26 Uye vanakomana venyu pavachakubvunzai kuti, ‘Munoitirei mhemberero iyi?’+ 27 munofanira kuti, ‘Ichi chibayiro chePaseka chatinoitira Jehovha, uyo akadarika padzimba dzevaIsraeri muIjipiti paakatambudza vaIjipiti, achisiya dzimba dzedu.’”
Vanhu vakabva vapfugama, vakadzikisa misoro yavo.