Vaverengi Vanobvunza Kuti . . .
Nei Mwari Aida Kuti Vanamati Vake Varoorane Nevanhu Vavainamata Navo Chete?
▪ Mutemo wakapiwa vaIsraeri naMwari waisanganisira murayiro unotevera nezvemarudzi akanga akavapoteredza: “Usaroorerana navo. Usapa mwanakomana wake mwanasikana wako, uye usatorera mwanakomana wako mwanasikana wake.” (Dheuteronomio 7:3, 4) Aivarambidzirei?
Jehovha aiziva kuti Satani aida kukanganisa vanhu vake vose, achivatsausa kuti vanamate vanamwari venhema. Saka akavanyevera achiti asingatendi uyu ‘achatsausa mwanakomana wako kuti arege kunditevera, voshumira vamwe vanamwari.’ Vanhu vake vaiva pangozi. Kudai vaIsraeri vaizoshumira vamwe vanamwari, vaizokanganisa ukama hwavo naMwari uye aisazovadzivirira, zvoita kuti vakundwe nevavengi vavo. Dai zvaizodaro, zvaisazoita kuti Mesiya aberekwe murudzi rwacho. Ndokusaka Satani aida kunyengera vaIsraeri kuti varoorane nevanhu vasingatendi.
Yeukawo kuti Mwari ane hanya nomumwe nomumwe wevanhu vake. Aiziva kuti mumwe nomumwe wavo aifanira kunge aine ukama hwakanaka naye kuti afare uye agare zvakanaka. Jehovha aifanira hake kuzvinetsa here kuti munhu asingatendi uyu aigona kufurira mutendi? Yeuka zvakaitika kuna Mambo Soromoni. Aiziva nyevero yaJehovha nezvemadzimai asingatendi, yaiti: ‘Achatsausa mwoyo wako kuti utevere vanamwari vawo.’ Zvaakanga ava munhu akachenjera zvikuru, angangodaro akaona sokuti zano raMwari riri pamusoro apa harishandi kwaari. Haana kuriteerera. Zvakaguma nei? “Madzimai ake akatsausa mwoyo wake zvishoma nezvishoma . . . kuti atevere vamwe vanamwari.” Zvinonzwisa tsitsi sei! Somoromi akaguma asingachafarirwi naJehovha, uye vanhu vake vakanga vasisina kubatana zvachose nemhaka yokusatendeka kwake.—1 Madzimambo 11:2-4, 9-13.
Vamwe vangati asi vamwe zvakavafambira. Somuenzaniso, Maroni muIsraeri, akaroora Rute muMoabhi, uyo akazova munamati anoshingaira. Asi kuroora mukadzi muMoabhi kwaiva nengozi. Hapana panombonzi Maroni akaita zvakanaka kuti akaroora musikana wechiMoabhi. Akafa achiri muduku, pamwe Rute wacho asati ava kutombonamata Jehovha Mwari. Munun’una waMaroni ainzi Kiriyoni akaroora muMoabhi ainzi Opa, uyo asina kuda kusiyana na“vanamwari vake.” Kusiyana neizvi, Bhoazi akazoroora Rute patova nenguva yakareba Rute wacho ava mutendi. Zvimwe zvinyorwa zvinotaura nezvaRute zvichiti vaJudha vakazenge vava kumuti aiva “mutendeuki akakwana.” Kuroorana kwaRute naBhoazi kwakava chikomborero kwavari vose.—Rute 1:4, 5, 15-17; 4:13-17.
Saka zvine musoro here kuti titi muenzaniso wakaita sewaMaroni naRute unoratidza kuti zano raJehovha rokuti munhu aifanira kuroorana nemunhu anotenda chete harishandi? Mafungiro akadaro akafanana nokutaura kuti kutamba njuga kwakanaka nokuti pane mumwe munhu akamboihwina akawana chouviri.
Bhaibheri rinokurudzira vaKristu mazuva ano kuti varoorane “munaShe chete.” Rinotinyevera kuti, “musasungwa zvisina kukodzera pajoko nevasingatendi.” Zano iri rinopiwa vaKristu vechokwadi vari kutsvaka wokuroorana naye. Kune vaya vakatoroorana nevasingatendi, Bhaibheri rinopa zano rinobatsira rokuti vaedze nepavanogona kurarama zvinoenderana nemamiriro avo ezvinhu. (1 VaKorinde 7:12-16, 39; 2 VaKorinde 6:14) Mazano ose iwayo anoratidza kuti Jehovha Mwari, uyo akatanga urongwa hwokuroorana, anoda kuti vanamati vake vakaroora kana kuti vasina vafare.