RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 2 Madzimambo 25:9
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 9 Akapisa imba yaJehovha+ neimba yamambo+ nedzimba dzose dzomuJerusarema;+ uye akapisawo dzimba dzevakuru vose nomoto.+

  • 2 Makoronike 34:25
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 25 nokuti vakandisiya,+ vakakwidzira vamwe vanamwari utsi hwezvibayiro,+ kuti vandigumbure+ nezvose zvinoitwa nemaoko avo+ uye kuti kutsamwa+ kwangu kudururwe panzvimbo ino uye kurege kuzodzimwa.’”+

  • 2 Makoronike 36:16
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 16 Asi vakaramba vachiseka+ nhume dzaMwari wechokwadi, vachizvidza mashoko ake+ uye vachinyomba+ vaprofita vake, kusvikira Jehovha atsamwira+ vanhu vake, kusvikira zvisingachagadziriki.+

  • Jeremiya 7:20
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 20 Naizvozvo zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Tarirai! Kutsamwa kwangu nehasha dzangu zviri kudururirwa panzvimbo ino,+ pavanhu nepazvipfuwo, pamiti yomusango+ nepazvibereko zvevhu; izvo zvichatsva, uye hazvizodzimwi.’+

  • Jeremiya 39:8
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 8 VaKadheya vakapisa imba yamambo nedzimba dzevanhu nomoto,+ vakaputsa masvingo eJerusarema.+

  • Jeremiya 52:4
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 4 Mugore rechipfumbamwe iye ava mambo,+ mumwedzi wechigumi, pazuva rechigumi romwedzi wacho, Nebhukadrezari mambo weBhabhironi akasvika kuzorwisa Jerusarema,+ iye neuto rake rose rehondo, vakadzika musasa pakatarisana naro, vakavaka rusvingo kumativi ose kuti varirwise.+

  • Mariro 2:4
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    •  4 Akakunga uta hwake sezvinoita muvengi.+ Ruoko rwake rworudyi+ rwakagadzirira

      Sezvinoita mhandu,+ akaramba achiuraya vose vaya vanodiwa nemaziso.+

      Akadurura hasha dzake somoto,+ mutende+ romwanasikana weZiyoni.

  • Nahumi 1:6
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 6 Ndiani angamira pamberi pokutsamwa kwake?+ Ndiani angasimuka kuti arwise hasha dzake huru?+

      Hasha dzake dzichadururwa somoto,+ uye matombo achawira pasi nokuda kwake.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe