chokwadi.” Chokwadi chei? Chokuti hapana chinogona “kutiparadzanisa norudo rwaMwari.” Pauro haasi kutaura nezvake oga asiwo anoti “kutiparadzanisa”—kureva vanhu vose vanoshumira Mwari vakavimbika. Kuti ajekese pfungwa yake, Pauro anotaura zvinhu zvinoverengeka zvisingatadzisi Jehovha kuda vashumiri vake vakazvipira.
“Rufu kana upenyu.” Jehovha haaregi kuda vanhu vake kana vafa. Zvimwe zvinoratidza kuti anenge achivada ndezvokuti anoramba achivayeuka uye achazovamutsa munyika itsva yakarurama iri kuuya. (Johani 5:28, 29; Zvakazarurwa 21:3, 4) Panguva imwe chete, madiro anoita Mwari vanhu vake haachinji pasinei nezvingaitika kwavari muupenyu hwavo.
“Kana ngirozi kana hurumende.” Vanhu vanogona kufurirwa nevanhu vane simba kana kuti vane chiremera, asi Jehovha haafurirwi saizvozvo. Zvisikwa zvomudzimu zvine simba zvakadai sengirozi yakazova Satani, hazvigoni kutsvetera Mwari kuti arege kuda vanomunamata. (Zvakazarurwa 12:10) Kunyange hurumende dzinopikisa vaKristu vechokwadi, hadzichinji maonero anoita Mwari vashumiri vake.—1 VaKorinde 4:13.
“Kana zvinhu zviripo iye zvino kana zvinhu zvichauya.” Rudo rwaMwari haruperi nokufamba kunoita nguva. Hapana chero chinhu chipi zvacho chingawira vashumiri vaMwari iye zvino kana kuti munguva yemberi chingaita kuti arege kuvada.
“Kana masimba.” Pauro akanga ambotaura nezvezviremera zvokudenga nezvepasi achireva “ngirozi” ne“hurumende,” asi iye zvino anotaura nezve“masimba.” Shoko rechiGiriki rakashandiswa pano rinoreva zvakawanda. Chero zvarinoreva chaizvo, chokwadi ndechokuti: Hapana simba riri kudenga kana panyika rinogona kutadzisa Jehovha kuda vanhu vake.
“Kana kukwirira kana kudzika.” Jehovha anoda vanhu vake pasinei nemamiriro avo ezvinhu, akanaka kana kuti asina kunaka avanozviwana vari maari.
“Kana chimwe chinhu chakasikwa.” Nemashoko aya anoreva zvisikwa zvose, Pauro akanga ari kuti hapana zvachose chinhu chingaparadzanisa vashumiri vakavimbika norudo rwaJehovha.
Kusiyana norudo rwevanhu runogona kuchinja kana kupera, kuda kunoita Mwari vaya vanotenda maari hakuchinji; hakugumi. Chokwadi kuziva izvi kunoita kuti tiswedere pedyo naJehovha uye tiedze zvose zvatinogona tichiratidza kuti tinomuda.