RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Eksodho 13
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raEksodho

      • Matangwe ese echirume nemikono yese inotanga kuberekwa ndezvaJehovha (1, 2)

      • Mutambo Wechingwa Chisina Mbiriso (3-10)

      • Matangwe ese echirume nemikono yese inotanga kuberekwa zvinofanira kupiwa Mwari (11-16)

      • Israeri anoitwa kuti aende akananga kuGungwa Dzvuku (17-20)

      • Shongwe yegore neyemoto (21, 22)

Eksodho 13:2

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “dangwe rese rinovhura chibereko.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 3:13; 18:15; Dhe 15:19; Ru 2:22, 23

Eksodho 13:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 12:42; Dhe 16:3
  • +Dhe 4:34; Ne 9:10

Eksodho 13:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Mashoko Ekuwedzera B15.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 16:1

Eksodho 13:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 3:8; 34:11
  • +Ge 15:18; Eks 6:5, 8
  • +Eks 3:17; Dhe 8:7-9

Eksodho 13:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 12:15; 34:18

Eksodho 13:7

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “mumiganhu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 23:15
  • +Dhe 16:3

Eksodho 13:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 12:26, 27

Eksodho 13:9

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “sechirangaridzo.”

  • *

    ChiHeb., “pakati pemaziso ako.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 12:14; Dhe 11:18

Eksodho 13:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 12:24, 25

Eksodho 13:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 15:18

Eksodho 13:12

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “wese anovhura chibereko.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 22:29; 34:19, 20; Re 27:26; Nu 3:13; Ru 2:22, 23

Eksodho 13:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 18:15

Eksodho 13:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 7:7, 8

Eksodho 13:15

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “dangwe rese rinovhura chibereko.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 5:2
  • +Eks 12:29; Pis 78:51

Eksodho 13:16

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ichi chishongo chinosungwa chakatenderera musoro chakadai sechuma kana chimwewo chinhu.

  • *

    ChiHeb., “pakati pemaziso ako.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 11:18

Eksodho 13:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 14:2, 3; Nu 33:5

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    9/2018, p. 26

Eksodho 13:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 50:24, 25; Jos 24:32; VaH 11:22

Eksodho 13:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 14:19
  • +Nu 9:15; Pis 78:14

Eksodho 13:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 105:39; 1VaK 10:1

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Eks. 13:2Nu 3:13; 18:15; Dhe 15:19; Ru 2:22, 23
Eks. 13:3Eks 12:42; Dhe 16:3
Eks. 13:3Dhe 4:34; Ne 9:10
Eks. 13:4Dhe 16:1
Eks. 13:5Eks 3:8; 34:11
Eks. 13:5Ge 15:18; Eks 6:5, 8
Eks. 13:5Eks 3:17; Dhe 8:7-9
Eks. 13:6Eks 12:15; 34:18
Eks. 13:7Eks 23:15
Eks. 13:7Dhe 16:3
Eks. 13:8Eks 12:26, 27
Eks. 13:9Eks 12:14; Dhe 11:18
Eks. 13:10Eks 12:24, 25
Eks. 13:11Ge 15:18
Eks. 13:12Eks 22:29; 34:19, 20; Re 27:26; Nu 3:13; Ru 2:22, 23
Eks. 13:13Nu 18:15
Eks. 13:14Dhe 7:7, 8
Eks. 13:15Eks 5:2
Eks. 13:15Eks 12:29; Pis 78:51
Eks. 13:16Dhe 11:18
Eks. 13:18Eks 14:2, 3; Nu 33:5
Eks. 13:19Ge 50:24, 25; Jos 24:32; VaH 11:22
Eks. 13:21Eks 14:19
Eks. 13:21Nu 9:15; Pis 78:14
Eks. 13:22Pis 105:39; 1VaK 10:1
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Eksodho 13:1-22

Eksodho

13 Jehovha akataurazve naMozisi, achiti: 2 “Nditsaurire dangwe rese rechirume* pakati pevaIsraeri. Munhurume wese anotanga kuzvarwa ndewangu, uye mhuka hono yese inotanga kuberekwa ndeyangu.”+

3 Mozisi akabva ati kuvanhu: “Yeukai zuva iri ramakabuda muIjipiti,+ muimba yeuranda, nekuti Jehovha akakubudisai muno neruoko rune simba.+ Saka hapana chinhu chine mbiriso chinofanira kudyiwa. 4 Muri kubuda pazuva iri, mumwedzi waAbhibhi.*+ 5 Kana Jehovha akusvitsai kunyika yevaKenani, vaHiti, vaAmori, vaHivhi, nevaJebhusi,+ yaakapikira madzitateguru enyu kuti achakupai,+ nyika inoyerera uchi nemukaka,+ munofanira kuita mhemberero iyi mwedzi uno. 6 Kwemazuva manomwe, munofanira kudya chingwa chisina mbiriso,+ uye pazuva rechinomwe pachava nemutambo unoitirwa Jehovha. 7 Munofanira kudya chingwa chisina mbiriso kwemazuva manomwe;+ uye hamufaniri kuva nechinhu chine mbiriso,+ kana mukanyiwa wakavira munyika* yenyu yese. 8 Uye unofanira kuudza mwanakomana wako pazuva iroro kuti, ‘Ndinoita izvi nemhaka yezvandakaitirwa naJehovha pandakabuda muIjipiti.’+ 9 Uye ichi chinofanira kuva sechiratidzo paruoko rwako uye sechiyeuchidzo* pahuma yako,*+ kuti mutemo waJehovha uve mumuromo mako, nekuti Jehovha akakubudisa muIjipiti neruoko rune simba. 10 Unofanira kuchengeta murau uyu gore negore kana nguva yawo yasvika.+

11 “Kana Jehovha akusvitsa kunyika yevaKenani, yaakapika kwauri nekumadzitateguru ako kuti achakupa,+ 12 utsaurire Jehovha dangwe rese rechirume,* nechipfuwo chese chikono chinotanga kuberekwa pazvipfuwo zvaunenge wava nazvo. Zvese ndezvaJehovha.+ 13 Mwana wese wedhongi anotanga kuberekwa umudzikinure negwai, uye kana ukasamudzikinura, unofanira kutyora mutsipa wake. Uye udzikinure matangwe ese echirume evanakomana vako.+

14 “Kana mwanakomana wako akazokubvunza kuti, ‘Izvi zvinorevei?’ unofanira kuti kwaari, ‘Jehovha akatibudisa muIjipiti, muimba yeuranda, neruoko rune simba.+ 15 Farao paakaomesa mwoyo achiramba kuti tiende,+ Jehovha akauraya matangwe ese munyika yeIjipiti, kubvira kudangwe remunhu kusvikira kudangwe remhuka.+ Ndokusaka ndiri kubayira Jehovha mhuka hono dzese dzinotanga kuberekwa,* uye ndichidzikinura matangwe ese evanakomana vangu.’ 16 Ichi chinofanira kuva sechiratidzo paruoko rwako uye serundanyara* pahuma yako,*+ nekuti Jehovha akatibudisa muIjipiti neruoko rune simba.”

17 Farao paakarega vanhu vachienda, Mwari haana kuvatungamirira nenzira yaipfuura nemunyika yevaFiristiya kunyange zvazvo iri iyo yaiva pedyo. Nekuti Mwari akati: “Pamwe vanhu vangachinja mwoyo kana vasangana nehondo vodzokera kuIjipiti.” 18 Saka Mwari akaita kuti vatenderere nenzira yekurenje reGungwa Dzvuku.+ Asi pavakabuda munyika yeIjipiti, vaIsraeri vakanga vakarongwa semauto. 19 Mozisi akatorawo mapfupa aJosefa, nekuti Josefa akanga aita kuti vanakomana vaIsraeri vapike zvakasimba achiti: “Mwari haazotadzi kukurangarirai, uye munofanira kuzobuda muno nemapfupa angu.”+ 20 Vakabva kuSukoti vakanodzika musasa kuEtamu kumucheto kwerenje.

21 Jehovha akanga achifamba mberi kwavo masikati ari mushongwe yegore achivatungamirira munzira,+ uye usiku ari mushongwe yemoto kuti avape chiedza, kuti vakwanise kufamba masikati neusiku.+ 22 Shongwe yegore yaisabva pamberi pevanhu masikati, uyewo shongwe yemoto yaisabva pamberi pevanhu usiku.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe