RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Ezekieri 36
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raEzekieri

      • Uprofita pamusoro pemakomo eIsraeri (1-15)

      • Kudzoswa kwevaIsraeri (16-38)

        • “Ndichatsvenesa zita rangu guru” (23)

        • “Semunda weEdheni” (35)

Ezekieri 36:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 49:1; Eze 35:10

Ezekieri 36:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 28:37; 1Mad 9:7; Mari 2:15; Dha 9:16

Ezekieri 36:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 25:9
  • +Pis 79:4; Eze 34:28

Ezekieri 36:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zef 3:8
  • +Obh 12
  • +Eze 25:12, 13; 35:10, 11; Amo 1:11

Ezekieri 36:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 74:10; 123:4

Ezekieri 36:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 25:9; 49:17

Ezekieri 36:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 44:23; 51:3; Eze 36:30

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/15/1988, p. 24

Ezekieri 36:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zek 8:4
  • +Isa 51:3; Jer 30:18, 19; Amo 9:14

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/15/1988, p. 24

Ezekieri 36:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 31:27
  • +Isa 54:7; Jer 30:18
  • +Hag 2:9
  • +Ho 2:20; Joe 3:17

Ezekieri 36:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 32:44; Obh 17
  • +Isa 65:23

Ezekieri 36:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 54:4; 60:14; Mik 7:8; Zef 2:8; 3:19

Ezekieri 36:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 106:38; Isa 24:5; Jer 2:7; 16:18
  • +Re 12:2; Isa 64:6

Ezekieri 36:18

Mashoko Emuzasi

  • *

    Shoko racho rechiHebheru rinogona kunge richireva zvakafanana neshoko rinoshandurwa kuti “ndove” uye rinoshandiswa pakuzvidza.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 42:24, 25
  • +Eze 23:37

Ezekieri 36:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 26:38; Eze 22:15

Ezekieri 36:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 52:5; VaR 2:24

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/15/1988, p. 24

Ezekieri 36:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 74:18; Isa 48:9; Eze 20:9

Ezekieri 36:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 106:7, 8

Ezekieri 36:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 5:16; Eze 20:41
  • +Pis 102:13-15

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/1/2007, p. 11

    “Rugwaro Rwose,” p. 137

Ezekieri 36:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 30:3; Isa 43:5; Jer 23:3; Eze 34:13; Ho 1:11

Ezekieri 36:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 19:13; Pis 51:7
  • +Isa 4:4; Jer 33:8
  • +Eze 6:4

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/15/1988, p. 24

Ezekieri 36:26

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, mwoyo unobvuma kutungamirirwa naMwari.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 32:39
  • +Pis 51:10; Eze 11:19, 20
  • +Zek 7:12

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/15/1988, p. 24

Ezekieri 36:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 31:33

Ezekieri 36:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 30:22; Eze 37:25, 27

Ezekieri 36:29

Mashoko Emuzasi

  • *

    Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 34:29

Ezekieri 36:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 34:27

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, p. 101

    Nharireyomurindi,

    9/15/1988, p. 24

Ezekieri 36:31

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ezr 9:6; Ne 9:26; Jer 31:18; Eze 6:9

Ezekieri 36:32

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 9:5; Dha 9:19

Ezekieri 36:33

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zek 8:8
  • +Isa 58:12; Jer 33:10, 11; Amo 9:14

Ezekieri 36:35

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 2:8
  • +Isa 51:3

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kunamata Kwakachena, pp. 109-110

    Nharireyomurindi,

    9/15/1988, p. 24

Ezekieri 36:36

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 28:26; 37:14

Ezekieri 36:38

Mashoko Emuzasi

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “semapoka emakwai auya kuzobayirwa muJerusarema.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 23:17; Jer 30:18, 19

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Ezek. 36:2Jer 49:1; Eze 35:10
Ezek. 36:3Dhe 28:37; 1Mad 9:7; Mari 2:15; Dha 9:16
Ezek. 36:4Jer 25:9
Ezek. 36:4Pis 79:4; Eze 34:28
Ezek. 36:5Zef 3:8
Ezek. 36:5Obh 12
Ezek. 36:5Eze 25:12, 13; 35:10, 11; Amo 1:11
Ezek. 36:6Pis 74:10; 123:4
Ezek. 36:7Jer 25:9; 49:17
Ezek. 36:8Isa 44:23; 51:3; Eze 36:30
Ezek. 36:10Zek 8:4
Ezek. 36:10Isa 51:3; Jer 30:18, 19; Amo 9:14
Ezek. 36:11Jer 31:27
Ezek. 36:11Isa 54:7; Jer 30:18
Ezek. 36:11Hag 2:9
Ezek. 36:11Ho 2:20; Joe 3:17
Ezek. 36:12Jer 32:44; Obh 17
Ezek. 36:12Isa 65:23
Ezek. 36:15Isa 54:4; 60:14; Mik 7:8; Zef 2:8; 3:19
Ezek. 36:17Pis 106:38; Isa 24:5; Jer 2:7; 16:18
Ezek. 36:17Re 12:2; Isa 64:6
Ezek. 36:18Isa 42:24, 25
Ezek. 36:18Eze 23:37
Ezek. 36:19Re 26:38; Eze 22:15
Ezek. 36:20Isa 52:5; VaR 2:24
Ezek. 36:21Pis 74:18; Isa 48:9; Eze 20:9
Ezek. 36:22Pis 106:7, 8
Ezek. 36:23Isa 5:16; Eze 20:41
Ezek. 36:23Pis 102:13-15
Ezek. 36:24Dhe 30:3; Isa 43:5; Jer 23:3; Eze 34:13; Ho 1:11
Ezek. 36:25Nu 19:13; Pis 51:7
Ezek. 36:25Isa 4:4; Jer 33:8
Ezek. 36:25Eze 6:4
Ezek. 36:26Jer 32:39
Ezek. 36:26Pis 51:10; Eze 11:19, 20
Ezek. 36:26Zek 7:12
Ezek. 36:27Jer 31:33
Ezek. 36:28Jer 30:22; Eze 37:25, 27
Ezek. 36:29Eze 34:29
Ezek. 36:30Eze 34:27
Ezek. 36:31Ezr 9:6; Ne 9:26; Jer 31:18; Eze 6:9
Ezek. 36:32Dhe 9:5; Dha 9:19
Ezek. 36:33Zek 8:8
Ezek. 36:33Isa 58:12; Jer 33:10, 11; Amo 9:14
Ezek. 36:35Ge 2:8
Ezek. 36:35Isa 51:3
Ezek. 36:36Eze 28:26; 37:14
Ezek. 36:38Eks 23:17; Jer 30:18, 19
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
  • 36
  • 37
  • 38
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Ezekieri 36:1-38

Ezekieri

36 “Asi iwe mwanakomana wemunhu, profita nezvemakomo eIsraeri, uti, ‘Inzwai shoko raJehovha imi makomo eIsraeri. 2 Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Muvengi ati kwamuri, ‘Tsvatu waro! Nzvimbo dzakakwirira dzekare dzatovawo dzedu!’”’+

3 “Saka profita, uti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Nemhaka yekuti vakakurwisai vachibva kumativi ese vakakusiyai musina chinhu, kuti mugarwe nevanhu vemamwe marudzi vakapona uye nemhaka yekuti vanhu vari kuramba vachitaura nezvenyu, vachisvibisa zita renyu,+ 4 inzwai shoko raChangamire Ishe Jehovha imi makomo eIsraeri! Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha kumakomo nezvikomo, kuhova nemipata, kunzvimbo dzakaitwa matongo,+ uye kumaguta asisina vanhu ayo akapambwa uye akasekwa nevanhu vakapona vemarudzi akapoteredza;+ 5 zvanzi naChangamire Ishe Jehovha kune zvese izvi: ‘Ndichataura ndakashatirwa+ ndichitonga vanhu vemamwe marudzi vakapona, pamwe chete neEdhomu yese, vaya vakati nyika yangu ndeyavo vachifara chaizvo uye vachinyomba,+ kuti vatore mafuro ayo uye kuti vaipambe.’”’+

6 “Saka profita pamusoro penyika yeIsraeri, uti kumakomo nezvikomo, uye kuhova nemipata, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Inzwai! ndichataura ndiine shungu uye ndakashatirwa, nekuti imi makanyadziswa nemarudzi.”’+

7 “Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Ndasimudza ruoko rwangu ndichipika kuti marudzi akakupoteredzai ndiwo achanyadziswa.+ 8 Asi imi makomo eIsraeri, muchava nemapazi, moberekera vanhu vangu vaIsraeri michero,+ nekuti vava pedyo nekudzoka. 9 Nekuti ndinemi uye ndichatendeuka ndokubatsirai, uye imi mucharimwa modyarwa mbeu. 10 Ndichaita kuti vanhu venyu vawande, vanhu veimba yese yaIsraeri; maguta achagarwa+ uye matongo achavakwazve.+ 11 Ndichaita kuti vanhu venyu vawande, pamwe chete nezvipfuwo zvenyu;+ vachaberekana vowanda. Ndichaita kuti mugarwe sezvamaimboitwa,+ ndoita kuti mubudirire kupfuura zvamaiva kare;+ uye muchaziva kuti ndini Jehovha.+ 12 Ndichaita kuti vanhu vangu vaIsraeri vafambe mamuri, uye vachakutorai kuti muve nyika yavo.+ Muchava nhaka yavo, uye hamuzomboiti kuti vanhu vanogara mamuri vasava nevana.’”+

13 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Vari kuti kwamuri, “Uri nyika inodya vanhu uye unouraya vana vemarudzi anogara mauri,”’ 14 ‘saka iwe hauzodyizve vanhu kana kuita kuti marudzi ako asava nevana,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha. 15 ‘Handichazokuregizve uchitukwa nemarudzi kana kushorwa nevanhu,+ uye hauzoitizve kuti marudzi ako atsauke,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.”

16 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 17 “Mwanakomana wemunhu, vaIsraeri pavaigara munyika yavo, vakaisvibisa nenzira dzavo uye nezvavakaita.+ Kwandiri, nzira dzavo dzakanga dzisina kuchena semukadzi ari kumwedzi.+ 18 Saka ndakavadururira hasha dzangu nemhaka yeropa ravakanga vadeura munyika yacho,+ uye nekuti vakanga vasvibisa nyika yacho nezvidhori zvavo zvinosemesa.*+ 19 Ndakavaendesa kune mamwe marudzi uye ndakaita kuti vapararire nenyika.+ Ndakavatonga zvaienderana nenzira dzavo uye zvaienderana nezvavakaita. 20 Asi pavakasvika kumarudzi acho, vanhu vakasvibisa zita rangu dzvene+ pavakataura nezvavo vachiti, ‘Vanhu ava ndevaJehovha, asi vakabudiswa munyika yake.’ 21 Saka ndichafunga nezvezita rangu dzvene, rakasvibiswa neimba yaIsraeri pakati pemarudzi avakaenda kwaari.”+

22 “Saka udza imba yaIsraeri kuti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Imi imba yaIsraeri, handisi kuzviitira imi, asi ndiri kuzviitira zita rangu dzvene, ramakasvibisa kumarudzi amakaenda kwaari.”’+ 23 ‘Ndichatsvenesa zita rangu guru,+ rakasvibiswa pakati pemarudzi, iro zita ramakasvibisa pakati pawo. Marudzi achaziva kuti ndini Jehovha,’ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha,+ ‘pandichatsveneswa pakati penyu marudzi acho achiona. 24 Ndichakubvisai kumarudzi uye ndichakuunganidzai kubva kunyika dzese, ndokudzosai munyika yenyu.+ 25 Ndichakusasai mvura yakachena, mochena;+ ndichakuchenesai pazvinhu zvese zvisina kuchena+ uye pazvidhori zvenyu zvese zvinosemesa.+ 26 Ndichakupai mwoyo mutsva,+ uye ndichaita kuti muve nemweya mutsva.+ Ndichabvisa mwoyo wedombo+ mumiviri yenyu ndokupai mwoyo wenyama.* 27 Ndichaisa mweya wangu mamuri, uye ndichaita kuti mufambe mumirau yangu,+ uye muchachengeta mitongo yangu nekuita zviri mairi. 28 Muchabva magara munyika yandakapa madzitateguru enyu. Muchava vanhu vangu uye ini ndichava Mwari wenyu.’+

29 “‘Ndichabvisa zvese zvisina kuchena pamuri, ndoudza zviyo* kuti zviwande, uye handizounzi nzara pamuri.+ 30 Ndichaita kuti miti ibereke chaizvo uye kuti minda ive negoho rakakura, kuti murege kusekwazve nemarudzi nemhaka yenzara.+ 31 Muchabva mayeuka nzira dzenyu dzakaipa nemabasa enyu akaipa, uye muchazviona sevanhu vanosemesa nekuda kwemhosva yenyu uye mabasa enyu anosemesa.+ 32 Asi zivai izvi: Zvinhu izvi handisi kuzviitira imi,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha. ‘Imi nyarai, mushaye pekupinda nenyadzi nemhaka yenzira dzenyu, imi imba yaIsraeri.’

33 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Pazuva randichakuchenesai pamhosva yenyu, ndichaita kuti maguta agarwe+ uye kuti matongo avakwezve.+ 34 Nyika yaionekwa iri dongo nemunhu wese aipfuura nemairi icharimwa. 35 Vanhu vachati: “Nyika iya yaiva dongo yaita semunda weEdheni,+ uye maguta aya akanga ava matongo, asisina vanhu, uye aputswa, iye zvino akomberedzwa nemasvingo uye ava kugarwa.”+ 36 Uye marudzi akasara kumativi enyu ese achaziva kuti ini Jehovha, ndavaka zvinhu zvakanga zvaputswa, uye ndadyara munyika yakanga isina chinhu. Ini Jehovha, ndataura uye ndazviita.’+

37 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Ndichaitawo kuti vaIsraeri vandikumbire kuti vawande sedanga remakwai, uye ndichanzwa chikumbiro chavo. 38 Maguta aiva matongo achava nevanhu vazhinji vakaita seboka revatsvene, seboka revanhu vemuJerusarema* panguva yemitambo yaro;+ uye vachaziva kuti ndini Jehovha.’”

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe