RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Pisarema 144
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raMapisarema

      • Munyengetero wekukunda

        • “Munhu chiiko?” (3)

        • ‘Vavengi ngavaparadzirwe’ (6)

        • Vanofara vanhu vaJehovha (15)

Pisarema 144:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 32:4
  • +2Sa 22:35; Pis 18:2, 34

Pisarema 144:2

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “yakakwirira yakachengeteka.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 22:2, 3
  • +Pis 18:47

Pisarema 144:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 8:4; VaH 2:6

Pisarema 144:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 39:5
  • +1Mak 29:15; Job 14:1, 2

Pisarema 144:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 18:9
  • +Eks 19:18

Pisarema 144:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Job 36:32
  • +2Sa 22:15

Pisarema 144:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 22:17, 18; Pis 18:16, 17; 54:3

Pisarema 144:8

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Uye ruoko rwavo rwerudyi ruoko rwerudyi rwenhema.”

Pisarema 144:9

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Ndichakuridzirai rwiyo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 33:3; 40:3; 96:1; Isa 42:10; Zva 5:9; 14:3

Pisarema 144:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 5:19; Pis 18:50
  • +1Sa 17:45, 46; 2Sa 21:15, 17

Pisarema 144:12

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    4/2018, p. 32

Pisarema 144:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 33:12; 37:9, 37; 146:5

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/1/2006, p. 13

    6/15/2006, pp. 12-13

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Pis. 144:1Dhe 32:4
Pis. 144:12Sa 22:35; Pis 18:2, 34
Pis. 144:22Sa 22:2, 3
Pis. 144:2Pis 18:47
Pis. 144:3Pis 8:4; VaH 2:6
Pis. 144:4Pis 39:5
Pis. 144:41Mak 29:15; Job 14:1, 2
Pis. 144:5Pis 18:9
Pis. 144:5Eks 19:18
Pis. 144:6Job 36:32
Pis. 144:62Sa 22:15
Pis. 144:72Sa 22:17, 18; Pis 18:16, 17; 54:3
Pis. 144:9Pis 33:3; 40:3; 96:1; Isa 42:10; Zva 5:9; 14:3
Pis. 144:102Sa 5:19; Pis 18:50
Pis. 144:101Sa 17:45, 46; 2Sa 21:15, 17
Pis. 144:15Pis 33:12; 37:9, 37; 146:5
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Pisarema 144:1-15

Mapisarema

Rwiyo rwaDhavhidhi.

144 Jehovha, Dombo rangu,+ ngaarumbidzwe,

Anodzidzisa maoko angu kurwa,

Uye minwe yangu hondo.+

 2 Ndiye rudo rwangu rusingachinji uye nhare yangu,

Nzvimbo yangu yekupotera* uye mununuri wangu,

Nhoo yangu uye ndiye wandakapotera kwaari,+

Iye anokunda marudzi achiaisa pasi pangu.+

 3 Haiwa Jehovha, munhu chiiko zvamuine hanya naye,

Iye mwanakomana wemunhu zvamunomufunga?+

 4 Munhu akafanana nemhepowo zvayo inofemwa;+

Mazuva ake akafanana nemumvuri unopfuura.+

 5 Haiwa Jehovha, dzikisai matenga enyu muburuke;+

Batai makomo muite kuti apfungaire.+

 6 Itai kuti mheni ipenye muparadzire muvengi;+

Pfurai miseve yenyu muvavhiringidze.+

 7 Tambanudzai maoko enyu muri kumusoro;

Ndinunurei mundiponese pamvura ine simba,

Paruoko rwevatorwa,+

 8 Vane miromo inoreva nhema

Uye vanosimudza ruoko rwavo rwerudyi vachipika zvenhema.*

 9 Haiwa Mwari, ndichakuimbirai rwiyo rutsva.+

Ndichaimba ndichikurumbidzai,* ndichiridza chiridzwa chine tambo gumi,

10 Ndichiridzira iye anoita kuti madzimambo akunde,+

Anonunura mushumiri wake Dhavhidhi pabakatwa rinouraya.+

11 Ndinunurei mundiponese paruoko rwevatorwa,

Vane miromo inoreva nhema

Uye vanosimudza ruoko rwavo rwerudyi vachipika zvenhema.

12 Vanakomana vedu vachabva vaita sezvirimwa zvidiki zvinokurumidza kukura,

Vanasikana vedu vova sembiru dzepakona dzepamuzinda dzakavezwa.

13 Matura edu achafashukira nezvirimwa zvakasiyana-siyana;

Makwai edu ari mumafuro achawedzera nezviuru, nemakumi ezviuru.

14 Pamombe dzedu dzine mazamu, hapana dzichatadza kubereka kana dzichasvodza;

Hapazovi nekuridza mhere mumisika yedu.

15 Vanofara vanhu vanoitirwa izvi!

Vanofara vanhu vana Jehovha saMwari wavo!+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe