RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w13 10/1 p. 4
  • Vanhu Vakabva Kupi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vanhu Vakabva Kupi?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Mashoko Akafanana
  • Mwari Akasika Vanhu Aine Chinangwa Chei?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Vakarasa Kodzero Yokugara Muparadhiso
    Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
  • Nei Zvakaipa Zvichiripo?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Seiko Panyika Pachiitika Zvakaipa Uye Vanhu Vachitambura?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
w13 10/1 p. 4

NYAYA IRI PAKAVHA | BHAIBHERI RINOMBOTAURA NEZVEI?

Vanhu Vakabva Kupi?

Bhuku rokutanga reBhaibheri raGenesisi rinotaura kwakabva zvinhu zvose nemashoko mashoma uye ari nyore kunzwisisa richiti: “Pakutanga Mwari akasika matenga nenyika.” (Genesisi 1:1) Pashure pokunge Mwari asika zvinomera nemhuka, akasika vanhu vekutanga Adhamu naEvha. Vakanga vakasiyana nemhuka nokuti vakasikwa vachikwanisa kuzvisarudzira uye kuratidza rudo, kururama, mufaro, nezvimwewo sezvinongoitwa naMwari. Saka vaizotongwa maererano nezvavaizoita. Kana vaizoteerera Mwari, vaizova vabereki vemhuri yose yepanyika yaizorarama nokusingaperi iine rugare maererano nechinangwa chaMwari.

Zvisinei, imwe ngirozi yakanyengera vanhu kuti vaite maererano nezvayaida zvoudyire. Yakabva yava Satani zvinoreva kuti “Mupikisi.” Satani akataura achishandisa nyoka, ndokunyengera Evha achimuudza kuti aizova neupenyu hwakanaka asingatungamirirwi naMwari. Adhamu naEvha vakateerera Satani, ndokupandukira Musiki wavo. Chisarudzo chavo chakaipa chakaita kuti varasikirwe neupenyu husingaperi uye chakaita kuti tose tive nechivi uye tife.

Nokukurumidza, Mwari akabva azivisa kuti aida kugadzirisa dambudziko rinosuruvarisa iri kuti ape vana vaAdhamu mukana wokuwana upenyu husingaperi. Mwari akazivisa kuti paizova ne“mwana,” aizoparadza Satani uye aizobvisa kutambura kwakakonzerwa naSatani pamwe chete, naAdhamu naEvha. (Genesisi 3:15) “Mwana” iyeye aizova ani? Zvaizozivikanwa nokufamba kwenguva.

Panguva iyi Satani akaramba achiedza zvakasimba kuti akanganise chinangwa chaJehovha chakanaka. Vanhu vakaipa vakaramba vachiwedzera zvikuru. Mwari akafunga kuparadza vakaipa nemafashamo. Akaudza Noa akarurama kuti avake Areka, iyo yaiva zibhokisi zihombe-hombe raiyangarara pamusoro pemvura, kuti azviponese pamwe nemhuri yake uye nemhuka dzaakarayirwa kuti apinde nadzo muareka.

Pashure pegore kubva pakatanga Mafashamo, Noa nemhuri yake vakabuda muareka ndokuenda panyika yakachena. Asi “mwana” akanga asati avapo.

—Inobva pana Genesisi, zvitsauko 1-11; Judha 6, 14, 15; Zvakazarurwa 12:9.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe