RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w12 2/1 p. 25
  • Nyika Ichaparara Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nyika Ichaparara Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Nyika Ichaparadzwa Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Pasi
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Pasi Richaguma Nomoto Here?
    Mukai!—1997
  • Zvichabudiswa Pachena Nezuva raJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
w12 2/1 p. 25

Vaverengi Vanobvunza Kuti . . .

Nyika Ichaparara Here?

▪ Vamwe vaifunga kuti nyika yaizoparara musi wa21 October, 2011. Asi hazvina kuitika. Saka zvakanga zvaprofitwa nemushamarari weparedhiyo wokuUnited States anonzi Harold Camping hazvina kuzadzika. Akanga ataura kuti Zuva Rokutongwa raizouya musi wa21 May, 2011 paizodengenyeka nyika iyo yaakati yaizoparara kwapera mwedzi mishanu, musi wa21 October.

Asi pasi harisi kuzomboparara. Musiki wenyika haasi kuzomborega izvozvo zvichiitika. Shoko rake rinoti: “Makasimbisa nyika kwazvo, kuti irambe yakamira.”—Pisarema 119:90.

Zvisinei, vamwe vaverengi veBhaibheri vangapikisa pfungwa iyi vachiti nyika ichaparadzwa nemoto. Vanoti izvi ndizvo zvinotaurwa pana 2 Petro 3:7, 10 iyo inoti: “Neshoko iroro matenga nenyika zviripo iye zvino zvakachengeterwa moto uye zviri kuchengeterwa zuva rokutongwa nerokuparadzwa kwevanhu vasingadi Mwari. . . . Asi zuva raJehovha richauya sembavha, mariri matenga achapfuura nokutinhira, asi zvinhu zvacho zvichipisa kwazvo zvichanyungudutswa, uye nyika nemabasa ari mairi zvichava pachena.” Asi tinofanira kutora mashoko aya aPetro sezvaari here?

Kwete, hatifaniri kudaro? Nei? Nokuti dudziro yemashoko aya inofanira kuenderana nezvimwe zvaitaurwa naPetro mutsamba yake uye inofanirawo kuenderana neBhaibheri rose. Kana tikatora mashoko aPetro sezvaari, zvinenge zvichireva kuti zvinhu zvose zviri muchadenga zvinosanganisira mabhiriyoni nemabhiriyoni enyeredzi nezviri pasi pano, zvichaparadzwa nemoto nemhaka yokungoti pasi pano paita vanhu vakaipa. Ungaparadza dzimba dzose dziri munyika nokungoti chete pane imba yomumwe munhu isina kuvakwa pachitevedzerwa purani here? Haungamboiti zvinhu zvisina musoro zvakadaro. Saizvozvowo, Jehovha haangamboparadzi zvinhu zvose zvaakasika nokungoti chete panyika paita vanhu vasingamuteereri.

Pfungwa iyoyo haitomboenderani nemashoko aJesu Kristu okuti: “Vanofara vanyoro, nokuti vachagara nhaka yenyika.” (Mateu 5:5; Pisarema 37:29) Baba vane rudo vangavakira mhuri yavo imba yakanaka vobva vaipisa here? (Pisarema 115:16) Zvaisazova nemusoro. Jehovha haasi Musiki chete asiwo ndiBaba vane rudo.—Pisarema 103:13; 1 Johani 4:8.

Shoko rakashandiswa naPetro rokuti “nyika” pana 2 Petro 3:7, 10, rinofananidzira vanhu vakaipa. Ona kuti Petro anofananidza zvichaitika munguva yemberi neMafashamo omuzuva raNoa. (2 Petro 3:5, 6) Panguva iyoyo, vanhu vakaipa chete ndivo vakaparadzwa asi nyika pachayo haina kuparadzwa. Noa nemhuri yake avo vaiva vakarurama, havanawo kuparadzwa. Saizvozvowo, shoko rakashandiswa naPetro rokuti “matenga” rinewo zvarinofananidzira. Pandima yacho, “matenga” anoreva utongi hwevanhu. Saka vanhu vakaipa vasingadi kuchinja ndivo vachaparadzwa sezvichangoitwawo hurumende dzevanhu idzo dzichatsiviwa neUmambo hwaMwari kana kuti hurumende yake iri kudenga.—Dhanieri 2:44.

Saka nyika ichaparara here? Kwete. Chichaparara inyika yokufananidzira, kureva vanhu vakaipa. Asi nyika pachayo kana kuti pasi redu pamwe chete nevanhu vanoteerera Mwari zvicharamba zviripo nokusingaperi.—Zvirevo 2:21, 22.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe