RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 8/1 p. 26
  • Waizviziva Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Waizviziva Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Mashoko Akafanana
  • Ushumiri Patembere Hunopedzwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Sayenzi Yezvinocherwa Mumatongo—Ndiyo Ingaita Kuti Tive Nokutenda Here?
    Mukai!—2002
  • Kuraramazve Mumazuva Okupedzisira aJesu Pasi Pano
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 8/1 p. 26

Waizviziva Here?

Jesu aitaura mutauro upi?

Nyanzvi hadzibvumirani kuti Jesu aitaura mutauro upi. Zvisinei, paaiva munhu panyika ino, zvinoita sokuti Jesu aitaura chiHebheru nendimi yechiAramaiki. Jesu paakaenda kuNazareta muGarireya ndokupinda musinagogi akaverenga uprofita hwaIsaya, zviri pachena kuti hwakanga hwakanyorwa muchiHebheru. Bhaibheri harimbotauri kuti Jesu akashandura ndima iyi achiisa muchiAramaiki.—Ruka 4:16-21.

Nezvemitauro yaishandiswa kuPalestine Jesu Kristu paaiva panyika, Professor G. Ernest Wright anoti: “Zviri pachena kuti chiGiriki nechiAramaiki ndiyo mitauro yainyanya kutaurwa . . . Masoja uye vakuru vakuru vokuRoma vaigona kunzwiwa vachitaurirana muchiLatin, ukuwo vaJudha chaivo vangangodaro vaitaura chiHebheru chomuzana remakore rokutanga.” Ndosaka chikwangwani chakaiswa naPirato padanda rokutambudzikira raJesu chaiva chakanyorwa mumitauro mitatu inoti, chiHebheru, chiLatin nechiGiriki.—Johani 19:20.

Alan Millard mubhuku rake rinonzi Discoveries From the Time of Jesus (Zvakawanikwa Zvomunguva yaJesu) anoti: “Zviri pachena kuti magavhuna eRoma paaiita mabasa awo ezuva nezuva aitaura chiGiriki, uye Jesu angangodaro akapindura nechiGiriki zvaibvunzwa naPirato paaitongwa.” Kunyange zvazvo Bhaibheri risingatauri kuti izvi ndizvo zvazvaiva, zvinofadza kuona kuti hapana panotaura kuti paiva nomuturikiri pavaitaura vose.—Johani 18:28-40.

Maererano naProfessor Wright, “hatina imwe nzira yatinoziva nayo kuti Jesu aitaura chiGiriki kana kuti chiLatin, asi paaidzidzisa muushumiri hwake aiwanzotaura chiAramaiki kana kuti chiHebheru chakasanganiswa nechiAramaiki.”—Biblical Archaeology, 1962, peji 243.

Matombo etemberi yaiva muJerusarema akanga akakura zvakadini?

Pavaitaura naJesu nezvetemberi yaiva muJerusarema, vadzidzi vake vakati: “Mudzidzisi, onai! matombo acho kuti akaita sei uye zvivako zvacho kuti zvakaita sei!” (Mako 13:1) Asi, mamwe matombo acho akanga akakura zvakadini?

Panguva yakazosvika Jesu panyika, Mambo Herodhi akanga awedzera kukura kweGomo reTemberi nekaviri kupfuura riya romunguva yaSoromoni. Ndiro raiva hombe kupfuura mamwe ose akanga aitwa nevanhu kare ikako, raiva rakareba mamita 480 uye rakafara mamita 280. Mamwe matombo okuvakisa anonzi akanga akareba mamita 11, akafara mamita 5, uye akakwirira mamita 3. Pane mashoma airema kupfuura matani 50. Imwe nyanzvi inotaura nezverimwe rairema matani anoda kusvika 400 uye “rakanga risina raraiva rakaenzana naro kare ikako.”

Jesu paaipindura zvakanga zvataurwa nevadzidzi vake, akati: “Unoona zvivako izvi zvikuru here? Hapana dombo richazombosiyiwa pano riri pamusoro perimwe dombo risingakoromorwi.” (Mako 13:2) Matombo akawanda akakura kudaro achiri kuonekwa ari paakadonhera paakakuduburwa ndokusundirwa pasi nemasoja eRoma muna 70 C.E.

[Mufananidzo uri papeji 26]

Matombo etemberi akadonhedzwa pasi kunze kwegomo retemberi, muJerusarema

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe