Nyaya Yekudzidza 51
Iva Nerugare Paunosangana Nedambudziko
“Musarega mwoyo yenyu ichinetseka kana kuti ichitya.”—JOH. 14:27.
RWIYO 112 Jehovha, Mwari Werugare
ZVICHADZIDZWAa
1. Chii chinonzi “rugare rwaMwari,” uye tinobatsirwa sei patinova narwo? (VaFiripi 4:6, 7)
KUNE rumwe rugare rusingazivikanwi nevanhu vari munyika. Rugare urwu ndirwo “rugare rwaMwari,” kureva kudzikama kunovapo nekuti munhu ane ushamwari hwepedyo naBaba vedu vekudenga. Patinova nerugare rwaMwari, tinonzwa takachengeteka. (Verenga VaFiripi 4:6, 7.) Tinova neushamwari hwepedyo nevamwe vanomuda. Uye tinova neushamwari hwepedyo ‘naMwari werugare.’ (1 VaT. 5:23) Patinoziva Baba vedu, patinovimba navo, uye patinovateerera, tinova nerugare rwaMwari uye rugare irworwo runogona kutibatsira kuti tigadzikane patinosangana nematambudziko.
2. Nei tiine chokwadi chekuti zvinoita kuti tive nerugare rwaMwari?
2 Zvinonyatsoita here kuti tive nerugare rwaMwari patinenge tichisangana nematambudziko akadai sekupararira kwezvirwere, njodzi, kusagadzikana mune zvematongerwo enyika, kana kuti kutambudzwa? Matambudziko aya anogona kuita kuti titye. Asi Jesu akaudza vateveri vake kuti: “Musarega mwoyo yenyu ichinetseka kana kuti ichitya.” (Joh. 14:27) Zvinofadza kuti hama nehanzvadzi dziri kutevedzera zano raJesu. Jehovha ari kuvabatsira kuti vave nerugare pavanosangana nematambudziko akakura.
ZVATINGAITA KUTI TIVE NERUGARE PANOPARARIRA CHIRWERE
3. Kupararira kwechirwere kungavhiringidza sei rugare rwedu?
3 Kupararira kwechirwere kunogona kukanganisa zvakawanda muupenyu hwevanhu. Ona kuti COVID-19 yakachinja sei upenyu hwevanhu vakawanda. Pane imwe ongororo yakaitwa, inopfuura hafu yevanhu yakataura kuti yaitadza kurara zvakanaka panguva yaipararira chirwere ichocho. Kupararira uku kwakakonzera kuwedzera kwakakura kwezvinhu zvinoti: kuora mwoyo, kuzvidya mwoyo, kudhakwa uye kushandisa madhiragi, mhirizhonga mudzimba, uye kuedza kuzviuraya. Kana kwaunogara kuine chirwere chiri kupararira, ungaitei kuti usanyanya kuzvidya mwoyo uye uve nerugare rwaMwari?
4. Nei kuziva uprofita hwakataurwa naJesu nezvemazuva ekupedzisira kuchiita kuti tive nerugare?
4 Jesu akataura kuti mumazuva ekupedzisira, kwaizova nematenda, “munzvimbo dzakawanda.” (Ruka 21:11) Kuziva izvozvo kunotibatsira sei kuti tive nerugare? Hatishamiswi nekupararira kwezvirwere. Tinoziva kuti zvinhu izvi zviri kuitika sekutaurwa kwazvakaitwa naJesu. Saka tinoteerera zano raJesu raakapa kune vaya vari kurarama munguva yekuguma rekuti: “Musazovhundutswa nazvo.”—Mat. 24:6.
Kuteerera Bhaibheri rakarekodhwa kunogona kukubatsira kuti ugadzikane panguva inenge ichipararira chirwere (Ona ndima 5)
5. (a) Mashoko ari pana VaFiripi 4:8, 9 anotibatsira sei kusarudza zvatinofanira kunyengeterera pakunenge kuine chirwere chinopararira? (b) Kuteerera Bhaibheri rakarekodhwa kungakubatsira sei?
5 Kupararira kwechirwere kunogona kuita kuti tinetseke chaizvo uye titye. Izvi ndizvo zvakaitika kune imwe hanzvadzi inonzi Desi.b Pashure pekunge COVID-19 yauraya babamunini vake, mwana wababamukuru vake, uyewo chiremba wake, Desi akanga ava kutyawo kuti anogona kubatira chirwere ichi akachipa amai vake avo vainge vakwegura. Akanga ava kutyira kuti denda iri raizoita kuti arasikirwe nebasa rake, saka ainetseka kuti achawanepi mari yekutenga zvekudya uye yerendi. Izvi zvakanga zvava kuita kuti anetseke chaizvo, uye zvava kumushayisa hope. Asi Desi akavazve nerugare. Zvakafamba sei? Akanyengetera kuna Jehovha achimukumbira kuti amubatsire kuti agadzikane uye afunge zvakanaka. (Verenga VaFiripi 4:8, 9.) Desi ainzwa mashoko aJehovha paaiteerera Bhaibheri rakarekodhwa. Anoti, “Manzwi anozorodza evaverengi vacho aindibatsira kuti ndisazvidya mwoyo uye aindiyeuchidza kuti Jehovha ane hanya neni.”—Pis. 94:19.
6. Kudzidza uri wega uye misangano yeungano zvichakubatsira sei?
6 Panguva inopararira chirwere, zvingasava nyore kuti tiite zvinhu zvatinogara tichiita, asi hatifaniri kurega izvozvo zvichititadzisa kudzidza tiri tega kana kupinda misangano. Nyaya dzinoitika kune vamwe dzinobuda mumabhuku edu nemavhidhiyo dzichakuyeuchidza kuti hama nehanzvadzi dzako dziri kuramba dzakaperera kuna Mwari pasinei nekuti dziri kusangana nezvinhu zvakafanana nezvauri kusangana nazvo. (1 Pet. 5:9) Misangano ichakubatsira kuzadza pfungwa dzako nezvinhu zvinokurudzira zviri muBhaibheri. Ichakupawo mikana yekukurudzira vamwe uye yekukurudzirwawo navo. (VaR. 1:11, 12) Paunofunga nezvekuti Jehovha akabatsira sei vamwe vanamati vake pavairwara, pavaitya, kana pavaisurukirwa, kutenda kwako kuchasimbiswa uye uchava nechokwadi chekuti achakutsigirawo.
7. Ungadzidzei pane zvakaitwa nemuapostora Johani?
7 Edza kukurukura nehama nehanzvadzi dzako. Kupararira kwechirwere kungada kuti tinge takataramukana nevamwe kunyange patinenge tiine vatinonamata navo. Panguva yakadaro, unogona kunzwa sezvakaita muapostora Johani. Aida kuonana neshamwari yake Gayo. (3 Joh. 13, 14) Asi Johani akaziva kuti kwekanguva, aisakwanisa kuona Gayo. Saka Johani akaita zvaaikwanisa kuita. Akanyorera Gayo tsamba. Kana zvisingaiti kuti ushanyire hama nehanzvadzi dzako, edza kuita zvekuvafonera, kukurukura navo muchionana pavhidhiyo, kana kuvatumira meseji. Kana ukagara uchikurukura nevamwe vaKristu, uchanzwa wakachengeteka uye uine rugare. Taura nevakuru kunyanya paunenge uchizvidya mwoyo, uye bvuma kukurudzirwa navo.—Isa. 32:1, 2.
KUVA NERUGARE PANOITIKA NJODZI
8. Njodzi inogona kukanganisa sei rugare rwako?
8 Kana kwaunogara kwakamboitika mafashamo, kudengenyeka kwenyika, kana kuti moto, unogona kunge wakazvidya mwoyo kwenguva yakareba. Kana wakafirwa nehama neshamwari dzako kana kuti wakaparadzirwa zvinhu zvako, ungangodaro wakashungurudzika, wakashaya tariro, kunyange kutotsamwa. Izvi hazvirevi kuti unonyanya kuda zvinhu kana kuti hauna kutenda. Wakasangana nedambudziko rakakura uye vamwe vanogona kufunga kuti uchapedzisira waita zvinhu zvakaipa. (Job. 1:11) Kunyange zvakadaro, unogona kuva nerugare. Zvingaitika sei?
9. Zvii zvakataurwa naJesu zvinotibatsira kuti tigare tagadzirira njodzi?
9 Yeuka zvakaprofitwa naJesu. Vamwe vanhu vanofunga kuti havambofi vakawirwa nenjodzi. Asi tinoziva kuti njodzi dzichawedzera munguva yedu, uye tinogona kutosangana nedzimwe dzacho. Jesu akaudza vateveri vake kuti kwaizova “nekudengenyeka kwenyika kukuru,” uye dzimwe njodzi dzaizoitika mugumo usati wasvika. (Ruka 21:11) Akaprofitawo kuti kwaizova ‘nekuwedzera kwekusateerera mutemo,’ izvo zviri kuitika mazuva ano. Semuenzaniso, tiri kuona kuparwa kwemhosva, kurwisana kwevanhu, uye ugandanga. (Mat. 24:12) Jesu haana kumbotaura kuti matambudziko aya aizongowira vaya vasingafarirwi naJehovha. Kunotova nevashumiri vaJehovha vakatendeka vakawanda vakawirwa nenjodzi. (Isa. 57:1; 2 VaK. 11:25) Jehovha angasatidzivirira nenzira inoshamisa panjodzi dzese, asi achatipa zvatinoda kuti tirambe takadzikama.
10. Nei kugara takagadzirira njodzi isati yaitika kuchiratidza kuti tine kutenda? (Zvirevo 22:3)
10 Zvichava nyore kuramba takadzikama munguva yenjodzi kana tikagara taronga zvatichazoita. Asi kugadzirira kunoreva here kuti kutenda kwedu muna Jehovha kushoma? Aiwa. Kugadzirira dambudziko kunoratidza kuti tinotenda kuti Jehovha anokwanisa kutichengeta. Nei tichidaro? Shoko raMwari rinotikurudzira kuti tigadzirire njodzi dzingangoitika. (Verenga Zvirevo 22:3.) Uye sangano raMwari riri kugara richitibatsira kuti tigare takagadzirira njodzi isati yaitika richishandisa nyaya dzinobuda mumagazini, misangano yeungano, uye zviziviso.c Tinovimba naJehovha here? Kana zvakadaro, tichatevedzera zano iroro iye zvino, njodzi isati yaitika.
Kugara wakagadzirira kunogona kukubatsira kuti upone panoitika njodzi (Ona ndima 11)d
11. Tinodzidzei pane zvakaitwa naMargaret?
11 Funga zvakaitika kune imwe hanzvadzi inonzi Margaret. Hurumende yakati abve pamba pake nekuti kwainge kwaita moto waipisa masango. Sezvo vanhu vaitiza panguva imwe chete, migwagwa yakavharika uye mota dzakatadza kufamba. Denga rakazara neutsi hutema, uye Margaret aisakwanisa kubuda mumota yake. Asi akapona nekuti ainge akagadzirira. Mubhegi rake maiva nemepu yaigona kumubatsira kuziva kwekubuda nako. Akanga ambofamba nemugwagwa iwoyo achiitira kuti azoziva kwekuenda kana njodzi yaitika. Kugadzirira kwakaita Margaret kwakaita kuti apone.
12. Nei tichiteerera mirayiridzo ine chekuita nekuchengeteka?
12 Kuti isu nevamwe tisava pangozi, hurumende ingatiudza kuti tisafamba pane dzimwe nguva, tibve patiri kugara, kana kuti titeerere mimwe mirayiridzo. Vamwe vanhu vanononoka kuteerera kana kuti vanoverengera nekuti havadi kusiya zvinhu zvavo. VaKristu vanoita sei pakadaro? Bhaibheri rinotiudza kuti: “Zviisei pasi peutungamiriri hwese hunogadzwa nevanhu, muchiitira Ishe, angava mambo uyo ane simba pamuri kana magavhuna aanotuma.” (1 Pet. 2:13, 14) Sangano raMwari rinotipawo mirayiridzo kuti tirambe takachengeteka. Tinogara tichiyeuchidzwa kuti tipe vakuru nhamba dzedu dzefoni dzatiri kushandisa kuitira kuti vazokwanisa kutifonera panoitika njodzi. Wakatoita izvozvo here? Tinogona kupiwa mirayiridzo yekuti tirambe tiri pamba, tibve patinenge tichigara, uye tiwane zvekushandisa kana mirayiridzo yekuti tingabatsira sei vamwe uye riini. Kana tikatadza kuteerera, tinogona kuisa upenyu hwedu uye hwevakuru pangozi. Yeuka kuti varume ava vakatendeka vari kutichengetedza. (VaH. 13:17) Margaret anoti, “Ndinonyatsobvuma kuti kuteerera mirayiridzo yevakuru uye yesangano kwakandiponesa.”
13. Chii chinoita kuti vaKristu vakasiya misha yavo varambe vachifara uye vaine rugare?
13 Hama nehanzvadzi dzakawanda idzo dzakasiya misha yadzo nemhaka yenjodzi kana kuti hondo kana kusagadzikana kwezvinhu munyika, vakaita zvese zvavaigona kuti vachinje mararamiro avo kuti aenderane nezvakanga zvavapo uye vakabva vangoenderera mberi nekuita mabasa echiKristu. Sezvakaitwa nevaKristu vekutanga avo vakapararira nemhaka yekutambudzwa, vanoramba “vachizivisa mashoko akanaka eshoko raMwari.” (Mab. 8:4) Kuparidza kunovabatsira kuti vaise pfungwa paUmambo pane kuti vadziise pakuoma kwakaita upenyu. Izvi zvinoita kuti varambe vachifara uye vaine rugare.
KUVA NERUGARE PATINENGE TICHITAMBUDZWA
14. Kutambudzwa kungakanganisa sei rugare rwedu?
14 Kutambudzwa kunogona kuita kuti tirasikirwe nezvinhu zvakawanda zvinowanzoita kuti tinge takagadzikana. Tinofara uye tinogutsikana patinoungana pamwe chete takasununguka, patinoparidza pachena, uye patinoita zvinhu zvemazuva ese tisingatyiri kuti tichasungwa. Kana tikatorerwa rusununguko rwekuita izvozvo, tinogona kuzvidya mwoyo tichitya zvichazoitika. Manzwiro akadaro haana kuipa. Asi tinofanira kungwarira. Jesu akayambira kuti kutambudzwa kunogona kuita kuti vateveri vake vasiye kutenda. (Joh. 16:1, 2) Saka tingaitei kuti tirambe tiine rugare patinenge tichitambudzwa?
15. Nei tisingafaniri kutya kutambudzwa? (Johani 15:20; 16:33)
15 Shoko raMwari rinotiudza kuti: “Vese vanoda kurarama vachizvipira kuna Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwawo.” (2 Tim. 3:12) Imwe hama inonzi Andrei yaiomerwa nekubvuma izvozvo pakarambidzwa basa rekuparidza munyika yainogara. Yaiti: ‘Muno mune Zvapupu zvakawandisa. Mapurisa angakwanisa kutisunga tese here?’ Pane kuti mafungiro aya aite kuti Andrei agadzikane mupfungwa, aitoita kuti azvidye mwoyo. Dzimwe hama dzakavimba naJehovha uye hadzina kufunga kuti dzaisazosungwa. Vaiziva kuti vaigona kusungwa, asi vainge vakasiyana naAndrei pakuti vaisanyanya kuzvidya mwoyo. Saka Andrei akasarudza kuvatevedzera uye akavimba zvizere naMwari. Pasina nguva akanga agadzikana uye akanga ava kufara pasinei nematambudziko. Izvozvo zvinogona kuitikawo kwatiri. Kunyange zvazvo Jesu akatiudza kuti titarisire kutambudzwa, akativimbisawo kuti tinogona kuramba takatendeka.—Verenga Johani 15:20; 16:33.
16. Mirayiridzo ipi yatinofanira kuteerera patinenge tichitambudzwa?
16 Kana basa redu richirambidzwa zvachose kana kuti tichirambidzwa kuita zvimwe zvinhu pabasa redu, tinogona kupiwa mirayiridzo nehofisi yebazi uye nevakuru. Mirayiridzo iyoyo inotichengetedza, inoita kuti tirambe tichiwana zvekudya zvekunamata, uye inotibatsira kuti tirambe tichiita basa rekuparidza. Ita zvese zvaunogona kuti uteerere mirayiridzo iyoyo yaunopiwa, kunyange paunenge usiri kunyatsonzwisisa kuti nei yapiwa. (Jak. 3:17) Uyewo usambofa wakataura mashoko ane chekuita nehama nehanzvadzi dzedu kana kuti ezvinenge zvichiitwa neungano kune vaya vasina kodzero yekuanzwa.—Mup. 3:7.
Chii chichakubatsira kuti uve nerugare kunyange panguva dzakaoma? (Ona ndima 17)e
17. Tichitevedzera zvakaitwa nevaapostora, tinoda kuitei?
17 Chimwe chikonzero chikuru chinoita kuti Satani arwise vashumiri vaMwari ndechekuti “vane basa rekupupura nezvaJesu.” (Zvak. 12:17) Usatya zvinoitwa naSatani nenyika yake. Kuparidza nekudzidzisa pasinei nekupikiswa kunoita kuti tifare uye tive nerugare. VaJudha pavakarayira vaapostora kuti varege kuparidza, varume ivavo vainge vakatendeka vakasarudza kuteerera Mwari. Vakaramba vachiparidza uye basa iroro rakaita kuti vafare. (Mab. 5:27-29, 41, 42) Basa redu parinenge richirambidzwa, tinofanira kungwarira patinenge tichiparidza. (Mat. 10:16) Asi kana tikaita zvese zvatinogona, tichava nerugare runobva pakufadza Jehovha uye pakuudza vamwe mashoko anoponesa.
“MWARI WERUGARE ACHAVA NEWE”
18. Rugare rwechokwadi runobva kunaani?
18 Iva nechokwadi chekuti kunyange panguva dzakaoma chaizvo, tinogona kuva nerugare. Panguva dzakadaro, tinofanira kuyeuka kuti rugare rwatinoda ndirwo rugare rwaMwari, kureva rugare runongobva kuna Jehovha chete. Vimba naye panopararira chirwere, panoitika njodzi, kana kuti patinotambudzwa. Ramba uri pedyo nesangano rake. Funga nezveramangwana rakazonaka ratakamirira. Paunoita izvozvo, “Mwari werugare achava newe.” (VaF. 4:9) Munyaya inotevera, tichaona kuti tingabatsira sei hama nehanzvadzi dzedu kuti dzive nerugare rwaMwari padzinosangana nematambudziko.
RWIYO 38 Achakusimbisa
a Jehovha anovimbisa kupa rugare vaya vanomuda. Rugare runopiwa naMwari rwakaita sei, uye tingaitei kuti tirwuwane? Kuva ‘nerugare rwaMwari’ kunotibatsira sei patinosangana nematenda, njodzi dzinongoitika dzega, kana kuti patinotambudzwa? Nyaya ino ichapindura mibvunzo iyoyo.
b Mamwe mazita akachinjwa.
c Ona nyaya inoti “Kana Njodzi Ikaitika Zvii Zvatingaita?” iri muMukai! Nhamba 5 ya2017.
d KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hanzvadzi iyo yainge yakagadzirira pachiine nguva iri kubva pamba payo.
e KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama inogara munzvimbo yatisingakwanisi kuparidza takasununguka iri kuparidza yakangwarira.