RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w13 4/15 p. 32
  • Waizviziva Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Waizviziva Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Mashoko Akafanana
  • Musarega Kuungana
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Kuva Kwakaita chiKristudhomu Rutivi Rwenyika Ino
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Kutenda Uprofita hweBhaibheri Kunochengetedza Upenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
w13 4/15 p. 32

WAIZVIZIVA HERE?

Temberi yomuJerusarema yakazombovakwazve here gore ra70 C.E. rapfuura?

JESU akati hapana dombo retemberi yaJehovha raizombosiyiwa riri pamusoro perimwe dombo uye uprofita uhwu hwakazadziswa mauto eRoma aitungamirirwa naTitus paakaparadza Jerusarema muna 70 C.E. (Mat. 24:2) Papfuura nguva, Mambo Julian akaronga kuvakazve temberi.

Julian ave achinzi ndiye mambo wechihedheni wokupedzisira weRoma. Aiva mwana womunin’ina waConstantine uye akadzidziswa dzidziso dzainzi ndedzechiKristu. Asi paakanzi ava mambo muna 361 C.E., akaramba pachena dzidziso idzodzo uye chiKristu chaiita zvakaipa chepanguva yake achitsigira chihedheni. Mabhuku anotaura zvakaitika kare anomuti “Mupanduki.”

Julian aisema chiKristu. Chimwe chikonzero chingangova chokuti paaiva nemakore matanhatu, akaona vanhu vaizviti vaKristu vachiuraya baba vake nedzimwe hama dzake. Maererano nezvinotaurwa nevanyori vezvakaitika kare vechechi, Julian akakurudzira vaJudha kuvakazve temberi yavo, achifunga kuti izvi zvaizoratidza kuti Jesu aiva muprofita wenhema.a

Vanyori vezvakaitika kare havarambi kuti Julian akaronga kuvakazve temberi. Chavanoitirana nharo ndechokuti akazotanga basa racho rokuvaka here uye kuti kana akaritanga chii chakazorimisa. Asi pane chinhu chimwe chete chechokwadi. Julian akaurayiwa asati asvitsa makore maviri ari pachigaro uye zvokuvakazve temberi zvakabva zvapararawo.

Mufananidzo uyu wakaiswa nechepamusoro penzvimbo yaimbova netemberi unoratidza zvainofanira kunge yainge yakaita mumazuva aJesu

a Jesu haana kuti temberi yaisazombovakwazve asi akati yaizoparadzwa uye izvozvo zvakaitika muna 70 C.E.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe