RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Eksodho 37
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raEksodho

      • Kugadzira Areka (1-9)

      • Tafura (10-16)

      • Chigadziko chemarambi (17-24)

      • Atari yerusenzi (25-29)

Eksodho 37:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kubhiti rakanga rakaenzana nemasendimita 44,5. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 31:2-5; 38:22
  • +Eks 40:3; Nu 10:33
  • +Eks 25:10-15

Eksodho 37:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaH 9:4

Eksodho 37:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 5:9

Eksodho 37:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 3:8

Eksodho 37:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 16:2, 14; 1Mak 28:11
  • +Eks 25:17-20

Eksodho 37:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 3:24
  • +Eks 40:20

Eksodho 37:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaH 9:5
  • +1Sa 4:4; Pis 80:1

Eksodho 37:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 40:4
  • +Eks 25:23-28

Eksodho 37:12

Mashoko Emuzasi

  • *

    Angasvika masendimita 7,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Eksodho 37:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 25:29

Eksodho 37:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 40:24; Re 24:4; 2Mak 13:11
  • +Eks 25:31-39

Eksodho 37:23

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mbato.” Uyu mudziyo wakaita sechigero kana pinjisi waishandiswa kubvisa tambo inenge yabvira.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 8:2

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Shanduro yeNyika Itsva (2019), p. 1955

Eksodho 37:24

Mashoko Emuzasi

  • *

    Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Eksodho 37:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 30:7; 40:5; Pis 141:2; Zva 8:3
  • +Eks 30:1-5

Eksodho 37:29

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “sezvinoitwa nemunhu anogadzira mafuta.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 30:25, 33; 40:9
  • +Eks 30:34, 35; Pis 141:2

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Eks. 37:1Eks 31:2-5; 38:22
Eks. 37:1Eks 40:3; Nu 10:33
Eks. 37:1Eks 25:10-15
Eks. 37:2VaH 9:4
Eks. 37:42Mak 5:9
Eks. 37:5Jos 3:8
Eks. 37:6Re 16:2, 14; 1Mak 28:11
Eks. 37:6Eks 25:17-20
Eks. 37:7Ge 3:24
Eks. 37:7Eks 40:20
Eks. 37:9VaH 9:5
Eks. 37:91Sa 4:4; Pis 80:1
Eks. 37:10Eks 40:4
Eks. 37:10Eks 25:23-28
Eks. 37:16Eks 25:29
Eks. 37:17Eks 40:24; Re 24:4; 2Mak 13:11
Eks. 37:17Eks 25:31-39
Eks. 37:23Nu 8:2
Eks. 37:25Eks 30:7; 40:5; Pis 141:2; Zva 8:3
Eks. 37:25Eks 30:1-5
Eks. 37:29Eks 30:25, 33; 40:9
Eks. 37:29Eks 30:34, 35; Pis 141:2
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Eksodho 37:1-29

Eksodho

37 Bhezareri+ akabva agadzira Areka+ nemubayamhondoro. Yakanga yakareba makubhiti* maviri nehafu yakafara kubhiti rimwe nehafu uye yakakwirira kubhiti rimwe nehafu.+ 2 Akaiisa goridhe rakanatswa, yese mukati nekunze, uye akagadzira mupendero wegoridhe unoipoteredza.+ 3 Akabva aiumbira marin’i mana egoridhe epamusoro pemakumbo ayo mana, marin’i maviri ari kune rimwe divi uye mamwe maviri ari kune rimwe divi racho. 4 Akazogadzira mapango emubayamhondoro, akaaisa goridhe.+ 5 Akabva apinza mapango acho mumarin’i ari kumativi eAreka kuti ashandiswe kuitakura.+

6 Akagadzira chekukwidibirisa chegoridhe rakanatswa.+ Chakanga chakareba makubhiti maviri nehafu uye chakafara kubhiti rimwe nehafu.+ 7 Akabva agadzira makerubhi maviri+ egoridhe kumativi maviri echekukwidibirisa chacho achishandisa sando.+ 8 Kerubhi rimwe raiva kune mumwe mucheto, rimwe racho riri kune mumwe mucheto. Akagadzira makerubhi acho ari kumativi maviri echekukwidibirisa. 9 Makerubhi acho maviri akanga akavhurira mapapiro awo kumusoro, achivharidzira chekukwidibirisa nemapapiro awo.+ Akanga akatarisana uye zviso zvawo zvakanga zvakakotamira pachekukwidibirisa.+

10 Akabva agadzira tafura yemubayamhondoro.+ Yakanga yakareba makubhiti maviri, yakafara kubhiti rimwe, uye yakakwirira kubhiti rimwe nehafu.+ 11 Akaiisa goridhe rakanatswa uye akagadzira mupendero wegoridhe unoipoteredza. 12 Akazogadzira bhandi rine upamhi hwechanza* rakanga rakaipoteredza uye akagadzira mupendero wegoridhe waipoteredza bhandi racho. 13 Akazoiumbirawo marin’i mana egoridhe, akaaisa pamakona mana paibata napo makumbo acho. 14 Marin’i acho aiva pedyo nebhandi kuti abate mapango ekutakurisa tafura yacho. 15 Akabva agadzira mapango emubayamhondoro ekutakurisa tafura, akaaisa goridhe. 16 Apedza izvozvo akagadzira midziyo yepatafura achishandisa goridhe rakanatswa: madhishi, makapu, uye ndiro nemajagi zvaizoshandiswa kudira mipiro yezvinwiwa.+

17 Akabva agadzira chigadziko chemarambi+ chegoridhe rakanatswa. Akagadzira chigadziko chacho nesando. Pachinogara napo, chidzinde chacho, makapu acho, mapfundo acho, nemaruva acho akatumbuka zvaibva pachinhu chimwe chete.+ 18 Mapazi matanhatu aibuda pachidzinde chechigadziko chemarambi, mapazi matatu achibuda kune rimwe divi uye mapazi matatu achibuda kune rimwe racho. 19 Makapu matatu akaumbwa semaruva emuarumondi akanga ari pamapazi aiva kudivi rimwe chete, aine mapfundo nemaruva akatumbuka, zvakatevedzana zvichiti apa pfundo apa ruva rakatumbuka. Uye makapu matatu akaumbwa semaruva emuarumondi akanga ari pamapazi ekune rimwe divi racho, aine mapfundo nemaruva akatumbuka, zvakatevedzana zvichiti apa pfundo apa ruva rakatumbuka. Izvi ndizvo zvakaitwa pamapazi matanhatu aibatira pachidzinde chechigadziko chemarambi. 20 Uye pachidzinde chechigadziko chemarambi pakanga paine makapu mana akaumbwa semaruva emuarumondi, aine mapfundo nemaruva akatumbuka, zvakatevedzana zvichiti apa pfundo apa ruva rakatumbuka. 21 Pasi pemapazi maviri ekutanga aibva pachidzinde pakanga paine pfundo uye pasi pemapazi maviri anotevera pakanga paine pfundo uyewo pasi pemapazi maviri aizotevera acho pakanga paine pfundo. Izvi ndizvo zvakanga zvakaita mapazi matanhatu aibva pachidzinde chechigadziko chemarambi. 22 Mapfundo acho nemapazi acho nechigadziko chemarambi chacho chese, zvakanga zvakagadzirwa pachishandiswa sando kuti zvive chinhu chimwe chete chegoridhe rakanatswa. 23 Akabva agadzira marambi acho manomwe+ nezvekubvisisa tambo yapera kubvira* uye zvekuisira madota acho negoridhe rakanatswa. 24 Akachigadzira pamwe chete nemidziyo yacho yese achishandisa tarenda* rimwe chete regoridhe rakanatswa.

25 Akazogadzira atari yerusenzi+ nemubayamhondoro. Yakanga iine mativi mana akaenzana, yakareba kubhiti rimwe, yakafara kubhiti rimwe, uye yakakwirira makubhiti maviri. Nyanga dzayo dzakanga dzakagadzirwa pamwe nayo.+ 26 Akabva aiisa goridhe rakanatswa, pamusoro payo, nemumativi ayo ese, nenyanga dzayo, uye akaigadzirira mupendero wegoridhe unoipoteredza. 27 Akaigadzirira marin’i maviri egoridhe nechepazasi pemupendero wayo kudivi rimwe nerimwe remativi maviri akatarisana kuti abate mapango aishandiswa pakuitakura. 28 Pashure paizvozvo akagadzira mapango emubayamhondoro, akaaisa goridhe. 29 Akagadzirawo mafuta matsvene ekuzodza nawo,+ nerusenzi yakachena, inonhuhwirira,+ yakasanganiswa zvine unyanzvi.*

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe