RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w13 7/1 p. 16
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Mashoko Akafanana
  • Rudzikinuro—Chipo chaMwari Chinopfuura Zvese
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Jesu Kristu Ndiani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Jesu Kristu Ndiani?
    Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
  • Jesu Anoponesa—Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
w13 7/1 p. 16

MIBVUNZO YEBHAIBHERI INOPINDURWA

Zvinoita here kuti tirarame nokusingaperi?

Chii chatakapiwa chinogona kutisunungura parufu?

Murume wokutanga Adhamu, akararama kwemazana emakore. Asi akazokwegura ndokufa. Kubvira ipapo, vanhu vakaedza kuita zvakawanda kuti vasakwegura. Kunyange zvakadaro vanhu vose vari kungofa. Nei? Adhamu akakwegura ndokufa nekuti akaita chivi paasina kuteerera Mwari. Tinokwegura uye tinofa nekuti tine chivi chakabva kuna Adhamu.—Verenga Genesisi 5:5; VaRoma 5:12.

Kuti tiwane upenyu husingaperi, tinoda mumwe munhu anotibhadharira rudzikinuro. (Jobho 33:24, 25) Rudzikinuro mutengo unobhadharwa kuti munhu asunungurwe, uye isu tinoda kusunungurwa kubva murufu. (Eksodho 21:29, 30) Jesu akabhadhara mutengo wacho paakatifira.—Verenga Johani 3:16.

Tingawana sei upenyu husingaperi?

Haasi munhu wose achasunungurwa kubva paurwere uye pakukwegura. Chokwadi ndechokuti, vose vasingateereri Mwari, vacharasikirwa neupenyu sezvakaita Adhamu. Vaya vacharegererwa zvivi zvavo ndivo vachawana upenyu husingaperi.—Verenga Isaya 33:24; 35:3-6.

Kuti tiregererwe, pane zvatinofanira kuita. Tinofanira kusvika pakuziva Mwari kuburikidza nokudzidza Shoko rake Bhaibheri. Rinotidzidzisa kuti tingava sei neupenyu hunofadza, tingafarirwa sei naMwari uye tingawana sei upenyu husingaperi.—Verenga Johani 17:3; Mabasa 3:19.

Kuti uwane mamwe mashoko, ona chitsauko 3 chebhuku iri, Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe