RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Pisarema 80
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raMapisarema

      • VaIsraeri vanokumbira kuti mufudzi wavo avadzorere pavaimbova

        • “Haiwa Mwari, tidzorerei pataimbova” (3)

        • Israeri semuzambiringa waMwari (8-15)

Pisarema 80:mashoko ekusuma

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 25:1

Pisarema 80:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “pakati.”

  • *

    Kana kuti “Ratidzai kubwinya kwenyu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 77:20; Isa 40:11; Jer 31:10; Eze 34:12; 1Pe 2:25
  • +Eks 25:20, 22; 1Sa 4:4

Pisarema 80:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 42:13
  • +Isa 25:9

Pisarema 80:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 85:4; Mari 5:21
  • +Nu 6:25; Pis 67:1, 2

Pisarema 80:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 74:1; 85:5; Mari 3:44

Pisarema 80:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 44:13; 79:4

Pisarema 80:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 80:3, 19

Pisarema 80:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 5:7
  • +Pis 44:2; 78:55; Jer 2:21

Pisarema 80:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 23:28, 30; Jos 24:12, 13; 1Mad 4:25

Pisarema 80:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, Yufratesi.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 15:18; Eks 23:31; 1Mad 4:21; Pis 72:8

Pisarema 80:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 5:5
  • +Na 2:2

Pisarema 80:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 18:9; 24:1; 25:1; 2Mak 32:1; Jer 39:1

Pisarema 80:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 63:15

Pisarema 80:15

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “bazi ramakasimbisa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 5:7; Jer 2:21
  • +Eks 4:22; Isa 49:5

Pisarema 80:16

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “nekutuka kwechiso chenyu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 79:5; Jer 52:12, 13

Pisarema 80:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 89:20, 21

Pisarema 80:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 80:7

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Pis. 80:mashoko ekusuma1Mak 25:1
Pis. 80:1Pis 77:20; Isa 40:11; Jer 31:10; Eze 34:12; 1Pe 2:25
Pis. 80:1Eks 25:20, 22; 1Sa 4:4
Pis. 80:2Isa 42:13
Pis. 80:2Isa 25:9
Pis. 80:3Pis 85:4; Mari 5:21
Pis. 80:3Nu 6:25; Pis 67:1, 2
Pis. 80:4Pis 74:1; 85:5; Mari 3:44
Pis. 80:6Pis 44:13; 79:4
Pis. 80:7Pis 80:3, 19
Pis. 80:8Isa 5:7
Pis. 80:8Pis 44:2; 78:55; Jer 2:21
Pis. 80:9Eks 23:28, 30; Jos 24:12, 13; 1Mad 4:25
Pis. 80:11Ge 15:18; Eks 23:31; 1Mad 4:21; Pis 72:8
Pis. 80:12Isa 5:5
Pis. 80:12Na 2:2
Pis. 80:132Mad 18:9; 24:1; 25:1; 2Mak 32:1; Jer 39:1
Pis. 80:14Isa 63:15
Pis. 80:15Isa 5:7; Jer 2:21
Pis. 80:15Eks 4:22; Isa 49:5
Pis. 80:16Pis 79:5; Jer 52:12, 13
Pis. 80:17Pis 89:20, 21
Pis. 80:19Pis 80:7
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Pisarema 80:1-19

Mapisarema

Kumutungamiriri; mutinhimira unonzi, “Maruva.” Chiyeuchidzo. Pisarema raAsafi.+ Rwiyo.

80 Haiwa imi Mufudzi waIsraeri, teererai,

Imi muri kutungamirira Josefa semakwai.+

Imi makagara pachigaro cheumambo pamusoro* pemakerubhi,+

Penyai.*

 2 Ratidzai simba renyu

Pamberi paEfremu naBhenjamini naManase;+

Uyai mutiponese.+

 3 Haiwa Mwari, tidzorerei pataimbova;+

Itai kuti chiso chenyu chipenye kwatiri, kuti tiponeswe.+

 4 Jehovha Mwari wemauto, mucharamba makashatirwa kusvikira riini vanhu venyu vachinyengetera kwamuri?+

 5 Munovadyisa misodzi sechingwa,

Uye munoita kuti vanwe misodzi yakawandisa.

 6 Munoita kuti vavakidzani vedu vapopotedzane pamusoro pedu;

Vavengi vedu vanoramba vachitinyomba pamadiro.+

 7 Haiwa Mwari wemauto, tidzorerei pataimbova;

Itai kuti chiso chenyu chipenye kwatiri, kuti tiponeswe.+

 8 Makaita kuti muzambiringa+ ubve kuIjipiti.

Makadzinga marudzi, mukaudyara.+

 9 Makaugadzirira nzvimbo,

Uye wakadzika midzi, ukazadza nyika.+

10 Makomo akafukidzwa nemumvuri wawo,

Uye misidhari yaMwari yakafukidzwa nemapazi awo.

11 Mapazi awo akasvika kugungwa,

Uye nhungirwa dzawo dzakasvika kuRwizi.*+

12 Makaputsirei rusvingo rwematombo rwemunda wacho wemizambiringa,+

Zvekuti vese vanopfuura nepo vari kutemha michero yawo?+

13 Nguruve dzemusango dzinousakadza,

Uye mhuka dzemusango dzinoudya.+

14 Haiwa Mwari wemauto, dzokai.

Tarisai pasi muri kudenga, muone!

Chengetai muzambiringa uyu,+

15 Dzinde rakadyarwa neruoko rwenyu rwerudyi,+

Mutarise mwanakomana wamakasimbisa.*+

16 Unopiswa nemoto,+ unotemwa.

Vanoparara pamunovatuka.*

17 Ruoko rwenyu ngarutsigire munhu ari kuruoko rwenyu rwerudyi,

Ngarutsigire mwanakomana wemunhu wamakasimbisa.+

18 Hatizobvi kwamuri.

Tichengetedzei tiri vapenyu, kuti tidane zita renyu.

19 Haiwa Jehovha Mwari wemauto, tidzorerei pataimbova;

Itai kuti chiso chenyu chipenye kwatiri, kuti tiponeswe.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe