Mwari Munhu Chaiyeiye Here?
Mhinduro dzinowanzotaurwa:
◼ “Ari pose pose, muzvinhu zvose. Akafanana nemhepo.”
◼ “Anongova simba rine uchenjeri risiri munhu.”
Jesu akati kudii?
◼ “Mumba maBaba vangu mune nzvimbo zhinji dzokugara.” (Johani 14:2) Jesu akataura kuti Mwari ane imba yokufananidzira, kana kuti nzvimbo yokugara.
◼ “Ndakabva kuna Baba ndikauya munyika. Uyezve, ndiri kubva munyika uye ndiri kuenda kuna Baba.” (Johani 16:28) Jesu aidavira kuti Mwari munhu chaiyeiye anorarama ane kwaanogara.
JESU haana kumboti Mwari isimba risingaoneki. Asi aitaura naMwari uye ainyengetera kwaari. Aigara achitaura nezvaJehovha saBaba vake vokudenga, mashoko anoratidza kuti iye naMwari vane ukama hwakasimba.—Johani 8:19, 38, 54.
Ndezvechokwadi kuti “hapana munhu akamboona Mwari chero panguva ipi zvayo” uye kuti “Mwari Mudzimu.” (Johani 1:18; 4:24) Asi izvi hazvirevi kuti haana muviri. Bhaibheri rinotiudza kuti: “Kana kuine muviri wenyama, kunewo womudzimu.” (1 VaKorinde 15:44) Saka Jehovha ane muviri womudzimu here?
Hungu. Jesu paakazomutswa, aka“pinda . . . mudenga chaimo, zvino kuti aoneke pamberi paiye Mwari nokuda kwedu.” (VaHebheru 9:24) Izvi zvinotidzidzisa zvinhu zviviri zvinokosha nezvaMwari. Chokutanga, ane pokugara. Chechipiri, munhu chaiyeiye, haasi simba risingaoneki rinongowanikwa pose pose.
Saka zvinoita sei kuti Mwari aratidze simba rake pazvinhu zviri kwose kwose? Mwari anogona kutuma mudzimu mutsvene wake, kana kuti simba rinoshanda, kunzvimbo ipi zvayo iri muchisiko. Kungofanana nababa vanotambanudza ruoko rwavo kuti vanyaradze uye vatsigire vana vavo, Mwari anotuma mudzimu mutsvene wake kuita zvinangwa zvake.—Pisarema 104:30; 139:7.
Sezvo Mwari ari Munhu, anewo zvaanofarira nezvaasingafariri, zvinogona kuchinja manzwiro aanoita. Bhaibheri rinotiudza kuti Mwari anoda vanhu vake, anofarira mabasa ake, anovenga kunamata zvidhori, anorwadziwa panoitwa zvakaipa. (Genesisi 6:6; Dheuteronomio 16:22; 1 Madzimambo 10:9; Pisarema 104:31) Pana 1 Timoti 1:11 anonzi ndi“Mwari anofara.” Ndosaka Jesu akati tinogona kudzidza kuda Mwari akadai nomwoyo wose!—Mako 12:30.a
[Mashoko Omuzasi]
a Kuti uwane mamwe mashoko nezvenyaya iyi, ona chitsauko 1 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]
Kungofanana nababa vanotambanudza ruoko rwavo, Mwari anotuma mudzimu mutsvene wake kuita zvinangwa zvake