Eksodho 18:15, 16 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 15 Mozisi akati kuna tezvara vake: “Nekuti vanhu vanoramba vachiuya kwandiri kuti vabvunze Mwari. 16 Kana pakaitika nyaya, inouya kwandiri, ndotonganisa vanhu vacho, ndovazivisa zvinenge zvasarudzwa naMwari wechokwadi uye mitemo yake.”+ Eksodho 33:11 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 11 Jehovha aitaura naMozisi vakatarisana chiso nechiso,+ sezvinoita munhu achitaura nemumwe munhu. Paaidzokera kumusasa, Joshua+ mwanakomana waNuni, mushumiri uye mubatsiri wake,+ aisabva patende racho. Revhitiko 24:11, 12 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 11 Mwana wemukadzi wacho wechiIsraeri akatanga kumhura Zita* achirituka.+ Saka vakauya naye kuna Mozisi.+ Amai vake vainzi Sheromiti, mwanasikana waDhibri wedzinza raDhani. 12 Vakamuisa* muusungwa kusvikira vava kuziva zvakanga zvasarudzwa+ naJehovha.
15 Mozisi akati kuna tezvara vake: “Nekuti vanhu vanoramba vachiuya kwandiri kuti vabvunze Mwari. 16 Kana pakaitika nyaya, inouya kwandiri, ndotonganisa vanhu vacho, ndovazivisa zvinenge zvasarudzwa naMwari wechokwadi uye mitemo yake.”+
11 Jehovha aitaura naMozisi vakatarisana chiso nechiso,+ sezvinoita munhu achitaura nemumwe munhu. Paaidzokera kumusasa, Joshua+ mwanakomana waNuni, mushumiri uye mubatsiri wake,+ aisabva patende racho.
11 Mwana wemukadzi wacho wechiIsraeri akatanga kumhura Zita* achirituka.+ Saka vakauya naye kuna Mozisi.+ Amai vake vainzi Sheromiti, mwanasikana waDhibri wedzinza raDhani. 12 Vakamuisa* muusungwa kusvikira vava kuziva zvakanga zvasarudzwa+ naJehovha.