RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Genesisi 40
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raGenesisi

      • Josefa anodudzira hope dzevasungwa (1-19)

        • “Kududzira ndekwaMwari” (8)

      • Mabiko ekupemberera zuva rekuzvarwa kwaFarao (20-23)

Genesisi 40:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 40:11

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    2/1/2015, p. 13

Genesisi 40:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 40:20-22

Genesisi 40:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 37:36
  • +Ge 39:20; Pis 105:17, 18

Genesisi 40:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 39:22

Genesisi 40:7

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    2/1/2015, p. 13

Genesisi 40:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 41:15, 16; Dha 2:28, 45

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    2/1/2015, p. 13

    12/1/2011, pp. 12-13

    Zvakazarurwa, pp. 9, 119, 246-248

    Vazivisi, p. 708

Genesisi 40:13

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “achakusimudza musoro.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 41:12, 13
  • +Ge 40:20, 21

Genesisi 40:14

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    4/2017, pp. 20-21

Genesisi 40:15

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “mugomba.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 37:28
  • +Ge 39:7, 8

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    4/2017, pp. 20-21

    Nharireyomurindi,

    11/1/2014, pp. 14-15

Genesisi 40:19

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “achasimudza musoro wako kubva pauri.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 40:20, 22

Genesisi 40:20

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “ndokusimudza musoro wemukuru.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mk 6:21

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Bhuku, chidzidzo 44

    Nharireyomurindi,

    10/15/1998, p. 31

Genesisi 40:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 40:8

Genesisi 40:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 40:14

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Gen. 40:1Ge 40:11
Gen. 40:2Ge 40:20-22
Gen. 40:3Ge 37:36
Gen. 40:3Ge 39:20; Pis 105:17, 18
Gen. 40:4Ge 39:22
Gen. 40:8Ge 41:15, 16; Dha 2:28, 45
Gen. 40:13Ge 41:12, 13
Gen. 40:13Ge 40:20, 21
Gen. 40:15Ge 37:28
Gen. 40:15Ge 39:7, 8
Gen. 40:19Ge 40:20, 22
Gen. 40:20Mk 6:21
Gen. 40:22Ge 40:8
Gen. 40:23Ge 40:14
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Genesisi 40:1-23

Genesisi

40 Izvi zvaitika, mukuru wevadiri+ wamambo weIjipiti nemukuru wevabiki vakatadzira ishe wavo, mambo weIjipiti. 2 Saka Farao akatsamwira vashandi vake vaviri, mukuru wevadiri nemukuru wevabiki,+ 3 uye akavaisa mujeri reimba yemukuru wevarindi,+ maiva naJosefa ari musungwa.+ 4 Mukuru wevarindi akabva aita kuti Josefa ave navo uye kuti avashandire,+ uye vakaramba vari mujeri kwemazuva.

5 Mudiri nemubiki vamambo weIjipiti, avo vakanga vakavharirwa mujeri, vakarota hope usiku humwe chete, uye hope dzemumwe nemumwe dzaiva nekududzirwa kwadzo. 6 Mangwana acho mangwanani, Josefa paakapinda akaona kuti vakanga vakasuruvara. 7 Saka akabvunza vashandi vaFarao vaaiva navo mujeri reimba yatenzi wake kuti: “Ko makasuruvareiko nhasi?” 8 Vakabva vati kwaari: “Tarota hope, asi hatina mududziri.” Josefa akati kwavari: “Handiti kududzira ndekwaMwari here?+ Ndiudzei hope dzacho.”

9 Saka mukuru wevadiri akarondedzera hope dzake kuna Josefa achiti: “Ndarota pamberi pangu paine muzambiringa. 10 Pamuzambiringa wacho panga paine tumapazi tutatu, uye pawanga uchitungira, wabuda maruva, masumbu emazambiringa acho achibva aibva. 11 Uye ndanga ndakabata kapu yaFarao, ndikatora mazambiringa acho ndikaasvinira mukapu yaFarao. Ndabva ndaisa kapu yacho muruoko rwaFarao.” 12 Josefa akabva ati kwaari: “Hope dzacho dzinodudzirwa seizvi: Tumapazi tutatu tunomirira mazuva matatu. 13 Mazuva matatu kubva nhasi, Farao achakubudisa* okudzorera pabasa rako,+ uye uchaisa kapu yaFarao muruoko rwake, sezvawaiita pawaiva mudiri wake.+ 14 Asi wozondiyeukawo kana zvakufambira zvakanaka. Undiitirewo mutsa nekuudza Farao nezvangu kuti andibudise muno. 15 Chiripo ndechekuti ndakaita zvekubiwa kunyika yevaHebheru,+ uye kuno kwandiri handina mhosva yandakapara yekuti vandiise mujeri.”*+

16 Mukuru wevabiki paakaona kuti zvakanga zvadudzirwa naJosefa zvaifadza, akabva ati kwaari: “Iniwo ndarota ndakatsiga tswanda nhatu dzechingwa chichena, 17 uye mutswanda yepamusoro manga muine zvingwa zvemhando dzakasiyana-siyana zvaFarao, uye panga paine shiri dzanga dzichidya zvanga zviri mutswanda yacho yanga iri pamusoro.” 18 Josefa akabva apindura kuti, “Hope dzacho dzinodudzirwa seizvi: Tswanda nhatu dzinomirira mazuva matatu. 19 Mazuva matatu kubva nhasi, Farao achakucheka musoro,* okusungirira padanda, uye shiri dzichadya nyama yako.”+

20 Zvino zuva rechitatu raiva zuva rekuberekwa kwaFarao,+ uye akaitira vashandi vake vese mabiko ndokubudisa mukuru* wevadiri nemukuru wevabiki vashandi vake vachiona. 21 Uye akadzorera mukuru wevadiri pabasa rake rekuva mudiri, akaramba achiisa kapu muruoko rwaFarao. 22 Asi akasungirira mukuru wevabiki, sezvavakanga vadudzirwa naJosefa.+ 23 Asi mukuru wevadiri haana kuyeuka Josefa; akabva atokanganwa nezvake.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe