RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Vatongi 19
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raVatongi

      • Mhosva yevaBhenjamini yekubata chibharo muguta reGibhiya (1-30)

Vatongi 19:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “murongo.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 8:4, 5
  • +Jos 17:14, 15
  • +Ge 35:19; Mik 5:2

Vatongi 19:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “usimbise mwoyo wako.”

Vatongi 19:6

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “uite kuti mwoyo wako ufare.”

Vatongi 19:8

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “usimbise mwoyo wako.”

Vatongi 19:9

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “kutende renyu.”

Vatongi 19:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 15:8, 63; 18:28; Vat 1:8

Vatongi 19:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 18:28

Vatongi 19:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 18:21, 25

Vatongi 19:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 19:2

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    1/15/2005, p. 27

Vatongi 19:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 19:1
  • +Jos 18:21, 28

Vatongi 19:18

Mashoko Emuzasi

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “uye ndinoshumira paimba yaJehovha.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 19:1, 2

Vatongi 19:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 24:32
  • +Ge 18:5; 19:3

Vatongi 19:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 19:4, 5; Re 20:13; VaR 1:27; 1VaK 6:9, 10; Jud 7

Vatongi 19:24

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kuvaitira zvakaipa uye zvamunoona kuti ndizvo zvakanaka.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 19:6-8

Vatongi 19:25

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, muRevhi.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 19:2

Vatongi 19:29

Mashoko Emuzasi

  • *

    Apa pari kureva banga raishandiswa kuurayisa mhuka.

Vatongi 19:30

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Isai mwoyo yenyu pazviri.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 20:7

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Vat. 19:11Sa 8:4, 5
Vat. 19:1Jos 17:14, 15
Vat. 19:1Ge 35:19; Mik 5:2
Vat. 19:10Jos 15:8, 63; 18:28; Vat 1:8
Vat. 19:12Jos 18:28
Vat. 19:13Jos 18:21, 25
Vat. 19:15Ge 19:2
Vat. 19:16Vat 19:1
Vat. 19:16Jos 18:21, 28
Vat. 19:18Vat 19:1, 2
Vat. 19:19Ge 24:32
Vat. 19:19Ge 18:5; 19:3
Vat. 19:22Ge 19:4, 5; Re 20:13; VaR 1:27; 1VaK 6:9, 10; Jud 7
Vat. 19:24Ge 19:6-8
Vat. 19:25Vat 19:2
Vat. 19:30Vat 20:7
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Vatongi 19:1-30

Vatongi

19 Mumazuva iwayo pakwakanga kusina mambo muIsraeri,+ mumwe muRevhi uyo panguva iyoyo akanga achigara kudivi riri kure kwazvo munyika ine makomo yaEfremu,+ akatora mukadzi* kuBhetrehema+ iri muJudha kuti ave mudzimai wake. 2 Asi murongo wake akanga asina kuvimbika kwaari, uye akasiya murume wacho akaenda kumba kwababa vake kuBhetrehema iri muJudha. Akaramba ari ikoko kwemwedzi mina. 3 Murume wake akabva amutevera kuti anomunyengetedza kuti adzoke; akaenda nemurandarume wake nemadhongi maviri. Saka mukadzi wacho akamupinza mumba mababa vake. Baba vemukadzi wacho pavakamuona, vakafara kuonana naye. 4 Tezvara vake, baba vemukadzi iyeye, vakamunyengetedza kuti agare navo kwemazuva matatu; uye vaidya vachinwa uye aibva ararapo.

5 Pazuva rechina, pavakafumomuka mangwanani kuti vaende, baba vemukadzi wacho wechidiki vakati kumukuwasha wavo: “Wana chekudya kuti uwane simba,* mobva mazoenda henyu.” 6 Saka vakagara pasi, uye vese vari vaviri vakatanga kudya nekunwa pamwe chete; pashure paizvozvo baba vemukadzi wacho wechidiki vakati kumurume wacho: “Ndapota, rara hako pano ufare.”* 7 Murume wacho paakasimuka kuti aende, tezvara vake vakaramba vachimukumbira kuti asaende, saka akararazve ipapo.

8 Paakafumomuka zuva rechishanu kuti aende, baba vemukadzi wacho wechidiki vakati: “Wadii kuwana chekudya kuti uwane simba.”* Saka vakaramba varipo kusvikira zuva rarereka, uye vakaramba vachidya vari vaviri. 9 Murume wacho paakasimuka kuti aende nemurongo wake nemuranda wake, tezvara vake, baba vemukadzi wacho wechidiki, vakati kwaari: “Tarisa uone, kwava kutodoka. Ndapota rarai pano. Zuva rava kutonyura. Rarai pano mufare henyu. Munogona kumukira mangwana moenda kumba kwenyu.”* 10 Zvisinei, murume wacho akanga asingachadi kurarazve ipapo, saka akasimuka akaenda akasvika kuJebhusi, kureva Jerusarema.+ Aiva nemadhongi maviri aiva akasungirirwa zvigaro, nemurongo wake, nemuranda wake.

11 Pavakanga vava pedyo neJebhusi, zuva rakanga rava kunodoka. Saka muranda wacho akati kuna tenzi wake: “Tomira here muguta iri revaJebhusi kuti tirare imomo?” 12 Asi tenzi wake akati kwaari: “Hatifaniri kumira muguta revanhu vasiri vekwedu, vasiri vaIsraeri. Tichapfuurira tosvika kuGibhiya.”+ 13 Akabva ati kumuranda wake: “Handei, ngatiedze kunosvika kune imwe yenzvimbo dzacho; ticharara muGibhiya kana kuti muRama.”+ 14 Saka vakaramba vachienda, uye zuva rakatanga kudoka pavakanga vava pedyo neGibhiya yaBhenjamini.

15 Vakabva vamira ipapo vakapinda muGibhiya kuti varare imomo. Pavakangopinda, vakanogara pamusika wemuguta, asi hapana akavatora kuti vanorara kumba kwake.+ 16 Manheru iwayo, pakazosvika mumwe murume akanga akwegura aibva kunoita basa rake kumunda. Murume wacho aiva wekunyika ine makomo yaEfremu,+ uye akanga achigara muGibhiya kwechinguva; asi vagari vemuguta racho vaiva vaBhenjamini.+ 17 Paakasimudza musoro ndokuona murume uya aiva parwendo ari pamusika weguta, murume wacho akwegura akati: “Uri kuenda kupi, uye unobva kupi?” 18 Iye akapindura kuti: “Tiri kubva kuBhetrehema iri muJudha uye tiri kuenda kudivi riri kure chaizvo renyika ine makomo yaEfremu kwandinobva. Ndainge ndaenda kuBhetrehema iri muJudha,+ uye iye zvino ndiri kuenda kuimba yaJehovha,* asi hapana ari kundipinza mumba make. 19 Tine uswa nechikafu chakakwana chemadhongi edu,+ uye tine chingwa+ newaini zvangu, nezvemurongo wangu, nemuranda wedu. Hapana chatisina.” 20 Zvisinei, mukweguru wacho akati: “Iva nerugare! Ndichakupa zvese zvaungada. Asi usarara pamusika.” 21 Akamupinza mumba make, akapa madhongi ake chikafu. Vakabva vageza tsoka dzavo, vakadya nekunwa.

22 Pavakanga vachifara havo, vamwe varume vasingabatsiri vemuguta racho, vakakomba imba yacho, vachirova suo zvine simba, uye vakaramba vachiti kumukweguru wacho, muridzi weimba: “Budisa murume apinda mumba mako kuti tirare naye.”+ 23 Muridzi weimba yacho akabva abuda panze akati kwavari: “Aiwa, hama dzangu, musaita zvakaipa. Ndapota hangu, murume uyu muenzi mumba mangu. Musaita zvinhu zvakadaro zvinonyadzisa. 24 Ndine mwanasikana wangu mhandara nemurongo wemurume uyu. Regai ndivabudise uye munogona kuvanyadzisa kana zviri izvo zvamuri kuda.*+ Asi musaitira murume uyu zvinhu zvakadaro zvinonyadzisa.”

25 Asi varume vacho havana kumuteerera, saka murume wacho* akatora murongo wake+ akamubudisa panze kwavari. Vakamubata chibharo, vakamuitira zvakaipa usiku hwese kusvikira mangwanani. Kwava kuedza, vakabva vamurega achienda. 26 Mangwanani-ngwanani, mukadzi wacho akauya, akadonhera pasi pasuo reimba yemurume uya maiva natenzi wake, akaramba aripo kusvikira kwachena. 27 Tenzi wake paakamuka mangwanani, akavhura masuo eimba yacho kuti apfuurire nerwendo rwake, akaona mukadzi wacho, murongo wake, akarara pedyo nesuo reimba, maoko ake ari pamusuo. 28 Saka akati kwaari: “Simuka; handei.” Asi hapana mhinduro yaakawana. Murume wacho akabva amuisa padhongi rake, achibva asimuka ndokuenda kumba kwake.

29 Paakasvika kumba kwake, akatora banga,* ndokutora murongo wake, akamugura-gura kuita zvidimbu 12, achibva atumira chidimbu chimwe chete kunharaunda imwe neimwe yaIsraeri. 30 Vese vakazviona vaiti: “Izvi hazvisati zvamboitika kana kuonekwa kubvira pazuva rakabuda vaIsraeri munyika yeIjipiti kusvikira nhasi. Fungai nezvazvo,* mukurukure nezvazvo,+ motiudza zvekuita.”

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe