RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Dheuteronomi 2
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raDheuteronomi

      • Kudzungaira murenje kwemakore 38 (1-23)

      • Kukunda Mambo Sihoni weHeshbhoni (24-37)

Dheuteronomi 2:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 14:25

Dheuteronomi 2:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 20:14; Dhe 23:7
  • +Ge 27:39, 40; 36:8, 9
  • +Eks 15:15; 23:27

Dheuteronomi 2:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “Mwari amusimbisa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 32:8; Jos 24:4; Mab 17:26

Dheuteronomi 2:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 20:18, 19

Dheuteronomi 2:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 29:5; Ne 9:21; Pis 23:1; 34:9, 10

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yekudzidza),

    1/2022, pp. 5-6

Dheuteronomi 2:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 20:20, 21
  • +2Mak 8:17
  • +Nu 21:13; Vat 11:17, 18; 2Mak 20:10

Dheuteronomi 2:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 19:36, 37

Dheuteronomi 2:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 14:5

Dheuteronomi 2:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 3:11; 1Mak 20:6
  • +Nu 13:22, 33

Dheuteronomi 2:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 14:6; 36:20
  • +Ge 27:39, 40

Dheuteronomi 2:13

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Musavadenha.”

  • *

    Kana kuti “Rwizi rwaZeredhi.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 21:12

Dheuteronomi 2:14

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Rwizi rwaZeredhi.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 14:33; 32:11; Dhe 1:35; Pis 95:11; VaH 3:18; Jud 5

Dheuteronomi 2:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1VaK 10:1, 5

Dheuteronomi 2:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 26:63, 64

Dheuteronomi 2:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 19:36, 38; Dhe 2:9; Vat 11:15; 2Mak 20:10; Mab 17:26

Dheuteronomi 2:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 15:18-20; Dhe 3:11

Dheuteronomi 2:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 13:33; Dhe 9:1, 2

Dheuteronomi 2:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 36:8
  • +Ge 14:6; Dhe 2:12

Dheuteronomi 2:23

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Rwizi rwaZeredhi.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 10:19
  • +Ge 10:13, 14

Dheuteronomi 2:24

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, Krete.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 21:13
  • +Nu 21:23

Dheuteronomi 2:25

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Rwizi rwaAnoni.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 15:14; 23:27; Dhe 11:25; Jos 2:9, 10

Dheuteronomi 2:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 13:15, 18; 21:8, 37
  • +Dhe 20:10

Dheuteronomi 2:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 21:21, 22

Dheuteronomi 2:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaR 9:18
  • +Nu 21:25

Dheuteronomi 2:31

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 32:33; Pis 135:10-12

Dheuteronomi 2:32

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 21:23, 24; Vat 11:20

Dheuteronomi 2:34

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 20:16, 17

Dheuteronomi 2:36

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “vachava nemarwadzo akaita seekusununguka.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 3:12; 4:47, 48; Jos 13:8, 9
  • +Pis 44:3

Dheuteronomi 2:37

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kumahombekombe kweRwizi rwaAnoni.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 3:16; Vat 11:15
  • +Nu 21:23, 24

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Dheut. 2:1Nu 14:25
Dheut. 2:4Nu 20:14; Dhe 23:7
Dheut. 2:4Ge 27:39, 40; 36:8, 9
Dheut. 2:4Eks 15:15; 23:27
Dheut. 2:5Dhe 32:8; Jos 24:4; Mab 17:26
Dheut. 2:6Nu 20:18, 19
Dheut. 2:7Dhe 29:5; Ne 9:21; Pis 23:1; 34:9, 10
Dheut. 2:8Nu 20:20, 21
Dheut. 2:82Mak 8:17
Dheut. 2:8Nu 21:13; Vat 11:17, 18; 2Mak 20:10
Dheut. 2:9Ge 19:36, 37
Dheut. 2:10Ge 14:5
Dheut. 2:11Dhe 3:11; 1Mak 20:6
Dheut. 2:11Nu 13:22, 33
Dheut. 2:12Ge 14:6; 36:20
Dheut. 2:12Ge 27:39, 40
Dheut. 2:13Nu 21:12
Dheut. 2:14Nu 14:33; 32:11; Dhe 1:35; Pis 95:11; VaH 3:18; Jud 5
Dheut. 2:151VaK 10:1, 5
Dheut. 2:16Nu 26:63, 64
Dheut. 2:19Ge 19:36, 38; Dhe 2:9; Vat 11:15; 2Mak 20:10; Mab 17:26
Dheut. 2:20Ge 15:18-20; Dhe 3:11
Dheut. 2:21Nu 13:33; Dhe 9:1, 2
Dheut. 2:22Ge 36:8
Dheut. 2:22Ge 14:6; Dhe 2:12
Dheut. 2:23Ge 10:19
Dheut. 2:23Ge 10:13, 14
Dheut. 2:24Nu 21:13
Dheut. 2:24Nu 21:23
Dheut. 2:25Eks 15:14; 23:27; Dhe 11:25; Jos 2:9, 10
Dheut. 2:26Jos 13:15, 18; 21:8, 37
Dheut. 2:26Dhe 20:10
Dheut. 2:27Nu 21:21, 22
Dheut. 2:30VaR 9:18
Dheut. 2:30Nu 21:25
Dheut. 2:31Nu 32:33; Pis 135:10-12
Dheut. 2:32Nu 21:23, 24; Vat 11:20
Dheut. 2:34Dhe 20:16, 17
Dheut. 2:36Dhe 3:12; 4:47, 48; Jos 13:8, 9
Dheut. 2:36Pis 44:3
Dheut. 2:37Dhe 3:16; Vat 11:15
Dheut. 2:37Nu 21:23, 24
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
  • 36
  • 37
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Dheuteronomi 2:1-37

Dheuteronomi

2 “Takabva tasimuka tikadzokera takananga kurenje nenzira yekuGungwa Dzvuku, sezvandakanga ndaudzwa naJehovha,+ uye takafamba kwemazuva akawanda tichitenderera Gomo reSeiri. 2 Jehovha akazoti kwandiri, 3 ‘Magarisa mugomo rino muchingotenderera. Chiendai nekuchamhembe. 4 Uye udza vanhu kuti: “Muchapfuura nepamuganhu wehama dzenyu, vana vaIsau,+ vari kugara muSeiri,+ uye vachange vachikutyai,+ saka munofanira kunyatsongwarira. 5 Musanetsana navo,* nekuti handisi kuzokupai nyika yavo, kunyange panokwana tsoka, nekuti ndakapa Isau Gomo reSeiri kuti rive nhaka yake.+ 6 Munofanira kuvapa mari yezvinhu zvamuchadya uye munofanira kubhadhara mvura yamuchanwa.+ 7 Nekuti Jehovha Mwari wenyu akakukomborerai pazvese zvamakaita. Anonyatsoziva kufamba kwamakaita nemurenje rino guru. Kwemakore 40 aya Jehovha Mwari wenyu aiva nemi uye hapana chamakashayiwa.”’+ 8 Saka takapfuura nekwaiva nehama dzedu, vana vaIsau,+ vanogara muSeiri, tikaramba tichinyenyeredza nzira yekuArabha, kuErati nekuEziyoni-gebheri.+

“Takabva tazoenda nenzira yekurenje reMoabhi.+ 9 Jehovha akabva ati kwandiri, ‘Musanetsana nevaMoabhi kana kurwa navo, nekuti handizokupii nyika yavo kuti ive yenyu, nekuti ndakapa Ari kuvana vaRoti+ kuti ive nhaka yavo. 10 (VaEmimu,+ avo vaimbogara imomo, vaiva vanhu vahombe, vakawanda uye vakareba sevaAnaki. 11 VaRefaimu+ vaionekwawo sevaAnaki,+ uye vaMoabhi vaivashevedza kuti vaEmimu. 12 VaHori+ vaimbogara muSeiri, asi vana vaIsau vakavadzinga, vakavaparadza, vakatanga kugara munyika yavo,+ sezvichaitwa naIsraeri kunyika yenhaka yavo, yavachapiwa naJehovha.) 13 Iye zvino chisimukai muyambuke Bani reZeredhi.’* Saka takayambuka Bani reZeredhi.*+ 14 Zvakatitorera makore 38 kubva kuKadheshi-bhaneya kusvikira tayambuka Bani reZeredhi,* kusvikira chizvarwa chese chevarume vehondo chapera mumusasa, sezvavakanga vapikirwa naJehovha.+ 15 Ruoko rwaJehovha rwairwisana navo ruchivaparadza mumusasa kusvikira vapera.+

16 “Varume vese vehondo vaiva pakati pevanhu pavakangopera kufa,+ 17 Jehovha akabva ataurazve neni achiti, 18 ‘Nhasi muchapfuura nemunharaunda yeMoabhi, kureva Ari. 19 Pamunosvika pedyo nevaAmoni, musavanetsa kana kuvadenha, nekuti handisi kuzokupai kana nzvimbo ipi zvayo munyika yevaAmoni kuti ive yenyu, nekuti ndakaipa vana vaRoti kuti ive nhaka yavo.+ 20 Naiyowo yaimbonzi inyika yevaRefaimu.+ (VaRefaimu vaimbogara imomo, uye vaAmoni vaivati vaZamzumimu. 21 Vaiva vanhu vahombe, vakawanda, uye vakareba sevaAnaki;+ asi Jehovha akavaparadza pamberi pevaAmoni, uye vakavadzinga ndokugara munyika yavo. 22 Izvozvo ndizvo zvaakaitira vana vaIsau, vava kugara muSeiri,+ paakaparadza vaHori+ pamberi pavo, kuti vavatorere nzvimbo yavo, uye nanhasi vari kugaramo. 23 Kana vari vaAvhimu, vakambogara mumisha yaisvika kuGaza,+ kusvikira vaparadzwa nevaKaftorimu+ vaibva kuKaftori,* uye vakagara munzvimbo yavo.)

24 “‘Simukai, muyambuke Bani reAnoni.*+ Onai, ndaisa mumaoko enyu Sihoni+ muAmori, mambo weHeshbhoni. Saka tangai kutora nyika yake kuti ive yenyu, uye irwai naye. 25 Nhasi ndichatanga kuita kuti vanhu vese vari pasi pedenga vavhunduke uye vatye, pavachanzwa nezvenyu. Vachanetseka uye vachadedera* nemhaka yenyu.’+

26 “Ndakabva ndatuma nhume kubva kurenje reKedhemoti+ kuna Mambo Sihoni weHeshbhoni nemashoko aya erugare,+ 27 ‘Ndibvumireiwo kupfuura nemunyika yenyu. Ndicharamba ndiri mumugwagwa uye handizotsaukiri kurudyi kana kuruboshwe.+ 28 Ndichangodya zvekudya zvamuchanditengesera uye ndichangonwa mvura yamuchanditengesera. Ingondibvumiraiwo chete kupfuura netsoka, 29 sezvandakaitirwa nevana vaIsau vanogara muSeiri nevaMoabhi vanogara muAri, kuti ndiyambuke Jodhani ndichipinda munyika yatichapiwa naJehovha Mwari wedu.’ 30 Asi Mambo Sihoni weHeshbhoni haana kutibvumira kupfuura, nekuti Jehovha Mwari wenyu akamurega achiomesa musoro+ uye achiomesa mwoyo, kuti amuise muruoko rwenyu sezvazvakaita nhasi.+

31 “Jehovha akabva ati kwandiri, ‘Ona, ndatotanga kukupa Sihoni nenyika yake. Tanga kutora nyika yake.’+ 32 Sihoni paakabuda nevanhu vake vese kuzorwa nesu kuJahazi,+ 33 Jehovha Mwari wedu akabva amuisa mumaoko edu, zvekuti takamukunda iye nevanakomana vake nevanhu vake vese. 34 Panguva iyoyo takakunda maguta ake ese, tikaaparadza, kusanganisira varume, vakadzi, nevana. Hatina watakasiya.+ 35 Takangopamba zvipfuwo chete, pamwe chete nezvimwewo zvinhu mumaguta atakanga takunda. 36 Kubva kuAroeri,+ iri kumucheto kweBani reAnoni,* (kusanganisira guta riri mubani), kusvikira kuGiriyedhi, hapana guta ratakasiya. Jehovha Mwari wedu akaaisa ese mumaoko edu.+ 37 Asi hamuna kuenda pedyo nenyika yevaAmoni,+ Bani reJabhoki*+ rese uye maguta emumakomo, kana imwe nzvimbo yakarambidzwa naJehovha Mwari wedu.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe