RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w22 December pp. 28-30
  • Wagadzirira Here ‘Kugara Nhaka Yenyika’?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Wagadzirira Here ‘Kugara Nhaka Yenyika’?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • WAGADZIRIRA HERE KUZOITA KUTI NYIKA IVE PARADHISO?
  • WAGADZIRIRA HERE KUZOBATSIRA VANENGE VAMUTSWA?
  • WAGADZIRIRA HERE KUZODZIDZISA VANENGE VAMUTSWA?
  • Vakafa Vachamuka!
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Ndivanaani Vachamutswa? Vachagara Kupi?
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • Chikamu 10
    Teerera Mwari
  • Zvinorevei Kuti Vakafa Vachamutswa?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
w22 December pp. 28-30
Vanhu vari kuita kuti nyika ive paradhiso. Vamwe vari kubvisa marara, vamwe vari kuvaka imba uye vamwe vari kushanda mugadheni.

Wagadzirira Here ‘Kugara Nhaka Yenyika’?

TESE tinoda kuzoona vimbiso yaJesu ichizadzika yekuti: “Vanofara vanyoro, nekuti vachagara nhaka yenyika.” (Mat. 5:5) Vakazodzwa vachagara nhaka yenyika pavachatonga semadzimambo vari kudenga naJesu. (Zvak. 5:10; 20:6) VaKristu vechokwadi vakawanda mazuva ano vanotarisira kuzogara nhaka yenyika, vorarama pairi nekusingaperi vakakwana, vaine rugare, uye vachifara. Kuti izvozvo zvizoitika, vachava nemabasa anokosha avachafanira kuita. Semuenzaniso, vachabatsira pakuita kuti nyika ive paradhiso, vachava nechokwadi chekuti vaya vanenge vamutswa vachawana zvavanenge vachida, uye vachadzidzisa vanenge vamutswa. Fungawo kuti iye zvino ungaratidza sei kuti une chido chekuzoita zvinhu izvi.

WAGADZIRIRA HERE KUZOITA KUTI NYIKA IVE PARADHISO?

Jehovha paakarayira vanhu kuti ‘vazadze nyika, uye vaitonge,’ akaratidza kuti nyika yese yaizosvika pakuva paradhiso. (Gen. 1:28) Vaya vachararama nekusingaperi vachafanira kuteerera murayiro iwoyo. Nyika haisi kuzotanga iri paradhiso nekuti munda weEdheni hausisiko. Amagedhoni ichangopera, pachange paine zvakawanda zvekuita pakuchenesa nzvimbo dzepanyika dzakakanganiswa. Iroro richange riri basa rakakura chaizvo!

Izvi zvinotiyeuchidza basa raifanira kuitwa nevaIsraeri pavakadzoka vachibva kuBhabhironi. Nyika yavo yakanga yava nemakore 70 isingagarwi. Asi Isaya akanga ataura kuti vachibatsirwa naJehovha vaizoita kuti nyika yacho inake zvakare. Uprofita hwacho hwakati: “Achaita kuti renje raro rive seEdheni uye gwenga raro rive semunda waJehovha.” (Isa. 51:3) Jehovha akabatsira vaIsraeri kuita kuti nyika yavo inake. Saizvozvowo, vachibatsirwa naJehovha, vaya vachagara nhaka yenyika vachabudirira pakuita kuti ive paradhiso. Uye pane zvinhu zvaunogona kuita iye zvino zvinoratidza kuti unoda kuzoita basa iroro.

Imwe nzira yaunoratidza nayo kuti unoda kuzoita basa iri ndeyekuita kuti pamba pako pagare pakachena uye pakanaka. Unogona kuita izvozvo pasinei nezvinoitwa nevavakidzani vako. Unogonawo kubatsira pakuchenesa uye pakugadzirisa zvimwe zvinhu paImba yenyu yeUmambo uye paImba Yemagungano. Kana mamiriro ako ezvinhu achikubvumira, unogonawo kunyorera kuti uzobatsira pabasa rekuyamura panenge paitika njodzi kwaunogara. Izvi zvicharatidza kuti unoda kubatsira hama nehanzvadzi dzako padzinoda kubatsirwa. Zvibvunze kuti, ‘Ndinogona here kudzidzira humwe unyanzvi hwandinogona kuzoshandisa kana Jehovha akandibvumira kuti ndigare nhaka yenyika?’

Hama nehanzvadzi dziri kuchenesa nekugadziridza zvinhu paImba yeUmambo.

WAGADZIRIRA HERE KUZOBATSIRA VANENGE VAMUTSWA?

Pashure pekunge amutsa mwanasikana waJairosi, Jesu akataura kuti musikana wacho aifanira kupiwa zvekudya. (Mako 5:42, 43) Zvimwe raisava basa rakakura kupa musikana iyeye aiva nemakore 12 zvekudya. Asi funga kuti richange riri basa rakakura zvakadii richafanira kuitwa, Jesu paachazadzisa vimbiso yake yekuti “vese vari mumakuva evanoyeukwa vachanzwa inzwi rake, vobuda.” (Joh. 5:28, 29) Kunyange zvazvo Bhaibheri risingatauri zvakawanda, tinogona kufungidzira kuti vanhu vachamutswa vachada kubatsirwa kuti vawane zvekudya, pekugara uye zvekupfeka. Kunyange iye zvino, unogona here kuratidza kuti wakagadzirira kuzobatsira? Ona mimwe mibvunzo yaunogona kufunga nezvayo.

Zvii zvaungaita mazuva ano kuti uratidze kuti wakagadzirira kugara nhaka yenyika?

Hama nehanzvadzi dziri panhandare yendege dzichifara kugamuchira vaenzi vauya kugungano renyika dzakawanda kuParis.

Panopiwa chiziviso chekuti mutariri wedunhu achashanyira ungano yenyu, unonyoresa here kuti auye kuti muzodya mese? Kana vashumiri vari mubasa chairo renguva yakazara vakachinjwa kubva paBheteri kuti vashumire vari mundima, kana kuti mutariri wedunhu paanenge asisaiti basa remudunhu, unogona kuvabatsira kuti vawane pekugara here? Kana kwaunogara kukaitwa gungano remunharaunda kana kuti gungano renyika dzakasarudzwa (special convention) unogona kuzvipira here kushanda gungano risati ratanga kana kuti rapera, kana kuronga kuti uzogamuchira vaenzi pavanosvika?

WAGADZIRIRA HERE KUZODZIDZISA VANENGE VAMUTSWA?

Maererano naMabasa 24:15 tinotarisira kuti mabhiriyoni evanhu achamutswa. Vakawanda vavo havana kuwana mukana wekuziva Jehovha vasati vafa. Asi vachawana mukana iwoyo pashure pekunge vamutswa.a Vashumiri vaMwari vakatendeka avo vane ruzivo rwakawanda vachaita basa rekuvadzidzisa. (Isa. 11:9) Charlotte, uyo akaparidza kuEurope, kuSouth America, uye kuAfrica, anotarisira kuzoita basa iri. Anoti: “Ndinotarisira kuzodzidzisa vanhu vanenge vamutswa. Pandinoverenga nezvemumwe munhu akararama kare, ndinowanzofunga kuti: ‘Kudai munhu uyu akanga aziva Jehovha, angadai akararama upenyu hwakasiyana nehwaakararama.’ Ndinotarisira kuzoudza vanhu vanenge vamutswa nezvaJehovha, uye kuti upenyu hwavo huchanaka sei kana vakamushumira.”

Kunyange vashumiri vaJehovha vakatendeka vakararama Jesu asati auya panyika vachava nezvakawanda zvekudzidza. Fungidzira kuti uchava mufaro uye ropafadzo yakadii kutsanangurira Dhanieri nezveuprofita hwaakanyora asi hwaasina kunzwisisa. (Dhan. 12:8) Kana kuti fungidzira uchitsanangurira Rute naNaomi kuti mhuri yavo yakabatanidzwa sei pakuuya kwaMesiya. Tichanakidzwa nekudzidzisa vanhu munyika yese pasisina matambudziko atiri kusangana nawo munyika ino yakaipa!

Hanzvadzi iri kupa turakiti kune mumwe mukadzi wayasangana naye panzvimbo inowachirwa.

Ungaitei iye zvino kuti ugadzirire kuzoita basa rekudzidzisa vanenge vamutswa? Imwe nzira ndeyekuita zvese zvaunogona kuti uvandudze unyanzvi hwako hwekudzidzisa uye kugara uchiita basa rekuparidza. (Mat. 24:14) Kunyange zvazvo zera kana mamwe mamiriro ezvinhu zvichikutadzisa kuita zvakawanda pari zvino, zvaunoita zvinogona kuratidza kuti wakagadzirira kuzodzidzisa vanenge vamutswa.

Zvakanaka kufunga nezvemibvunzo iyi inokosha yekuti: Uri kunyatsotarisira kuzogara nhaka yenyika here? Uri kutarisira kuzoshanda kuti nyika ive paradhiso here, pamwe chete nekubatsira vanenge vamutswa kuti vawane zvavanoda uye kuvadzidzisa? Unogona kuratidza kuti wakagadzirira nekushandisa mikana yauinayo mazuva ano yekuita mabasa akafanana neauchazoita pauchagara nhaka yenyika!

a Ona nyaya inoti “Kuita Kuti Vazhinji Vave Vakarurama” iri muNharireyomurindi yaSeptember 2022.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe