RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w17 May pp. 31-32
  • “Tichishingaira Uye Tiine Rudo Mumwoyo Medu Kupfuura Kare”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Tichishingaira Uye Tiine Rudo Mumwoyo Medu Kupfuura Kare”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
w17 May pp. 31-32
Imba yakaitirwa gungano muCedar Point, Ohio, muna 1922 yainge yakazara

KUBVA MUDURA RENHOROONDO YEDU

“Tichishingaira Uye Tiine Rudo Mumwoyo Medu Kupfuura Kare”

MUSI weChishanu mangwanani muna September 1922, muimba yaiitirwa gungano makanga mava kutopisa sezvo makanga mava nevanhu 8 000. Sachigaro akazivisa kuti chero ani zvake aigona hake kubuda panguva yechikamu ichi chinokosha chegungano, asi hapana aizobvumirwa kudzoka.

Pashure pechikamu chekuimba nziyo, Hama Joseph F. Rutherford vakaenda pachikuva. Vakawanda vakagara pasi vachida chaizvo kunzwa zvaizotaurwa. Vashomanana vaifamba-famba nekuti vaitadza kugadzikana nemhaka yekupisa. Mukurukuri akavakurudzira kuti vagare pasi vateerere. Pakatanga hurukuro, pane akaonawo here jira rainge rakamonwa zvakanaka riri nechepamusoro pemukurukuri?

Hama Rutherford vakakurukura musoro waiti: “Umambo hwekudenga hwava kutonga.” Kweawa nehafu inzwi ravo rine simba rakaita maungira muimba yacho sezvavaikurukura kuti vaprofita vekare vakazivisa sei vasingatyi nezveUmambo hwaiuya. Pavakasvika pachikamu chinokosha chehurukuro yacho vakabvunza kuti: “Munotenda here kuti Mambo ane mbiri akatanga kutonga?” Vateereri vakapindura vachishevedzera vachiti: “Hongu!”

“Saka dzokerai mundima, Haiwa imi vanakomana vaMwari wokumusorosoro!” vakadaro Hama Rutherford nenzwi riri pamusoro. “Tarirai, Mambo anotonga! Imi muri nhume dzake. Naizvozvo zivisai, zivisai, zivisai.”

Panguva iyoyo, jira raiva nechepamusoro rakamononoka, richiratidza mashoko ekuti: “Zivisai Mambo noUmambo.”

“Vateereri vakafara chaizvo,” akadaro Ray Bopp. Anna Gardner akati: “Vanhu vakaombera zvekuti mapuranga edenga remba yacho akaita seachazunguzika.” Fred Twarosh akati, “Vanhu vese vakabva vasimuka pamwe chete.” Evangelos Scouffas akati, “Zvaiita sekuti pane rimwe simba rakatisimudza patainge takagara uye maziso edu akati yangarara nemisodzi.”

Vakawanda vaiva pagungano iroro vakanga vagara vachitoparadzira mashoko akanaka eUmambo. Asi parizvino vakanzwa sekuti vakanga vakurudzirwa kutangazve kuparidza mashoko akanaka. Ethel Bennecoff akataura kuti Vadzidzi veBhaibheri vakaenda ‘vachishingaira uye vaine rudo mumwoyo mavo kupfuura kare.’ Odessa Tuck, uyo aiva nemakore 18 panguva iyoyo, akabva pagungano iri atsunga kupindura mubvunzo wekuti “Ndiani achatiendera?” Akati: “Ndaisaziva kuti ndaizoparidza kupi, ndaizoparidza chii uye ndaizoparidza sei. Chandaiziva ndechekuti ndaida kuita saIsaya, uyo akati: ‘Ndiri pano! Nditumei.’” (Isa. 6:8) Ralph Leffler akati, “Pazuva iri rakakurumbira ndipo pakatanga mushandirapamwe wekuzivisa Umambo wava kuitwa pasi rose mazuva ano.”

Ndosaka zvisingashamisi kuti gungano iri rakaitirwa muCedar Point, Ohio muna 1922 richiri kuyeukwa sechiitiko chinokosha chaizvo munhoroondo yesangano. George Gangas akati, “Gungano iroro rakaita kuti ndisada kupotsa kunyange gungano rimwe chete zvaro.” Haatomboyeuki achipotsa gungano. Julia Wilcox akanyora kuti: “Handikwanisi kutsanangura kufara kwandinoita pese panotaurwa nezveCedar Point 1922 mumabhuku edu. Ndinogara ndichida kutaura kuti, ‘Ndinokutendai Jehovha nekundibvumira kuvapowo pagungano iri.’”

Zvichida vakawanda vedu mazuva ano tinoyeukawo gungano rakatibaya mwoyo rikaita kuti tide kushingaira uye tide Mwari wedu naMambo waakagadza. Patinoyeuka gungano racho, tinonzwa tichidawo kutaura kuti, “Ndinokutendai Jehovha nekundibvumira kuvapowo pagungano iri.

Zvikwangwani Zvisingazivikanwi Kuti Zvairatidzika Sei

Mabhii ekuti “ADV” (mabhii ekutanga eshoko reChirungu rinoshandurwa kuti “zivisai”) akanga ari pese pese​—pamiti, pazvivako kunyange papurogiramu yegungano. Zvikwangwani zvacho zvakaita kuti vaiva pagungano vade kuziva kuti mabhii acho airevei.a

Pamadhoo nepane dzimwe nzvimbo “paiva nemakadhi machena akanyorwa nemabhii makuru uye matema kuti ADV. Takabvunza kuti mabhii aya airevei asi zvaiita sekuti hapana aiziva uye kana vaiziva vaisada kutiudza.”—​Edith Brenisen.

a Mazuva ano hapana anoziva kuti zvikwangwani izvi zvairatidzika sei. Hapana kana mifananidzo yazvo yati yawanikwa nedhipatimendi rinoona nezvenhoroondo yedu.

Munyengetero Wakapindurwa

Arthur naNellie Claus vakasvika paine nguva kuti vawane pekugara pakanaka. “Ndaiteerera zvese zvaitaurwa,” akadaro Arthur. Akangoerekana ava kunzwa mudumbu. Akabva abuda maiitirwa gungano mwoyo uchirwadza achiziva kuti aisazokwanisa kudzoka. Mumwe murindiri akamubvunza kuti: “Uri kubudirei panguva yakadai?” Asi Arthur aiziva kuti aitofanira kubuda.

Paakanga ava kudzoka, Arthur akanzwa vanhu vaiva muimba yacho vachiombera zvine mutsindo. Paaitsvaga pekumira kuti ateerere zvaiitika mukati, akawana paaikwanisa kukwira napo kuti aende padenga reimba yacho, iro raiva anenge mamita 4,8 kubva pasi. Akabva atanga kufamba akananga pane rimwe hwindo rakanga rakavhurika raiva padenga reimba yacho.

Paakapinda Arthur akaona dzimwe hama dzainge dzapererwa, dzichitarisa mukurukuri aiva nechepazasi. Dzakanga dzarayirwa kuti dzizocheka tambo dzainge dzakasunga rimwe jira uye dzaifanira kuita izvi panguva imwe chete. Asi kuti dziite izvi, paidiwa rimwe banga. Arthur aiva nebanga remuhomwe rakapinza here? Dzakafara chaizvo padzakaziva kuti aiva naro. Arthur nehama dzacho vakabva vamira panzvimbo dzavo vachimirira chiratidzo chekuti vacheke tambo. Hama Rutherford pavaizotaura kechipiri kuti “Zivisai!” vaifanira kubva vacheka tambo dzacho.

Vakaona izvi vanorondedzera kuti jira racho rakanyatsomononoka zvakanaka. Nechepakati paro paiva nemufananidzo waJesu.

Hama dzacho dzakazoudza Arthur kuti dzakanga dzashandisa manera kuti dzikwire padenga asi manera acho akabva abviswa. Dzakanga dzisingakwanisi kutsvaga munhu anodzibatsira, saka dzakanyengetera kuna Jehovha kuti atume hama ine banga. Hama idzodzo dzaiva nechokwadi chekuti Jehovha akanga apindura munyengetero wadzo nenzira inoshamisa kwazvo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe