-
Numeri 4:15Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
15 “Aroni nevanakomana vake vanofanira kupedza kufukidza nzvimbo tsvene+ nemidziyo yese yenzvimbo tsvene kana musasa wava kutama. Vanakomana vaKohati vachabva vauya kuzozvitakura,+ asi havafaniri kubata nzvimbo tsvene nekuti vakadaro vanofa.+ Kutakura zvinhu izvi ibasa revanakomana vaKohati patende rekusanganira.
-
-
Numeri 16:39, 40Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
39 Saka mupristi Eriyezari akatora midziyo yemhangura yekuisira moto yakanga yauya nevaya vakanga vapiswa, uye akaipfura kuti inamirirwe paatari, 40 sezvaakanga audzwa naJehovha achishandisa Mozisi. Chaiva chiyeuchidzo kuvaIsraeri kuti pasava nemunhu asina mvumo,* asiri mumwe wevana vaAroni, anoswedera pedyo kuti apisire rusenzi pamberi paJehovha+ uye kuti pasava nemunhu anozoita saKora nevatsigiri vake.+
-