RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w13 2/15 pp. 13-16
  • Varindi vomuMuzinda waMambo Vanoparidzirwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Varindi vomuMuzinda waMambo Vanoparidzirwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • MUAPOSTORA WACHO ANOPARIDZA “ASINGADZIVISWI”
  • PAURO ANOPUPURIRA VAKURU NEVADUKU
  • ‘TAURA SHOKO RAMWARI USINGATYI’
  • Kupa “Uchapupu Hwakasimba”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
  • Simba Renyika Rechitanhatu—Roma!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Kudzivirira Mashoko Akanaka Pamberi Pevanhu Vane Masimba
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Zivisa Umambo hwaJehovha Noushingi!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
w13 2/15 pp. 13-16

Varindi vomuMuzinda waMambo Vanoparidzirwa

Maiva muna 59 C.E. Mauto ainge aneta, aine vasungwa vakawanda, akapinda muRoma nepagedhi rainzi Porta Capena. Pachikomo chainzi Palatine ndipo paiva nomuzinda waMambo Nero, wairindwa nemasoja emuMuzinda waMambo aiva nemapakatwa ainge akavigwa muzvipfeko zvisiri zvechiuto zvainzi toga.a Mukuru weuto ainzi Juriyasi akapfuura nevasungwa vake nepanzvimbo yaiungana vanhu yeRoma achikwidza kuchikomo chainzi Viminal. Vakapfuura nemunzvimbo yaiva nemaruva neatari dzakawanda dzakavakirwa vanamwari veRoma uye nomunhandare yaiitirwa zvakasiyana-siyana nemasoja.

Mufananidzo weVarindi vomuMuzinda waMambo uri padombo unofungidzirwa kuti wakabva muArch of Claudius, yakavakwa muna 51 C.E.

Muapostora Pauro aiva mumwe wevasungwa vacho. Munguva yainge yapfuura Pauro paaiva muchikepe chaikandwa kuno nekoko nedutu, ngirozi yaMwari yakamuudza kuti: “Unofanira kumira pamberi paKesari.” (Mab. 27:24) Izvozvo ndizvo zvainge zvava kuda kuitika here kuna Pauro? Sezvaaitarisa-tarisa muguta guru reUmambo hweRoma, hapana mubvunzo kuti Pauro akayeuka mashoko aainge audzwa naIshe Jesu paaiva munhare yainzi Tower of Antonia muJerusarema. “Shinga kwazvo!” akadaro Jesu. “Nokuti zvawave uchipupura kwazvo pamusoro pezvinhu zvine chokuita neni muJerusarema, naizvozvo unofanirawo kunopupura muRoma.”—Mab. 23:10, 11.

Zvichida Pauro akambomira achitarisa nzvimbo yaigarwa nemauto eMuzinda waMambo, nhare yaiva nemasvingo akareba ezvidhinha zvitsvuku nenzvimbo dzekurinda pamusoro. Nhare yacho yaiva nedzimba dzevarindi vomumuzinda waMambo uyewo dzemapurisa eguta racho. Munhare yacho zvamaigara mapoka 12b evarindi vemuMuzinda waMambo uye mamwe mapoka emasoja emuguta, maigona kugara masoja ane zviuru zvakawanda kusanganisira aya aishandisa mabhiza. Nzvimbo yaigara varindi vaMambo yaiyeuchidza vanhu nezvesimba ramambo. Sezvo varindi vemuMuzinda waMambo varivo vaitarisira vasungwa vaibva kune mamwe maruwa, Juriyasi akapinda neboka rake nepane rimwe remagedhi mana makuru. Pashure perwendo rwaiva nengozi rwemwedzi yakawanda, iye zvino ainge asvika nevasungwa kwaaifanira kuvasvitsa.—Mab. 27:1-3, 43, 44.

MUAPOSTORA WACHO ANOPARIDZA “ASINGADZIVISWI”

Pavaifamba nechikepe, Pauro akaratidzwa naMwari kuti vanhu vose vaizopona paizoparara chikepe chacho. Paakarumwa nenyoka yaiva neuturu hapana chakaitika. Akarapa vanhu vairwara pachitsuwa cheMarita, vanhu vepo vakatanga kuti aiva mwari. Varindi vemuMuzinda waMambo vaitenda mashura vangadaro vakaudzwa zvose izvi.

Pauro ainge atoonana nehama dzokuRoma dzainge ‘dzauya kuzosangana naye kuMusika weApiyo neHotera Nhatu.’ (Mab. 28:15) Asi zvaaiva musungwa, aizozadzisa sei chido chake chokuzivisa mashoko akanaka muRoma? (VaR. 1:14, 15) Vamwe vanofunga kuti vasungwa vaitanga vaendeswa kumukuru mukuru wevarindi. Kana zvirizvo zvaiitika, Pauro anofanira kunge akaendeswa kumukuru mukuru wevarindi ainzi Afranius Burrus, zvimwe aiva wechipiri pamasimba kubva kuna mambo.c Chero zvazvingava, pane kurindwa nevakuru veuto, Pauro ainge ava kurindwa nemurindi mumwe chete womuMuzinda waMambo. Akapiwa mvumo yokuzvitsvagira pokugara uye yokushanyirwa nevamwe, uye kuvaparidzira “asingadziviswi.”—Mab. 28:16, 30, 31.

Varindi vomuMuzinda waMambo Vepanguva yaNero

Mari yakagadzirwa pakati pa1 C.E. na99 C.E. ine Muzinda weVarindi vaMambo

Varindi vomuMuzinda waMambo vaiita mhiko yokuchengetedza mambo nemhuri yake. Pavaienda kuhondo, vaitakura mireza yaiva nezviratidzo zvamambo uye nhoo dzaiva nezvinyavada, zvaimirira mwedzi wakaberekwa Tibheriyo Kesari. Vaitungamirirwa nevakuru vehurumende uye vemauto kuti vachengetedze runyararo pamitambo yaiitwa munhandare uye vaibatsira pakudzima moto. Kusiyana nemasoja aishandira kumwe aiita makore 25 ari muchiuto, masoja aya aingoita makore 16, uye mari yaaitambira yainge yakapetwa nekatatu, uye aipiwa bhonasi yakawanda nemari yemudyandigere yakawanda. Varindi vamambo vaishandiswawo kutambudza vasungwa uye kuvauraya. Pauro paakazosungwa kechipiri anogona kunge akazourayiwa nemasoja akaita seaya aaiedza kuponesa.—2 Tim. 4:16, 17.

Courtesy Classical Numismatic Group, Inc./​cngcoins.com

PAURO ANOPUPURIRA VAKURU NEVADUKU

Masvingo eMuzinda weVarindi vaMambo sezvaari nhasi

Zvichida Burrus akabvunzurudzira muapostora Pauro mumuzinda waMambo kana kuti mumuzinda wevarindi vaMambo, asati aendesa nyaya yacho kuna Nero. Pauro akashandisa mukana uyu kuti apupurire “vose vakuru nevaduku.” (Mab. 26:19-23) Pasinei nezvakaonekwa naBurrus paakamubvunzurudza, Pauro haana kuendeswa mujeri remuMuzinda weVarindi vaMambo.d

Imba yairenda Pauro yainge yakakura zvokuti aikwanisa kugamuchira “varume vakuru vevaJudha” uye kuvaparidzira pamwe nevamwe “vakauya kwaari vari vazhinji kwazvo munzvimbo yaaigara.” Paivawo nemasoja omumuzinda waMambo aimunzwa achi“pupurira kwazvo” vaJudha nezveUmambo uye nezvaJesu, “kubvira mangwanani kusvikira manheru.”—Mab. 28:17, 23.

Pauro paainge akasungwa, masoja akamunzwa achitaura zvaaida kuti zvinyorwe mutsamba

Boka revarindi raishanda paimba yamambo raichinjwa zuva rega rega paawa yechisere. Uye murindi aichengetedza Pauro aigara achichinjwawo. Mumakore maviri ainge akasungwa muapostora wacho, masoja akamunzwa achitaura zvaaida kuti zvinyorwe mutsamba dzaienda kuvaEfeso, vaFiripi, vaKorose, uye kuvaKristu vechiHebheru uye vakamuona achinyorera tsamba muKristu ainzi Firimoni. Paainge akasungwa, Pauro akabatsira mumwe muranda ainge atiza tenzi wake, uyo waanoti ‘akabereka paakanga akasungwa ari mujeri’ uye akamudzosera kuna tenzi wake. (Fir. 10) Hapana mubvunzo kuti Pauro akaratidzawo kufarira varindi vaimuchengetedza. (1 VaK. 9:22) Tinogona kufungidzira achibvunza musoja kuti chimwe nechimwe chaiva panguo yake yokuzvidzivirira chaishandei uye akazoshandisa zvaakaudzwa pamuenzaniso wakanaka chaizvo.—VaEf. 6:13-17.

‘TAURA SHOKO RAMWARI USINGATYI’

Kusungwa kwaPauro kwakaitawo “kuti mashoko akanaka afambire mberi” pavarindi vose vomuMuzinda waMambo nevamwewo. (VaF. 1:12, 13) Vanhu vomumuzinda wevarindi vaizivana nevakawanda vaigara muumambo hwose hweRoma, uye namambo neveimba yake yakakura. Imba yamambo yaisanganisira vemhuri yake, vashandi uye varanda, vamwe vacho vakazova vaKristu. (VaF. 4:22) Kupupura kwaPauro asingatyi kwakaita kuti hama dzomuRoma dzive neushingi hwokutaura “shoko raMwari dzisingatyi.”—VaF. 1:14.

Pasinei nemamiriro edu ezvinhu, tinogona kuparidzira vaya vanotibatsira nenzira dzakasiyana-siyana

Kuparidza kwakaita Pauro muRoma kunotikurudzirawo patinenge ‘tichiparidza shoko mumwaka wakakodzera uye mumwaka unotambudza.’ (2 Tim. 4:2) Vamwe vedu havachakwanisi kubva pamba, vamwe vanogara munzvimbo dzinochengeterwa vakwegura, muzvipatara, kana kuti mumajeri nemhaka yokutenda kwavo. Pasinei nemamiriro edu ezvinhu, tinogona kuparidzira vaya vanouya kwatiri kuzotiona kana kuzotibatsira nenzira dzakasiyana-siyana. Kana tikashinga kuparidza pose patinowana mukana, tinozvionera kuti ‘shoko raMwari harigoni kusungwa.’—2 Tim. 2:8, 9.

Sextus Afranius Burrus

Dombo rine zita raSextus Afranius Burrus

Burrus anofanira kunge akaberekerwa muVaison-la-Romaine, taundi riri kumaodzanyemba kweFrance, kwakawanikwa dombo rakanyorwa zita rake muna 1884 C.E. Muna 51 C.E., akakwidziridzwa kuti ave mukuru mukuru wevarindi vemuMuzinda waMambo, naAgrippina, mudzimai waKraudhiyo Kesari uyezve ari hama yaKraudhiyo. Agrippina akaita kuti mwanakomana wake Nero adzidziswe nevadzidzisi vaviri kuti azova mambo. Mumwe wacho aiva Burrus, musoja aiva neunyanzvi akamudzidzisa kurwa. Mumwe wacho aiva muzivi anonzi Seneca, akadzidzisawo Nero kuti ave nenjere. Paakawana mukana Agrippina akazoita kuti murume wake apiwe muchetura. Mashoko ekufa kwaKraudhiyo asati apararira, Burrus akaenda naNero kumuzinda wevarindi vamambo, akaita kuti vazivise kuti Nero ainge ava mambo, uye dare reSeneti rainge risisina marambiro. Nero paakaurayisa amai vake muna 59 C.E., Burrus akavhara-vhara nyaya yacho. Vanyori vezvakaitika kare vechiRoma, Suetonius naCassius Dio, vanoti Burrus akaisirwa muchetura naNero muna 62 C.E.

Musée Calvet Avignon

a Ona bhokisi rakanzi “Varindi vomuMuzinda waMambo Vepanguva yaNero.”

b Boka rimwe chete raiva nemasoja anosvika 1 000.

c Ona bhokisi rakanzi “Sextus Afranius Burrus.”

d Herodhi Agripa akaiswa mujeri iri naTibheriyo Kesari muna 36/37 C.E. nokuti ainge ataura chido chake chokuti Caligula akurumidze kuva mambo. Caligula paakazotora chigaro akabva apawo Herodhi mubayiro woumambo.—Mab. 12:1.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe