RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 2/1 pp. 16-17
  • Nezveminyengetero Inonzwiwa naMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nezveminyengetero Inonzwiwa naMwari
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Minyengetero yose inofadza Mwari here?
  • Tinofanira kunyengeterera chii?
  • Tinofanira kunyengeterera vamwe here?
  • Nei tisingafaniri kurega kunyengetera?
  • Chipo Chatakapiwa naMwari Chemunyengetero
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Kuswedera Pedyo naMwari Mumunyengetero
    Mwari Anodei Kwatiri?
  • Swedera Pedyo naMwari Nekunyengetera
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Swedera Pedyo naMwari Nokunyengetera
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 2/1 pp. 16-17

Zvatinodzidziswa naJesu

Nezveminyengetero Inonzwiwa naMwari

Jesu aiwanzotsvaka nzvimbo isina ruzha kuti anyengetere, uye akakurudzira vateveri vake kuti vaitewo saizvozvo. Bhaibheri rinoti: “Panguva yaakanga ari mune imwe nzvimbo achinyengetera, paakapedza, mumwe wevadzidzi vake akati kwaari: ‘Ishe, tidzidzisei kunyengetera’ . . . Akabva ati kwavari: ‘Pose pamunonyengetera, itii, “Baba, zita renyu ngaritsveneswe.”’” (Ruka 5:16; 11:1, 2) Saka Jesu akaratidza kuti tinofanira kunyengetera kuna Baba vake chete, Jehovha. Iye chete ndiye Musiki wedu uye “Munzwi womunyengetero.”—Pisarema 65:2.

Minyengetero yose inofadza Mwari here?

Kudzokorora minyengetero yokutaura nomusoro hakufadzi Mwari. Jesu akati: “Paunenge uchinyengetera, usadzokorora-dzokorora zvinhu zvakafanana.” (Mateu 6:7) Tinofanira kutaura naBaba vedu vokudenga zvichibva mumwoyo. Pane imwe nguva, Jesu akajekesa kuvateveri vake kuti minyengetero yevaitadza uye yevaida nomwoyo wose kuchinja yaifadza Mwari kupfuura minyengetero yomurume aizvikudza ainyatsotevedzera tsika dzechitendero. (Ruka 18:10-14) Saka kuti minyengetero yedu inzwiwe, tinofanira kuzvininipisa tichiedza kuita zvatinoudzwa naMwari. Kunyange Jesu akati: “Ndinotaura zvinhu izvi sokudzidziswa kwandakaitwa naBaba . . . ndinogara ndichiita zvinhu zvinomufadza.” (Johani 8:28, 29) Paainyengetera, Jesu akataura kuti: “Kuda kwangu ngakurege kuitwa, asi kwenyu.”—Ruka 22:42.

Tinofanira kunyengeterera chii?

Sezvo zita raMwari rakazvidzwa, Jesu akati: “Saka, munofanira kunyengetera seizvi: ‘Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.’” (Mateu 6:9, 10) Tinofanira kunyengeterera Umambo hwaMwari kuti huuye nokuti ihurumende ichashandiswa naMwari kuti zvaanoda zviitwe kudenga uye pasi. Jesu akati tinogona kunyengeterera “zvokudya zvedu zvanhasi.” Tinogona kukumbira Jehovha kuti tiwane basa, pokugara, zvokupfeka, zvine chokuita noutano, uye zvimwe zvinokosha. Jesu akawedzerawo kuti tinogona kunyengeterera kukanganwirwa.—Ruka 11:3, 4.

Tinofanira kunyengeterera vamwe here?

Jesu ainyengeterera vamwe. Bhaibheri rinotiudza kuti: “Vana vaduku vakaunzwa kwaari, kuti aise maoko ake pavari uye kuti anyengetere.” (Mateu 19:13) Jesu paaitaura nomuapostora Petro akati: “Ndakakutetererera kuti kutenda kwako kurege kupera.” (Ruka 22:32) Jesu akakurudzira vateveri vake kuti vanyengeterere vamwe, kunyange vanenge vachivatambudza nevanenge vachivatuka.—Mateu 5:44; Ruka 6:28.

Nei tisingafaniri kurega kunyengetera?

Jesu aiva nenguva yaainyengetera uye akakurudzira vateveri vake “kugara vachinyengetera vasinganeti.” (Ruka 18:1) Jehovha anoda kuti tiratidze kuti tinomuvimba nokugara tichimuudza zvinhu zvinotinetsa. Jesu akati: “Rambai muchikumbira, uye muchazvipiwa.” Asi izvi hazvirevi kuti Jehovha anenge asingadi kupindura minyengetero yevaya vanomuda nokumuremekedza saBaba. Asi Jesu akati: “Kana imi muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, kunyange zvazvo makaipa, Baba vari kudenga vachapa vaya vanovakumbira mudzimu mutsvene zvikuru sei!”—Ruka 11:5-13.

Kuti uwane mamwe mashoko, ona chitsauko 17 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?a

[Mashoko Omuzasi]

a Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe