RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w13 10/1 p. 5
  • Mwari Anoronga Kununura Vanhu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Anoronga Kununura Vanhu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Mashoko Akafanana
  • Mesiya! Nzira yaMwari Yokuponesa Vanhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • “Tawana Mesiya”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Vakanga Vakamirira Kuuya kwaMesiya
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Mesiya Anosvika
    Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
w13 10/1 p. 5

NYAYA IRI PAKAVHA | BHAIBHERI RINOMBOTAURA NEZVEI?

Mwari Anoronga Kununura Vanhu

Mwari akavimbisa Abrahamu ainge akatendeka kuti “mwana” akapikirwa aizobva mudzinza rake. Vanhu ve“marudzi ose” vaizokomborerwa kupfurikidza nemwana iyeye. (Genesisi 22:18) Jakobho muzukuru waAbrahamu akazotamira kuIjipiti, mhuri yake ndokukura kusvika yava rudzi rwakakura rwaIsraeri.

Nokufamba kwenguva, Farao wekuIjipiti aiva neutsinye akaita kuti vaIsraeri vave varanda vake kusvikira Mwari asarudza muprofita Mosesi, uyo akazotungamirira rudzi rwacho kubuda muIjipiti, ruchipfuura nemumvura yakakamuraniswa yeGungwa Dzvuku. Pashure peizvi, Mwari akapa vaIsraeri mitemo yake iyo yaisanganisira Mirayiro Gumi, kuti ivatungamirire nokuvadzivirira. Mitemo iyoyo yaitaura zvakajeka zvibayiro zvaidiwa kuti munhu akanganwirwe zvivi. Afemerwa naMwari, Mosesi akaudza vaIsraeri kuti Mwari aizovatumira mumwe muprofita. Muprofita wacho ndiye aizova “mwana” akavimbiswa.

Papera makore anopfuura 400, Mwari akavimbisa Mambo Dhavhidhi kuti “mwana” akafanotaurwa nezvake muEdheni aizotonga umambo hwaizogara nokusingaperi. Ndiye aizova Mesiya, Mununuri akasarudzwa naMwari kuti aponese vanhu, oita kuti nyika ino ivezve Paradhiso.

Nguva sezvayaifamba, Mwari akazivisa zvakawanda nezvaMesiya achishandisa Dhavhidhi nevamwe vaprofita. Vakafanozivisa kuti Mesiya aizozvininipisa uye aizova nemutsa, uye kuti pakutonga kwake aizopedza nzara, kusaruramisira uye hondo. Vanhu vose vaizogarisana zvakanaka kunyangewo nemhuka. Zvinhu zvinopesana nechinangwa chaMwari chepakutanga zvakadai sekurwara, kutambura uye rufu, zvaizopera uye vakafa vaizomutswa voraramazve panyika.

Mwari akafanotaura achishandisa muprofita Mika kuti Mesiya aizoberekerwa muBhetrehema uye achishandisa Dhanieri akazivisa kuti Mesiya aizourayiwa. Asi Mwari aizomutsa Mesiya kubva kuvakafa, omugadza kuti ave Mambo kudenga. Dhanieri akafanoratidzwa kuti pakupedzisira Umambo hwaMesiya hwaizobvisa zvachose dzimwe hurumende dzose, hwosara huchitonga. Mesiya akauya sezvakanga zvaprofitwa here?

—Inobva muna Genesisi, zvitsauko 22-50, uyewo Eksodho, Dheuteronomio, 2 Samueri, Mapisarema, Isaya, Dhanieri, Mika, Zekariya 9:9.

ZITA DZVENE RAMWARI

Zita rokuti Jehovha rinotanga kuwanika muBhaibheri pana Genesisi 2:⁠4. Zita iri rakasiyana nemamwe rinowanika kanenge ka7 000 muzvinyorwa zviri mumitauro yakatanga kushandiswa pakunyora Magwaro Matsvene. Zvarinoreva zvokuti, “Anoita Kuti Zvinhu Zvive Sezvaanoda,” zvinotivimbisa kuti Mwari anonyatsokwanisa kuita zvose zvaanovimbisa uye zvinangwa zvake.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe