RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Eksodho 21
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raEksodho

      • Mitongo yevaIsraeri (1-36)

        • Pamusoro pevaranda vechiHebheru (2-11)

        • Pamusoro pemhirizhonga (12-27)

        • Pamusoro pemhuka (28-36)

Eksodho 21:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 24:3; Dhe 4:14

Eksodho 21:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 25:39, 40
  • +Dhe 15:12

Eksodho 21:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 15:12

Eksodho 21:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 15:16, 17

Eksodho 21:6

Mashoko Emuzasi

  • *

    Iri ibango rinenge rakabatirira gonhi kana kuti dhoo.

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    1/15/2010, p. 4

Eksodho 21:8

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “adzikinurwe.”

Eksodho 21:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, kurara kwaaiita naye.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1VaK 7:3

Eksodho 21:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 9:6; Nu 35:30; Mt 5:21

Eksodho 21:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 35:11, 22-25; Dhe 4:42; 19:3-5; Jos 20:7-9

Eksodho 21:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 15:30
  • +Dhe 19:11, 12; 1Mad 1:50; 2:29; 1Jo 3:15

Eksodho 21:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 20:12

Eksodho 21:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 40:15
  • +Ge 37:28
  • +Dhe 24:7

Eksodho 21:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 20:9; Zvi 20:20; 30:11, 17; Mt 15:4

Eksodho 21:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 9:5, 6; Re 24:17

Eksodho 21:22

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “uye vana vake vobuda.”

  • *

    Kana kuti “pasina akuvara zvakaipisisa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 139:16; Jer 1:5
  • +Eks 18:25, 26; Dhe 16:18; 17:8

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Bhuku, chidzidzo 38

    Ramba Uri Murudo rwaMwari, p. 95

    “Rudo rwaMwari,” p. 80

    Kukurukurirana, p. 109

Eksodho 21:23

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mweya nemweya.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 9:6; Re 24:17; Nu 35:31; Zva 21:8

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Bhuku, chidzidzo 38

    Ramba Uri Murudo rwaMwari, p. 95

    “Rudo rwaMwari,” p. 80

    Kukurukurirana, p. 109

Eksodho 21:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 24:20; Mt 5:38

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa, nyaya 149

    Nharireyomurindi,

    9/1/2014, p. 8

Eksodho 21:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaE 6:9; VaK 4:1

Eksodho 21:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 9:5; Nu 35:33

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    4/15/2010, p. 29

Eksodho 21:29

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    4/15/2010, p. 29

Eksodho 21:30

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mweya wake.”

Eksodho 21:32

Mashoko Emuzasi

  • *

    Shekeri rimwe chete rainge rakaenzana nemagiramu 11,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Eksodho 21:34

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 22:6, 14; Dhe 22:8

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Eks. 21:1Eks 24:3; Dhe 4:14
Eks. 21:2Re 25:39, 40
Eks. 21:2Dhe 15:12
Eks. 21:4Dhe 15:12
Eks. 21:5Dhe 15:16, 17
Eks. 21:101VaK 7:3
Eks. 21:12Ge 9:6; Nu 35:30; Mt 5:21
Eks. 21:13Nu 35:11, 22-25; Dhe 4:42; 19:3-5; Jos 20:7-9
Eks. 21:14Nu 15:30
Eks. 21:14Dhe 19:11, 12; 1Mad 1:50; 2:29; 1Jo 3:15
Eks. 21:15Eks 20:12
Eks. 21:16Ge 40:15
Eks. 21:16Ge 37:28
Eks. 21:16Dhe 24:7
Eks. 21:17Re 20:9; Zvi 20:20; 30:11, 17; Mt 15:4
Eks. 21:20Ge 9:5, 6; Re 24:17
Eks. 21:22Pis 139:16; Jer 1:5
Eks. 21:22Eks 18:25, 26; Dhe 16:18; 17:8
Eks. 21:23Ge 9:6; Re 24:17; Nu 35:31; Zva 21:8
Eks. 21:24Re 24:20; Mt 5:38
Eks. 21:26VaE 6:9; VaK 4:1
Eks. 21:28Ge 9:5; Nu 35:33
Eks. 21:34Eks 22:6, 14; Dhe 22:8
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
  • 36
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Eksodho 21:1-36

Eksodho

21 “Iyi ndiyo mitongo yaunofanira kuvaudza:+

2 “Kana ukatenga muranda wechiHebheru,+ achava muranda kwemakore matanhatu, asi mugore rechinomwe achasunungurwa asina chaanoripa.+ 3 Kana akauya ari ega, achaenda ari ega. Kana akauya ari murume ane mudzimai, anofanira kuenda nemudzimai wake. 4 Kana tenzi wake akamupa mudzimai, omuberekera vanakomana kana kuti vanasikana, mudzimai nevana vake vachava vatenzi wake, uye iye achaenda ari ega.+ 5 Asi kana muranda wacho akaramba kuenda achiti, ‘Ndinoda tenzi wangu, mudzimai wangu nevanakomana vangu; handidi kusunungurwa,’+ 6 tenzi wake anofanira kuuya naye pamberi paMwari wechokwadi. Anofanira kubva amuunza pedyo nesuo kana kuti gwatidziro,* uye tenzi wake achaboora nzeve yake nemutsunda, uye achava muranda wake kweupenyu hwese.

7 “Kana murume akatengesa mwanasikana wake kuti ave muranda, haazosunungurwi sekusunungurwa kunoitwa murandarume. 8 Kana tenzi wake asina kufadzwa naye uye akarega kumusarudza kuti ave murongo asi oita kuti atengwe nemumwe munhu,* haazobvumirwi kumutengesera kuvanhu vekune dzimwe nyika nekuti anenge amunyengera. 9 Kana akasarudza kumupa mwanakomana wake kuti ave mudzimai wake, anofanira kumupa kodzero dzinopiwa mwanasikana. 10 Kana akatora mumwe mudzimai, haafaniri kuderedzera mudzimai wekutanga zvekudya nezvipfeko zvaaimupa, uye zvaaimuitira semunhu akaroorwa.*+ 11 Kana akasamuitira zvinhu izvi zvitatu, mudzimai wacho anofanira kuenda akasununguka pasina mari yaanobhadhara.

12 “Munhu wese anorova mumwe munhu zvekuti anofa, anofanira kuurayiwa.+ 13 Asi kana asina kuzviita nemaune uye Mwari wechokwadi abvumira kuti zviitike, ndichakusarudzira nzvimbo yaangatizira.+ 14 Kana munhu akatsamwira mumwe wake zvekuti anomuuraya nemaune,+ kunyange kana akapotera paatari yangu, munofanira kumutora momuuraya.+ 15 Munhu anorova baba vake kana amai vake, anofanira kuurayiwa.+

16 “Kana mumwe munhu akaba munhu+ omutengesa kana kuti owanikwa ainaye,+ anofanira kuurayiwa.+

17 “Munhu wese anotuka baba vake kana amai vake, anofanira kuurayiwa.+

18 “Izvi ndizvo zvinofanira kuitwa kana varume vakapopotedzana, mumwe otema mumwe wake nedombo kana kuti omurova nechibhakera, orega kufa, asi orara pamubhedha wake: 19 Kana akakwanisa kumuka ofamba-famba panze achishandisa mudonzvo, uya akamurova haafaniri kurangwa. Achangoripa chete nguva yemunhu waakakuvadza yaaifanira kuva pabasa rake, kusvikira anyatsopora.

20 “Kana munhu akarova murandarume wake kana murandasikana wake neshamhu, ofira muruoko rwake, munhu iyeye anofanira kutsiviwa.+ 21 Asi kana akaramba ari mupenyu kwezuva rimwe chete kana maviri, haafaniri kutsiviwa, nekuti munhu waakatenga nemari yake.

22 “Kana varume vakarwisana, vokuvadza mukadzi ane pamuviri uye mukadzi wacho osununguka nguva yake isati yakwana*+ asi pasina afa,* apara mhosva wacho anofanira kuripa zvaanenge anzi aripe nemurume wemukadzi wacho; uye muripo wacho unofanira kusvitswa nekuvatongi.+ 23 Asi kana paine afa, munofanira kutsiva upenyu neupenyu,*+ 24 ziso neziso, zino nezino, ruoko neruoko, tsoka netsoka,+ 25 kutsva nekutsva, ronda neronda, kukuvadzwa nekukuvadzwa.

26 “Kana munhu akarova ziso remurandarume wake kana kuti ziso remurandasikana wake rofa, anofanira kumurega achienda akasununguka, kuti zvitsive ziso rake.+ 27 Uye kana akarova murandarume wake kana kuti murandasikana wake obva zino, anofanira kumurega achienda akasununguka, kuti zvitsive zino rake.

28 “Kana mombe ikatunga murume kana kuti mukadzi, ofa, mombe yacho inofanira kuurayiwa ichiita zvekutemwa nematombo,+ uye nyama yayo haifaniri kudyiwa; asi muridzi wemombe yacho haafaniri hake kurangwa. 29 Asi kana mombe yacho yaigara ichitunga uye muridzi wayo akayambirwa ndokurega kuichengetedza, youraya murume kana mukadzi, mombe yacho inofanira kutemwa nematombo uye muridzi wayo anofanirawo kuurayiwa. 30 Kana akatarirwa kuti abhadhare rudzikinuro, anofanira kupa mutengo unodzikinura upenyu hwake* maererano nezvese zvaanenge atarirwa. 31 Izvi ndizvo zvinofanira kuitirwa muridzi wemombe yacho, ingava yakatunga mwanakomana kana kuti mwanasikana. 32 Kana mombe yacho yakatunga murandarume kana kuti murandasikana, muridzi wayo acharipa tenzi wemunhu iyeye mashekeri* 30, uye mombe yacho ichaurayiwa ichiita zvekutemwa nematombo.

33 “Kana munhu akavhura kana kuti akachera gomba orega kurivhara, uye mombe kana kuti dhongi rowira imomo, 34 muridzi wegomba racho anofanira kuripa.+ Anofanira kuripa muridzi wemhuka yacho mutengo wayo, uye mhuka yakafa ichava yake. 35 Kana mombe yemunhu ikakuvadza mombe yemumwe uye yofa, vanofanira kutengesa mhenyu yacho vogovana mutengo wayo; vanofanirawo kugovana yakafa yacho. 36 Asi kana zvakanga zvichizivikanwa kuti yaigara ichitunga asi muridzi wayo aisaichengetedza, anofanira kuripa mombe nemombe, uye yakafa yacho ichava yake.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe