Nhunzi Dzinosemesa Idzodzo—Dzinobetsera Kupfuura Zvaunofunga Here?
VAZHINJISA vedu tinorangarira nhunzi kuva dzinosembura kana kuti zvimwe ngozi chaiyo kunzanga. Asi vadzidzi vezvinhu zvipenyu vari kuwana kuti nhunzi, nokunetsa kwadzingave dzichiita, dzinobetsera zvikuru kupfuura zvatingafunga.
Marudzi mazhinji anopedza rutivi rukurusa rwezuva achishanyira maruva, zvitoro zvinogadzira zvokudya nokukurumidza zvinopa vatengi vazvo vezvipembenene zvose zviri zviviri mutakunanzva nemukume. Dzimwe nhunzi dzinogona kubvisa zvinovaka muviri mumukume—harisi basa rokutamba iro rimene—dzinotsamira pane izvi zvokudya zvine simba rakawanda kuti dziite mazai adzo.
Apo dzinenge dzichishanyira rimwe ruva pashure perimwe, nhunzi dzacho dzinotora nenzira isingadzivisiki mikume inonama, iyo inozvinamatidza imene pamiviri yadzo. Imwe nhunzi yakanzverwa nenzira yokungwarira nevadzidzi vezvinhu zvipenyu yaive nemikume 1 200 pamuviri payo! Sezvo imwe nzvero yakaitwa pamusoro pebasa rokubvisa mukume paruva kuendesa kune rimwe renhunzi, masayendisiti akawana kuti mamwe maruva anotsamira padziri kuti arambe aripo.
Magazini inonzi Natural History inorondedzera nhevedzano yokuedza kwakaitwa muColorado, North America. Nhunzi dzemuscidae dzinozivikanwa navose, dzakafanana nenhunzi dzomumba, dzakapfumbudzirwa mavara akajeka kuitira kuti dzigozogona kurondwa zviri nyore. Pashure pokucherechedza mubato wadzo wezuva nezuva, vanzveri vakashamiswa nokuwana kuti nokuda kwamamwe maruva omusango nhunzi dzakanga dziri dzinobvisa mukume paruva kuenda kune rimwe dzinokosha zvikuru mukuberekesa kupfuura nyuchi uye kuti dzaipfuura nyuchi nokure.
Basa renhunzi rakakosha sei? Mamwe maruva akanga akafukidzwa nemumbure kuitira kuti asagona kushanyirwa. Maruva aya haana kana kubudisa mbeu zvachose—mukupesana zvikuru neaibereka zvibereko aive pedyo akaiswa mukume nenhunzi. Kunyange zvazvo mamwe maruva akaiswa mukume nenyuchi zvikurukuru, muchinoitika chemamwe marudzi akadai sewild flax kana kuti wild geranium, pahukwiriri hwakati nhunzi dzakaita inopfuura 90 muzana yebasa iri.
Ndeipi yaiva mhedziso yaCarol Kearns naDavid Inouye, vaviri vevanzveri vacho? “Nokuda kwemaruva mazhinji emusango ari muColorado Rockies, ipapo, nhunzi dzinopfuura nyuchi, mashavishavi, uye tsodzo . . . Pasina zvipembenene izvi, izvo vanhu vazhinjisa vanowana zvichiti semburei, mazhinji emaruva emusango anoita kuti kushanyira guvi remaruva omusango kufadze kwazvo aizokundikana kuita mbeu.” Hapana panikiro pamusoro pako, nhunzi dzinobetsera!