RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g96 12/8 p. 32
  • Chimwe Chinhu Icho Vanhu Vaduku Vanoda Nhasi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chimwe Chinhu Icho Vanhu Vaduku Vanoda Nhasi
  • Mukai!—1996
Mukai!—1996
g96 12/8 p. 32

Chimwe Chinhu Icho Vanhu Vaduku Vanoda Nhasi

Mumwe musikana ane makore 14 okukura wokuNew Jersey, U.S.A., akataura kuti pakuvamba kwegore rino aifanira kunyora mushumo pamusoro unoti “Nei Vadzidzi Vachibiridzira Pabvunzo.” Akaenda nebhuku rake rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda kuchikoro kuti aite nzvero. Mumwe wevokuchikoro biyake akarinonga ndokutanga kurava misoro yezvikamu zvendaza yezviri mukati, yakadai sewokuti “Vatano Netsika” newokuti “Kuronga Misi Yokuvhakacha, Rudo, Uye Vemitezo Yakasiana.”

“Ndingawanawo bhuku iri here?” wokuchikoro biyake wacho akabvunza kudaro.

“Ndakatsanangura kuti iyi yakanga iri kopi yangu,” mudzidzi wacho akadaro, “asi kuti ndaizomuvigira imwe. Apo ndakadaro, mumwe wemukirasi biyake akaona bhuku racho ndokundikumbira kuti ndimuwanirewo rimwe. Nokukurumidza pashure pacho, ndakavigira vadzidzi vaida kopi mabhuku gumi aMibvunzo Inobvunza Vechiduku.”

Mudzidzi wacho ane makore 14 okukura anofunga kuti bhuku racho rinokosha kuva naro. Iye akati: “Zvirokwazvo tinoda chinyorwa ichi nemhaka yokuti kuva pwere mazuva ano kwakaoma zvikuru.”

Kana ungada kuva nekopi yebhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda kana kuti ungada kuti mumwe munhu ashanyire musha wako kuzokurukura ukoshi hwedzidzo yeBhaibheri newe, tapota nyorera Watch Tower, Private Bag A-6113, Avondale, Zimbabwe, kana kuti kero iri pedyosa newe yakarongwa papeji 5.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe