RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Nhema 1: Mweya Haufi
    Nharireyomurindi—2009 | November 1
    • Nhema 1: Mweya Haufi

      Dzidziso yenhema iyi yakabva kupi?

      “Vazivi vekare vechiKristu ndivo vakatanga kushandisa dzidziso yechiGiriki yokuti mweya haufi uye vaifunga kuti mweya wakasikwa naMwari uye wakaiswa naMwari mumuviri pakunambwa.”—The New Encyclopædia Britannica (1988), Volume 11, peji 25.

      Bhaibheri rinotii?

      “Mweya unotadza, uchafa.”—Ezekieri 18:4, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

      Nezvokusikwa kwomunhu wokutanga, Bhaibheri rinoti: “Jehovha Mwari akaumba munhu neguruva revhu, akafuridzira mweya woupenyu mumhino dzake; munhu akava mweya mupenyu [chiHebheru, neʹphesh].”—Genesisi 2:7.

      Shoko rechiHebheru rokuti neʹphesh, rakashandurwa kuti “mweya,” rinoreva ‘chisikwa chinofema.’ Mwari paakasika munhu wokutanga Adhamu, Haana kuisa maari mweya usingafi asi simba rinopa upenyu rinotsigirwa nokufema. Saka, “mweya” unotaurwa neBhaibheri unoreva chinhu chipenyu chacho chose zvacho. Kana mweya ukasawana simba roupenyu rinopiwa naMwari, unofa.—Genesisi 3:19; Ezekieri 18:20.

      Dzidziso yokuti mweya haufi yakakonzera mimwe mibvunzo: Mweya unoenda kupi kana rufu rwaitika? Chii chinoitika kumweya yakaipa? Vanozviti vaKristu pavanobvuma nhema dzinoti mweya haufi, izvi zvinoita kuti vabvume imwezve dzidziso yenhema yokuti kune moto unonzi hero.

      Enzanisa nendima idzi dziri muBhaibheri: Muparidzi 3:19; Mateu 10:28; Mabasa 3:23

      CHOKWADI:

      Parufu munhu anenge asisipo

  • Nhema 2: Vakaipa Vachatambura Muhero
    Nharireyomurindi—2009 | November 1
    • Nhema 2: Vakaipa Vachatambura Muhero

      Dzidziso yenhema iyi yakabva kupi?

      “Pamagodobori ose ezivo echiGiriki, Plato ndiye akanyanya kudzidzisa zvedzidziso yeHero.”—Histoire des enfers (The History of Hell), naGeorges Minois, peji 50.

      “Kubvira pakati pezana remakore rechipiri AD vaKristu vakanga vadzidziswa ruzivo rwechiGiriki vakatanga kuona kuti vaifanira kuratidza kutenda kwavo . . . Uzivi hwavaifarira vose ndohuya hwaidzidziswa naPlato.”—The New Encyclopædia Britannica (1988), Volume 25, peji 890.

      “Dzidziso yeChechi inopupurira kuvapo kwehero uye kuti ndeyekusingaperi. Nenguva isipi pashure porufu mweya yevaya vanofa vachiita zvivi inoenda kuhero, kwainondotambura zvirango zvomuhero, ‘moto usingaperi.’ Chirango chikuru muhero ndechokuparadzaniswa naMwari nokusingaperi.”—Catechism of the Catholic Church, 1994 edition, peji 270.

      Bhaibheri rinotii?

      “Nokuti vapenyu vanoziva kuti vachazofa, asi vakafa havana chavanoziva, . . . Nokuti hakuna basa, kana zano, kana zivo, kana uchenjeri paSheori kwaunoenda.”—Muparidzi 9:5, 10, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

      Shoko rechiHebheru rokuti Sheori, rinoreva “kunogara vakafa,” rinoshandurwa kuti “hero” mune mamwe maBhaibheri. Ndima iyi inoratidzei nezvevakafa? Vanotambura here muSheori nechinangwa chokuyananisirwa zvivi? Kwete, nokuti “havana chavanoziva.” Ndosaka tateguru Jobho, paaitambura kwazvo pamusana pourwere hwakakomba, akakumbira Mwari kuti: “Ndidzivirirei muhero [chiHebheru, Sheori].” (Jobho 14:13; Douay-Rheims Version) Mashoko ake okukumbira aizorevei kudai Sheori yaiva nzvimbo inotambudzwa vanhu nokusingaperi? MuBhaibheri, hero zvinongoreva guva kunoenda vanhu vose, hakuna chinoitwako.

      Izvi hazviratidzi here kuti tsanangudzo iyi ine musoro uye inowirirana neMagwaro? Zvisinei, Mwari werudo angazotambudzirei munhu nokusingaperi zvakadaro? (1 Johani 4:8) Asi kana dzidziso yokuti kune moto unonzi hero iri yenhema, zvakadii nezvedenga?

      Enzanisa nendima idzi dziri muBhaibheri: Pisarema 146:3, 4; Mabasa 2:25-27; VaRoma 6:7, 23

      CHOKWADI:

      Mwari haarangi vanhu muhero

  • Nhema 3: Vanhu Vose Vakanaka Vanoenda Kudenga
    Nharireyomurindi—2009 | November 1
    • Nhema 3: Vanhu Vose Vakanaka Vanoenda Kudenga

      Dzidziso yenhema iyi yakabva kupi?

      Pashure pokunge vaapostora vaJesu vafa, pakutanga kwezana remakore rechipiri C.E., Madzibaba eChechi ekare akaramba achikurumbira. Ichirondedzera dzidziso dzavo, New Catholic Encyclopedia (2003), Volume 6, peji 687, inoti: “Dzidziso yakanga yakakurumbira yaiva yokuti upenyu hwokufara kudenga hwaizopiwa mweya unenge wabva pamuviri nokukurumidza pashure pokuchenesa chero kupi zvakwo kunoitwa pashure porufu.”

      Bhaibheri rinotii?

      “Vanofara vanyoro, nokuti vachagara nhaka yenyika.”—Mateu 5:5.

      Kunyange zvazvo Jesu akavimbisa vadzidzi kuti ‘aizovagadzirira nzvimbo’ kudenga, akaratidza kuti vakarurama vakanga vasiri kungozoerekana vaenda ikoko. (Johani 3:13; 14:2, 3) Haana kunyengetera here kuti kuda kwaMwari kuitwe “panyika, sezvakunoitwa kudenga”? (Mateu 6:9, 10) Kutaura zvazviri, vakarurama vakamirira kuenda kune imwe yenzvimbo mbiri idzi. Vashomanana vachatonga naKristu kudenga, asi vazhinji vachararama nokusingaperi pasi pano.—Zvakazarurwa 5:10.

      Nokufamba kwenguva, chechi yokutanga yakachinja maonero ayo ebasa rayo pasi pano. Zvikaguma nei? The New Encyclopædia Britannica inoti, “Sangano rechechi rakaramba richichinja Umambo hwaMwari hwaitarisirwa.” Chechi yakatanga kusimbisa simba rayo nokupindira mune zvematongerwo enyika, ichirega kuteerera mashoko aJesu akajeka okuti vateveri vake vaisafanira kuva “venyika.” (Johani 15:19; 17:14-16; 18:36) Ichitungamirirwa naMambo weRoma Constantine, chechi yakasiya zvimwe zvayaitenda, kusanganisira iye Mwari wacho chaiye.

      Enzanisa nendima idzi dziri muBhaibheri: Pisarema 37:10, 11, 29; Johani 17:3; 2 Timoti 2:11, 12

      CHOKWADI:

      Ruzhinji rwevanhu vakanaka ruchararama nokusingaperi pasi pano—kwete kudenga

  • Nhema 4: Mwari Utatu
    Nharireyomurindi—2009 | November 1
    • Nhema 4: Mwari Utatu

      Dzidziso yenhema iyi yakabva kupi?

      “Pakupedzisira zvikaongororwa, zvinoita sokuti dzidziso yoUtatu yakatanga zana remakore rechina rava kunopera. Zvinoita sezvechokwadi . . . Dzidziso yokuti ‘Mwari mumwe chete ari Muvanhu vatatu’ yakanga isati yanyatsotangwa, kutaura zvazviri yakanga isingagamuchirwi zvizere muupenyu hwevaKristu uye mune zvavaitenda zana remakore rechina risati rasvika.”—New Catholic Encyclopedia (1967), Volume 14, peji 299.

      “VeCouncil of Nicaea vakaungana musi waMay 20, 325 [C.E.]. Constantine ndiye aiva sachigaro, achitungamirira zvaikurukurwa ipapo, uye iye pachake . . . ndiye akataura dzidziso huru iyi achitaura ukama huri pakati paKristu naMwari padzidziso yakazobvumiranwa nedare racho, ‘yokuti munhu mumwe chete naBaba.’. . . Achitya mambo, mabhishopu ose, kunze kwevaviri chete, vakasaina chibvumirano chedzidziso yacho, vakawanda vavo vachiita zvaipesana nemwoyo yavo.”—Encyclopædia Britannica (1970), Volume 6, peji 386.

      Bhaibheri rinotii?

      “[Stefani] azere noMweya Mutsvene, akatarisisa kudenga, akaona kubwinya kwaMwari, naJesu amire kuruoko rworudyi rwaMwari, akati: ‘Tarirai, ndinoona denga rakazarurwa, noMwanakomana womunhu amire kuruoko rworudyi rwaMwari.’”—Mabasa 7:55, 56, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

      Zvaakaona izvi zvinoratidzei? Azadzwa nesimba raMwari rinoita basa, Stefani akaona Jesu “amire kuruoko rworudyi rwaMwari.” Zviri pachena kuti Jesu haana kunova Mwari zvakare pashure pokunge amutswa aenda kudenga asi, akava mumwewo munhu womudzimu. Hapana kutaura nezvomunhu wechitatu aiva pedyo naMwari munhoroondo iyi. Pasinei nezvakaedzwa kuitwa kutsvaka ndima dzomuMagwaro dzinotsigira dzidziso yoUtatu, mupristi wokuDominican anonzi Marie-Émile Boismard akanyora mubhuku rake rinonzi, À l’aube du christianisme—La naissance des dogmes (Pakatanga chiKristu—Dzidziso Yacho Yakatangawo): “Mashoko okuti vanhu vatatu vanoumba Mwari mumwe chete . . . hauna paunoaverenga muTestamende Itsva.”

      Dzidziso yakatsigirwa naConstantine yakaitirwa chinangwa chokugumisa kukakavadzana kwaiitika muChechi yomuzana remakore rechina. Zvisinei, chaizvoizvo yakakonzera mumwe mubvunzo: Mariya, mukadzi akabereka Jesu, aiva “Amai vaMwari” here?

      Enzanisa nendima idzi dziri muBhaibheri: Mateu 26:39; Johani 14:28; 1 VaKorinde 15:27, 28; VaKorose 1:15, 16

      CHOKWADI:

      Dzidziso yoUtatu yakatanga zana remakore rechina rava kunopera

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe