RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Genesisi 50
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raGenesisi

      • Josefa anoviga Jakobho muKenani (1-14)

      • Josefa anoudzazve vakoma vake kuti akavaregerera (15-21)

      • Mazuva ekupedzisira aJosefa uye kufa kwake (22-26)

        • Josefa anotaura zvaanoda kuti zvizoitwa nemapfupa ake (25)

Genesisi 50:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 46:4

Genesisi 50:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 50:26

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/15/2002, pp. 29-30

Genesisi 50:3

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/15/2002, pp. 29-30

Genesisi 50:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “neimba yaFarao.”

Genesisi 50:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 47:29-31
  • +Ge 48:21
  • +Ge 46:4; 47:29
  • +Ge 23:17, 18; 49:29, 30

Genesisi 50:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 47:31

Genesisi 50:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 105:21, 22

Genesisi 50:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 46:27

Genesisi 50:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 41:43; 46:29

Genesisi 50:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Genesisi 50:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva kuti “Kuchema kwevaIjipiti.”

Genesisi 50:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 47:29

Genesisi 50:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 23:17, 18; 25:9, 10; 35:27; 49:29, 30

Genesisi 50:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 37:18, 28; 42:21; Pis 105:17

Genesisi 50:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 37:7, 9

Genesisi 50:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 37:18
  • +Ge 45:5; Pis 105:17

Genesisi 50:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 47:12

Genesisi 50:23

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Vakaberekerwa pamabvi aJosefa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 7:20
  • +Jos 17:1; 1Mak 7:14

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/15/1995, p. 21

Genesisi 50:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 4:31
  • +Ge 12:7; 17:8; 26:3; 28:13

Genesisi 50:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 13:19; Jos 24:32; VaH 11:22

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    6/1/2007, p. 28

Genesisi 50:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 50:2

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Gen. 50:1Ge 46:4
Gen. 50:2Ge 50:26
Gen. 50:5Ge 47:29-31
Gen. 50:5Ge 48:21
Gen. 50:5Ge 46:4; 47:29
Gen. 50:5Ge 23:17, 18; 49:29, 30
Gen. 50:6Ge 47:31
Gen. 50:7Pis 105:21, 22
Gen. 50:8Ge 46:27
Gen. 50:9Ge 41:43; 46:29
Gen. 50:12Ge 47:29
Gen. 50:13Ge 23:17, 18; 25:9, 10; 35:27; 49:29, 30
Gen. 50:15Ge 37:18, 28; 42:21; Pis 105:17
Gen. 50:18Ge 37:7, 9
Gen. 50:20Ge 37:18
Gen. 50:20Ge 45:5; Pis 105:17
Gen. 50:21Ge 47:12
Gen. 50:231Mak 7:20
Gen. 50:23Jos 17:1; 1Mak 7:14
Gen. 50:24Eks 4:31
Gen. 50:24Ge 12:7; 17:8; 26:3; 28:13
Gen. 50:25Eks 13:19; Jos 24:32; VaH 11:22
Gen. 50:26Ge 50:2
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Genesisi 50:1-26

Genesisi

50 Josefa akabva akotama akambundira baba vake,+ akavachema, akavatsvoda. 2 Pashure paizvozvo Josefa akarayira vashandi vake, vanachiremba, kuti vaomese baba vake.+ Saka vanachiremba vacho vakaomesa Israeri, 3 uye vakatora mazuva 40 vachimuomesa, nekuti iyi ndiyo nguva yavaitora vachiomesa chitunha, uye vaIjipiti vakamuchema kwemazuva 70.

4 Mazuva ekumuchema paakapfuura, Josefa akataura nemachinda aFarao* achiti: “Kana mandinzwira nyasha, udzai Farao kuti: 5 ‘Baba vangu vakaita kuti ndipike,+ vachiti: “Ona ndava kufa.+ Unofanira kundiviga munzvimbo yangu yemakuva+ yandakachera munyika yeKenani.”+ Saka ndinokumbirawo kuenda kunoviga baba vangu, ndozodzoka.’” 6 Farao akapindura kuti: “Enda unoviga baba vako sezvavakaita kuti upike.”+

7 Saka Josefa akaenda kunoviga baba vake, uye vashandi vese vaFarao vakaenda naye, vakuru+ vemumuzinda wake, nevakuru vese vemunyika yeIjipiti 8 neimba yese yaJosefa nevana vababa vake neimba yababa vake.+ Vakasiya vana vavo vadiki chete nemakwai avo nemombe dzavo munyika yeGosheni. 9 Vakaendawo nengoro+ nevatasvi vemabhiza, uye boka racho rakanga rakakura chaizvo. 10 Vakazosvika paburiro* reAtadhi, riri munharaunda yeJodhani, vakachema kwazvo ipapo, uye akachema baba vake kwemazuva manomwe. 11 Vagari vemunyika yacho, vaKenani, vakavaona vachichema paburiro reAtadhi, vakati: “Kuchema uku kukuru ndekwevaIjipiti!” Ndokusaka nzvimbo yacho yakatumidzwa kuti Abheri-mizraimu,* iri munharaunda yeJodhani.

12 Saka vanakomana vake vakamuitira sezvaakanga avarayira chaizvo.+ 13 Vanakomana vake vakamutakura vakapinda naye munyika yeKenani, vakamuviga mubako remunda weMakapera, munda wakatarisana neMamre wakanga watengwa naAbrahamu kuna Efroni muHiti kuti ive nzvimbo yake yemakuva.+ 14 Pashure pekuviga baba vake, Josefa akadzokera kuIjipiti nevana vababa vake nevanhu vese vaakanga aenda navo kunoviga baba vake.

15 Vakoma vaJosefa pavakaona kuti baba vavo vakanga vafa, vakati: “Josefa anogona kunge achiri kutivenga zvekuti angatitsiva zvakaipa zvese zvatakamuitira.”+ 16 Saka vakatumira mashoko aya kuna Josefa: “Baba vako vakasiya vataura izvi vasati vafa: 17 ‘Udzai Josefa kuti: “Ndapota zvangu regerera kutadza kwevakoma vako uye chivi chavakaita pavakakuitira zvakaipa kudaro.”’ Saka tinokumbirawo kuti uregerere kutadza kwevashumiri vaMwari wababa vako.” Josefa akachema pavakataura naye. 18 Vakoma vake vakabva vauyawo vakamugwadamira vakati: “Ita hako zvaunoda nesu, tiri varanda vako!”+ 19 Josefa akati kwavari: “Musatya. Ndini Mwari here kuti ndikutongei? 20 Kunyange zvazvo maida kundiitira zvakaipa,+ Mwari aida kuti zvifambe zvakanaka uye aida kuchengetedza vanhu vakawanda vari vapenyu sezvaari kuita nhasi.+ 21 Saka musatya. Ndicharamba ndichikupai zvekudya pamwe chete nevana venyu.”+ Saka akavanyaradza uye akavavimbisa kuti hapana zvaaizovaita.

22 Josefa akaramba achigara muIjipiti, iye neimba yababa vake, uye Josefa akararama kwemakore 110. 23 Josefa akaona chizvarwa chechitatu chevanakomana vaEfremu,+ akaonawo vanakomana vaMakiri,+ mwanakomana waManase. Josefa aivaona sevanakomana vake pachake.* 24 Josefa akazoti kuhama dzake: “Ndava kufa, asi chokwadi Mwari achakurangarirai,+ okubudisai munyika ino muchienda kunyika yaakapikira Abrahamu, Isaka, naJakobho.”+ 25 Saka Josefa akaita kuti vanakomana vaIsraeri vapike, achiti: “Chokwadi Mwari achakurangarirai. Munofanira kubuda nemapfupa angu muno.”+ 26 Uye Josefa akafa ava nemakore 110, vakaita kuti aomeswe,+ uye akaiswa mubhokisi munyika yeIjipiti.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe