RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 2/1 p. 6
  • Mwari Anonzi Ani?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Anonzi Ani?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Zita raMwari
    Mukai!—2017
  • Zita raMwari Ndiani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2019
  • Unoziva Zita raMwari Uye Unorishandisa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Nei Tichifanira Kushandisa Zita raMwari?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 2/1 p. 6

Mwari Anonzi Ani?

Mhinduro dzinowanzotaurwa:

▪ “Anonzi Mwari.”

▪ “Haana zita.”

Jesu akati kudii?

▪ “Saka, munofanira kunyengetera seizvi: ‘Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe.’” (Mateu 6:9) Jesu aidavira kuti Mwari ane zita.

▪ “Ndakavazivisa zita renyu uye ndicharizivisa, kuti rudo rwamakandida narwo ruve mavari uye ini ndive pamwe navo.” (Johani 17:26) Jesu akaita kuti zita raMwari rizivikanwe.

▪ “Hamuchazombondioni kusvikira mati, ‘Akakomborerwa iye anouya muzita raJehovha!’” (Ruka 13:35; Pisarema 118:26) Jesu aishandisa zita raMwari.

MWARI pachake anotiudza zita rake. Zvinonzi akati: “Ndini Jehovha, ndiro zita rangu.”a (Isaya 42:8, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Zita rechiHebheru raakazvipa rinodanwa kuti Jehovha muchiShona. Zvingakushamisa kuziva kuti zita iri rechiHebheru rakasiyana nemamwe rinowanikwa kane zviuru muzvinyorwa zvekare zveBhaibheri. Kutaura zvazviri, rinowanikwa kakawanda kupfuura mamwe mazita anotaurwa muBhaibheri.

Vamwe vangapindura mubvunzo wokuti, “Mwari anonzi ani?” vachiti, “anonzi Mwari.” Zvisinei, vanenge vasina zvavataura, zvakangofanana nokupindura mubvunzo wokuti, “Ndiani akakunda pasarudzo?” uchiti, “munhu aikwikwidza.” Idzi hadzisi mhinduro dzakajeka, nokuti “Mwari” uye “munhu aikwikwidza” haasi mazita.

Nei Mwari akatiudza zita rake? Nokuti aida kuti tinyatsomuziva. Somuenzaniso, munhu anogona kuti Va-, Shefu, Baba kana kuti Sekuru, zvichienderana nemamiriro ezvinhu. Mazita okuremekedza aya ane zvaanotaura nezvomunhu wacho. Asi zita chairo romunhu rinotiyeuchidza zvose zvatinoziva nezvake. Saizvozvowo, mazita okuremekedza okuti Mwari, Wemasimbaose, Baba, uye Musiki anoita kuti tifunge nezvezvinhu zvakasiyana-siyana zvaakaita. Asi zita rake chairo rokuti Jehovha, ndiro rinotiyeuchidza zvose zvatinoziva nezvake. Unganyatsoziva sei Mwari usingazivi zita rake?

Zvinokoshawo kushandisa zita iroro, kwete kungoriziva chete. Nei? Nokuti Bhaibheri rinotiudza kuti: “Munhu wose anodana zita raJehovha achaponeswa.”—VaRoma 10:13; Joeri 2:32.

[Mashoko Omuzasi]

a Kuti uwane mamwe mashoko nezvezvinoreva zita raMwari, uye kuti nei dzimwe shanduro dzemaBhaibheri dzisina zita racho, ungaenda pamapeji 195-197 ebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]

Somuenzaniso, munhu anogona kuti Va-, Shefu, Baba kana kuti Sekuru, zvichienderana nemamiriro ezvinhu. Asi zita chairo romunhu rinotiyeuchidza zvose zvatinoziva nezvake

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe