Mapisarema
Rwiyo. Pisarema revanakomana vaKora.+ Kumutungamiriri; runoimbwa nemutinhimira weMaharati* ruchiita zvekushaurwa vamwe vachidavira. Maskiri* yaHemani+ muEzrahi.
4 Ndava kutoverengwa pakati pevaya vari kudzika mugomba;*+
Ndava murume asina zvaanobatsira,*+
5 Asiyiwa pakati pevanhu vakafa
Sevaya vanenge vaurayiwa varere muguva,
Vamusisayeuki
Uye vakaparadzaniswa neruoko rwenyu.
6 Makandiisa mugomba rakadzikisa,
Munzvimbo dzine rima, mugomba guru rakadzikadzika.
Ndakavharirwa uye handigoni kutiza.
9 Ziso rangu raneta pamusana pekutambudzika kwangu.+
Ndinoswera ndichishevedzera kwamuri, haiwa Jehovha;+
Ndinotambanudzira maoko angu kwamuri.
10 Muchaitira zvishamiso vakafa here?
Vaya vasina simba vari murufu vangasimuka kuti vakurumbidzei here?+ (Sera)
11 Rudo rwenyu rusingachinji rungaziviswa muguva here,
Uye kutendeka kwenyu kungaziviswa munzvimbo yekuparadzwa* here?
12 Zvishamiso zvenyu zvichazivikanwa murima here?
Kururama kwenyu kuchazivikanwa munyika yekusaziva here?+
13 Asi ndichiri kuchema kwamuri kuti mundibatsire, haiwa Jehovha,+
Mangwanani ega ega munyengetero wangu unouya pamberi penyu.+
14 Haiwa Jehovha, nei muchindiramba?*+
Nei muchindivanzira chiso chenyu?+