RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Eksodho 12
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raEksodho

      • Kutangwa kwePaseka (1-28)

        • Ropa raizosaswa pamagwatidziro (7)

      • Dambudziko 10: matangwe anourayiwa (29-32)

      • VaIsraeri vanotanga kubuda (33-42)

        • Panoperera makore 430 (40, 41)

      • Machengeterwo ePaseka (43-51)

Eksodho 12:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 13:4; 23:15; Nu 28:16; Dhe 16:1

Eksodho 12:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Joh 1:29; 1VaK 5:7; Zva 5:6

Eksodho 12:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kwemweya yacho.”

Eksodho 12:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 22:18-20; Dhe 17:1; 1Pe 1:19

Eksodho 12:6

Mashoko Emuzasi

  • *

    Iyi inguva inenge ichangovira zuva asi kusati kwasviba.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 28:16
  • +Eks 12:18; Re 23:5; Dhe 16:6

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    6/15/2014, p. 22

    12/15/2013, pp. 18-19

    2/15/1990, p. 14

Eksodho 12:7

Mashoko Emuzasi

  • *

    Aya mapango anenge akabatirira gonhi kana kuti dhoo.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1VaK 5:7; VaH 11:28

Eksodho 12:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 16:6, 7
  • +Eks 13:3; 34:25; Dhe 16:3; 1VaK 5:8
  • +Nu 9:11

Eksodho 12:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 7:15; 22:29, 30; Dhe 16:4

Eksodho 12:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “zviuno zvenyu zvakasungwa.”

Eksodho 12:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 11:4, 5; 12:29
  • +Nu 33:4

Eksodho 12:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 8:22; 9:4, 26; 10:23; 11:7

Eksodho 12:15

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mweya iwoyo unofanira kuurayiwa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 23:15; Re 23:6

Eksodho 12:16

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nemweya.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 23:8

Eksodho 12:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 23:6; Ru 22:1; 1VaK 5:8

Eksodho 12:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 23:5, 6

Eksodho 12:19

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mweya iwoyo unofanira kuurayiwa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 9:14
  • +Dhe 16:3; 1VaK 5:7

Eksodho 12:20

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/15/2007, p. 31

Eksodho 12:21

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, makwai madiki kana mbudzi diki.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 3:16; Nu 11:16

Eksodho 12:23

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “rinoparadza.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaH 11:28

Eksodho 12:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 16:3

Eksodho 12:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 5:10

Eksodho 12:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 13:3, 8; Dhe 6:6, 7

Eksodho 12:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaH 11:28

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    12/15/1995, p. 12

Eksodho 12:29

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “muimba yemugomba.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 33:4; Pis 78:51; 105:36
  • +Ge 15:14; Eks 11:4, 5; Nu 3:13; Pis 135:8

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/15/2004, p. 25

Eksodho 12:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 11:6

Eksodho 12:31

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 10:28, 29
  • +Eks 3:19, 20; 6:1; 10:8-11; Pis 105:38

Eksodho 12:32

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 10:26

Eksodho 12:33

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 12:11
  • +Eks 10:7

Eksodho 12:35

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 15:14; Eks 3:21; 11:2; Pis 105:37

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    11/1/1999, p. 30

Eksodho 12:36

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 3:22

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/15/2004, p. 26

    11/1/1999, p. 30

    12/1/1994, p. 13

Eksodho 12:37

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 47:11; Eks 1:11
  • +Nu 33:5
  • +Ge 12:1, 2; 15:1, 5; 46:2, 3; Eks 1:7; Nu 2:32

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/1/1989, pp. 14-15

Eksodho 12:38

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, vamwe vanhu vaisava vaIsraeri kusanganisira vaIjipiti.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 11:4

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    11/15/2014, p. 20

    4/15/1992, p. 8

    9/1/1989, pp. 14-15

    Kupukunyuka, pp. 68-69

Eksodho 12:39

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 12:31

Eksodho 12:40

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 46:2, 3; 47:27; Mab 13:17
  • +VaG 3:17

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/15/2004, p. 26

    “Rugwaro Rwose,” p. 295

Eksodho 12:41

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    7/2016, pp. 14-15

    “Rugwaro Rwose,” p. 295

Eksodho 12:42

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 16:1

Eksodho 12:43

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 22:10

Eksodho 12:44

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 17:12, 23

Eksodho 12:46

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 9:12; Pis 34:19, 20; Joh 19:33, 36

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    “Rugwaro Rwose,” p. 24

Eksodho 12:48

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 9:14

Eksodho 12:49

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 24:22; Nu 15:16

Eksodho 12:50

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    12/15/1995, p. 12

Eksodho 12:51

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/1/1989, pp. 14-15

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Eks. 12:2Eks 13:4; 23:15; Nu 28:16; Dhe 16:1
Eks. 12:3Joh 1:29; 1VaK 5:7; Zva 5:6
Eks. 12:5Re 22:18-20; Dhe 17:1; 1Pe 1:19
Eks. 12:6Nu 28:16
Eks. 12:6Eks 12:18; Re 23:5; Dhe 16:6
Eks. 12:71VaK 5:7; VaH 11:28
Eks. 12:8Dhe 16:6, 7
Eks. 12:8Eks 13:3; 34:25; Dhe 16:3; 1VaK 5:8
Eks. 12:8Nu 9:11
Eks. 12:10Re 7:15; 22:29, 30; Dhe 16:4
Eks. 12:12Eks 11:4, 5; 12:29
Eks. 12:12Nu 33:4
Eks. 12:13Eks 8:22; 9:4, 26; 10:23; 11:7
Eks. 12:15Eks 23:15; Re 23:6
Eks. 12:16Re 23:8
Eks. 12:17Re 23:6; Ru 22:1; 1VaK 5:8
Eks. 12:18Re 23:5, 6
Eks. 12:19Nu 9:14
Eks. 12:19Dhe 16:3; 1VaK 5:7
Eks. 12:21Eks 3:16; Nu 11:16
Eks. 12:23VaH 11:28
Eks. 12:24Dhe 16:3
Eks. 12:25Jos 5:10
Eks. 12:26Eks 13:3, 8; Dhe 6:6, 7
Eks. 12:28VaH 11:28
Eks. 12:29Nu 33:4; Pis 78:51; 105:36
Eks. 12:29Ge 15:14; Eks 11:4, 5; Nu 3:13; Pis 135:8
Eks. 12:30Eks 11:6
Eks. 12:31Eks 10:28, 29
Eks. 12:31Eks 3:19, 20; 6:1; 10:8-11; Pis 105:38
Eks. 12:32Eks 10:26
Eks. 12:33Eks 12:11
Eks. 12:33Eks 10:7
Eks. 12:35Ge 15:14; Eks 3:21; 11:2; Pis 105:37
Eks. 12:36Eks 3:22
Eks. 12:37Ge 47:11; Eks 1:11
Eks. 12:37Nu 33:5
Eks. 12:37Ge 12:1, 2; 15:1, 5; 46:2, 3; Eks 1:7; Nu 2:32
Eks. 12:38Nu 11:4
Eks. 12:39Eks 12:31
Eks. 12:40Ge 46:2, 3; 47:27; Mab 13:17
Eks. 12:40VaG 3:17
Eks. 12:42Dhe 16:1
Eks. 12:43Re 22:10
Eks. 12:44Ge 17:12, 23
Eks. 12:46Nu 9:12; Pis 34:19, 20; Joh 19:33, 36
Eks. 12:48Nu 9:14
Eks. 12:49Re 24:22; Nu 15:16
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
  • 36
  • 37
  • 38
  • 39
  • 40
  • 41
  • 42
  • 43
  • 44
  • 45
  • 46
  • 47
  • 48
  • 49
  • 50
  • 51
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Eksodho 12:1-51

Eksodho

12 Jehovha akabva ati kuna Mozisi naAroni vari munyika yeIjipiti: 2 “Mwedzi uno ndiwo uchava wekutanga pamwedzi yenyu. Ndiwo uchava wekutanga pamwedzi yegore renyu.+ 3 Taurai neungano yese yevaIsraeri, muchiti, ‘Pazuva rechi10 remwedzi uno, imba imwe neimwe inofanira kutora gwai+ maererano neimba yemadzibaba avo, imba imwe neimwe ive negwai rayo. 4 Asi kana mhuri yacho iri diki zvekusakwanisa kupedza gwai racho, inofanira kubatana nemuvakidzani wayo ari pedyo vodya pamwe chete mumba mavo maererano nekuwanda kwevanhu vacho.* Pamunenge muchironga kudya gwai racho, tangai maona kuti mumwe nemumwe achadya zvakawanda sei. 5 Gwai renyu rinofanira kunge rakanaka,+ riri gondohwe rine gore rimwe chete. Munogona kusarudza gondohwe diki kana kuti mbudzi. 6 Munofanira kurichengeta kusvikira pazuva rechi14 remwedzi uno,+ uye ungano yese yaIsraeri inofanira kuriuraya panguva yerubvunzavaeni.*+ 7 Vanofanira kutora rimwe ropa racho vorisasa pamagwatidziro* maviri nepamusoro pesuo redzimba dzavanoridyira.+

8 “‘Vanofanira kudya nyama yacho usiku uhwu.+ Vanofanira kuita zvekuigocha voidya nechingwa chisina mbiriso+ uye nemiriwo inovava.+ 9 Musatomboidya iri mbishi kana kuti yakabikwa nemvura, asi itai yekugocha, musoro pamwe chete nemazondo nezvemukati zvacho. 10 Hamufaniri kusiya imwe yacho kusvikira mangwanani, asi inosara kusvikira mangwanani muipise nemoto.+ 11 Uye munofanira kuidya makasunga mabhandi enyu,* makapfeka shangu dzenyu, makabata midonzvo yenyu mumaoko; uye munofanira kuidya muchikurumidza. Iyo iPaseka yaJehovha. 12 Nekuti ndichapfuura nemunyika yeIjipiti usiku uhwu ndouraya matangwe ese ari munyika yeIjipiti, kubvira kumunhu kusvikira kumhuka;+ uye ndichapa mutongo kuvanamwari vese veIjipiti.+ Ndini Jehovha. 13 Ropa racho richava chiratidzo padzimba dzamunenge muri; ndichaona ropa racho ndokudarikai, uye dambudziko racho harizouyi pamuri kuti rikuparadzei pandinorova nyika yeIjipiti.+

14 “‘Zuva iri richava chiyeuchidzo kwamuri, uye munofanira kuripemberera kuti rive mutambo unoitirwa Jehovha muzvizvarwa zvenyu zvese. Uyu murau uchagara uripo. 15 Munofanira kudya chingwa chisina mbiriso kwemazuva manomwe.+ Pazuva rekutanga mubvise mukanyiwa wakavira mudzimba dzenyu, nekuti ani naani anodya zvine mbiriso kubvira pazuva rekutanga kusvikira rechinomwe, anofanira kubviswa* pakati paIsraeri. 16 Pazuva rekutanga muchaita kuungana kutsvene, uye pazuva rechinomwe muchaitazve kumwe kuungana kutsvene. Hapana basa rinofanira kuitwa pamazuva aya.+ Basa chete rinogona kuitwa nemunhu* wese nderekugadzira zvaanenge achida kudya.

17 “‘Munofanira kuchengeta Mutambo Wechingwa Chisina Mbiriso,+ nekuti pazuva iri ndichabudisa mauto enyu munyika yeIjipiti. Uye munofanira kuchengeta zuva iri muzvizvarwa zvenyu zvese uye uchava murau uchagara uripo. 18 Mumwedzi wekutanga, manheru ezuva rechi14 remwedzi wacho, munofanira kudya chingwa chisina mbiriso kusvikira manheru ezuva rechi21 remwedzi wacho.+ 19 Hapana mukanyiwa wakavira unofanira kuva mudzimba dzenyu kwemazuva manomwe, nekuti ani naani anodya zvine mbiriso, angava mutorwa kana kuti munhu wemunyika yacho,+ munhu iyeye anofanira kubviswa* pakati peungano yaIsraeri.+ 20 Hamufaniri kudya chinhu chese chine mbiriso. Mudzimba dzenyu dzese, munofanira kudya chingwa chisina mbiriso.’”

21 Mozisi akabva angoshevedza vakuru vese vaIsraeri+ akati kwavari: “Endai munosarudza zvipfuwo* zvidiki, mhuri imwe neimwe, muuraye chibayiro chePaseka. 22 Munofanira kubva manyika sumbu rehisopi muropa riri mubheseni, morizora nechekumusoro kwesuo nepamagwatidziro aro maviri; uye hapana kana mumwe wenyu anofanira kubuda pasuo reimba yake kusvikira mangwanani. 23 Jehovha paanozopfuura kuti atambudze vaIjipiti, oona ropa kumusoro kwesuo nepamagwatidziro aro maviri, Jehovha achabva adarika suo racho, uye haazobvumiri kuti dambudziko racho rinounza rufu* ripinde mudzimba dzenyu.+

24 “Munofanira kuchengeta chiitiko ichi uye uchava murau nekusingagumi kwamuri nekuvanakomana venyu.+ 25 Uye pamuchapinda munyika yamuchapiwa naJehovha sezvaakataura, munofanira kuchengeta chiitiko ichi.+ 26 Uye vanakomana venyu pavachakubvunzai kuti, ‘Munoitirei mhemberero iyi?’+ 27 munofanira kuti, ‘Ichi chibayiro chePaseka chatinoitira Jehovha, uyo akadarika padzimba dzevaIsraeri muIjipiti paakatambudza vaIjipiti, achisiya dzimba dzedu.’”

Vanhu vakabva vapfugama, vakadzikisa misoro yavo. 28 Saka vaIsraeri vakaenda vakaita izvo Jehovha akanga audza Mozisi naAroni.+ Vakaita izvozvo chaizvo.

29 Kuzoti pava pakati peusiku, Jehovha akarova matangwe ese aiva munyika yeIjipiti,+ kubvira kudangwe raFarao uyo akanga akagara pachigaro chake cheumambo kusvikira kudangwe renhapwa yaiva mujeri,* nematangwe ese emhuka.+ 30 Farao akamuka usiku ihwohwo pamwe nevashandi vake vese nevamwe vaIjipiti vese, uye pakava nekuchema kukuru pakati pevaIjipiti, nekuti hakuna imba yakasara isina munhu akafa.+ 31 Akabva angoshevedza Mozisi naAroni+ usiku ihwohwo, akati: “Simukai mubve pakati pevanhu vangu, mese nevamwe vaIsraeri. Endai munoshumira Jehovha sezvamakataura.+ 32 Endaiwo nemakwai enyu nemombe dzenyu sezvamakataura.+ Asi mundikomborerewo.”

33 VaIjipiti vakatanga kuteterera vanhu kuti vakurumidze kubva+ munyika yacho vachiti, “nekuti tese tangofanana nevanhu vakafa!”+ 34 Saka vanhu vakatakura mukanyiwa wavo wefurawa usati waiswa mbiriso, uye vakatakura midziyo yavo yekukanyira pamapfudzi avo yakaputirwa muzvipfeko zvavo. 35 VaIsraeri vakaita zvavakanga vaudzwa naMozisi uye vakakumbira vaIjipiti zvinhu zvesirivha nezvegoridhe, pamwe chete nezvipfeko.+ 36 Jehovha akaita kuti vanzwirwe nyasha nevaIjipiti, zvekuti vakavapa zvavakakumbira, uye vakatuta zvinhu zvevaIjipiti.+

37 VaIsraeri vakabva vasimuka muRamesesi+ vakananga kuSukoti.+ Varume vaifamba netsoka vaisvika 600 000, tisingaverengi vana.+ 38 Boka guru revamwe vanhu vakasiyana-siyana*+ rakaendawo navo, pamwe chete nemakwai nemombe, zvipfuwo zvakawanda kwazvo. 39 Vakatanga kubika chingwa cheraundi chisina mbiriso vachishandisa mukanyiwa wavakanga vabuda nawo muIjipiti. Chakanga chisina mbiriso, nekuti vakanga vaita zvekudzingwa muIjipiti, saka havana kuwana nguva yekugadzira mbuva.+

40 Pakazobuda vaIsraeri munyika yeIjipiti,+ vakanga vagara sevatorwa kwemakore 430.+ 41 Pakapera makore acho 430, pazuva iri chairo, mauto ese aJehovha akabuda munyika yeIjipiti. 42 Uhwu ndihwo usiku hwavachapemberera kubudiswa kwavo munyika yeIjipiti naJehovha. Usiku uhwu hunofanira kupembererwa nevaIsraeri vese muzvizvarwa zvavo zvese vachikudza Jehovha.+

43 Jehovha akabva ati kuna Mozisi naAroni, “Uyu ndiwo murau wePaseka: Hapana mutorwa anofanira kuidya.+ 44 Asi kana paine muranda akatengwa nemari, munofanira kumuchecheudza.+ Ipapo chete ndipo paanozokwanisa kuidya nemi. 45 Munhu anobva kune imwe nyika kana mushandi wemaricho haafaniri kuidya. 46 Inofanira kudyirwa muimba imwe chete. Haufaniri kubuda mumba neimwe nyama yacho, uye haufaniri kutyora mapfupa ayo.+ 47 Ungano yese yaIsraeri inofanira kuipemberera. 48 Kana uchigara nemutorwa uye achida kupemberera Paseka inoitirwa Jehovha, vanhurume vese vemumba make vanofanira kuchecheudzwa. Kana adaro, anogona hake kuipemberera, uye achange aita sechizvarwa chemunyika yacho. Asi hapana murume asina kuchecheudzwa anobvumirwa kuidya.+ 49 Pachashanda mutemo mumwe chete kumugari wemunyika yacho uye kumutorwa ari kugara pakati penyu.”+

50 Saka vaIsraeri vese vakaita izvo Jehovha akanga audza Mozisi naAroni. Vakaita izvozvo chaizvo. 51 Pazuva iri chairo, Jehovha akabudisa vaIsraeri munyika yeIjipiti pamwe chete nemauto avo.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe