RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 9
  • Mwari Ane Zita Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Ane Zita Here?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Zita raMwari
    Mukai!—2017
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Jehovha
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • A4 Zita raMwari muMagwaro echiHebheru
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 9
Zita raMwari muchiHebheru

Mwari Ane Zita Here?

Mhinduro yeBhaibheri

Vanhu vose vane mazita. Mwari angatadzawo here kuvawo nezita rake? Kuva nemazita uye kuashandisa kunokosha kana tichida kuti ushamwari husimbe. Zvinofanira kusiyana here kana pava panyaya yokuva neushamwari naMwari?

MuBhaibheri, Mwari anoti: “Ndini Jehovha. Ndiro zita rangu.” (Isaya 42:8) Kunyange zvazvo aine mazita akawanda okuremekedza, akadai seokuti “Mwari Wemasimbaose,” “Changamire Ishe,” uye “Musiki,” anoremekedza vanamati vake nekuvaudza kuti vashandise zita rake.​—Genesisi 17:1; Mabasa 4:​24; 1 Petro 4:19.

MaBhaibheri akawanda ane zita raMwari pana Eksodho 6:3. Mashoko acho anoti: “Ndaimbozviratidza kuna Abrahamu, Isaka naJakobho saMwari Wemasimbaose, asi handina kuzvizivisa kwavari nezita rangu rokuti Jehovha.”

Zita raMwari rokuti Jehovha rava nemazana emakore richishandiswa. Kunyange zvazvo dzimwe nyanzvi dzakadzidza dzichifarira rokuti “Yahweh,” zita rokuti Jehovha ndiro rinonyanya kushandiswa. Chikamu chokutanga cheBhaibheri hachina kunyorwa muChirungu asi muchiHebheru, unova mutauro unoverengwa uchibva kurudyi uchienda kuruboshwe. Mumutauro uyu, zita raMwari rinoratidzwa nemavara mana aya, יהוה. Mavara aya mana echiHebheru, kana akashandurwa anobudisa rokuti YHWH uye anozivikanwa seTetragrammaton.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe