RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g96 12/8 pp. 11-14
  • “Roorano Yetsika” muGhana

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Roorano Yetsika” muGhana
  • Mukai!—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Basa Ravabereki
  • Mutambo Wokugogodza Suo
  • Mutambo Weroorano
  • Ngatifarirei Kuroora kweGwayana!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Waizviziva Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Kutaurirana Mari Yeroora Ine Mufungo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Michato Inokudzwa Mukuona kwaMwari Nevanhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Ona Zvimwe
Mukai!—1996
g96 12/8 pp. 11-14

“Roorano Yetsika” muGhana

NEMUNYORI WEMUKAI! MUGHANA

ROORANO—mazana ezviuru anotanga uhu ukama gore rimwe nerimwe kupota nyika yose. Kazhinji kazhinji vanoita ikoku maererano netsika dzeroorano dzakapararira uko vanogara.

MuGhana chimiro chinozivikanwa zvikurusa cheroorano chinonzi roorano yetsika. Iyoyi inobatanidza kubhadharwa kwemari yeroora nemhuri yechikomba kumhuri yemwenga. Roorano yetsika inoshandiswa nevanhu mudzakawanda dzenyika dzeAfrica uye munzvimbo dzakadai seHong Kong, Papua New Guinea, uye Solomon Islands pamwe chetewo nepakati pevagari veIndia veGoajiro kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweColombia uye kuchamhembe kwakadziva kumavirira kweVenezuela, kungodudza shomanene.

Kubhadharwa kwemari yeroora kwakanga kuri tsika munguva dzeBhaibheri. (Genesi 34:11, 12; 1 Samueri 18:25) Nzwisiso munguva dzakare uye nhasi ndeyokuti mari yeroora muripo kuvabereki vemusikana nokuda kwekurasikirwa nemabasa ake uye nokuda kwenguva, simba, uye pfuma zvakashandiswa paari padzidzo yake nokurerwa roorano isati yaitika.

Basa Ravabereki

Mumazuva ekare eGhana, kushamwaridzana kwavane mitezo yakasiyana uye nyengano zvakanga zvisipo pakati pevanhu vaduku. Vabereki vaironga roorano nokuda kwavana vavo vakura pashure pokunzvera nokushingaira varume nevadzimai vakakodzera nokuda kweroorano munzanga. Vamwe vabereki muGhana vachiri kuita ikoku.

Vabereki vemukomana vanorangarira zvinhu zvakadai seunhu hwemusikana wacho; mukurumbira wake neuyo wemhuri yake; hosha dzinogarwa nhaka pakuberekwa dzingaoneka zvinopfuurira mumhuri yacho; uye muchiitiko cheZvapupu zvaJehovha, umudzimu hwake. Kana vagutswa, nomutoo wakarongwa vanosvika vabereki vemusikana ndokuita chikarakadzo cheroorano.

Vabereki vemusikana zvino vanofeya-feya mamiriro ezvinhu emukomana wacho uye emhuri yake. Mukuwedzera kuzvinhu zvadudzwa pamusoro apa, vanorangarira kukwanisa kwemukomana kutsigira mudzimai—anoshanda here kana kuti haashande? Kana vabereki vemusikana vakagutswa, vanodarozvo kuzivisa vabereki vemukomana, uye vabereki vacho mukubatana vanoronga udzame hwakasiyana-siyana hweroorano yacho, pashure pokunge vose vari vaviri mukomana nemusikana vabvumirana pakuri.

Nei vamwe vabereki vachiri vanotora basa rokutsvaka vakwanyina nokuda kwavana vavo vakura? Mumwe mukadzi muIndia ane vabereki vakaronga roorano yake akati: “Munhu muduku angakwaniriswa sei kuita chisarudzo chakakosha zvakadaro? Kuri nani zvikuru kukusiyira kuavo zera ravo neruzivo rwokuzviwanira zvinovakwanirisa kuziva chiri chisarudzo chokuchenjera zvikurusa.” Tsinhiro dzake dzinoratidzirawo murangariro wevagari vakawanda vomuAfrica.

Zvisinei, nguva dziri kuchinja muGhana. Kushamwaridzana kwavane mitezo yakasiyana uye nyengano zviri kuwedzera mukugamuchirwa. Panguva yakafanira munyengano, vaviri vacho vanozivisa vabereki nezvezvinangwa zvavo. Pashure peonano pakati pevabereki vavo uye pashure pokunge vabereki vacho vagutsikana kuti mubatanidzwa wakanaka, mhuri dzacho dzinopfuurira mberi nomutambo wakarongwa unowanzozivikanwa mumitauro yakasiyana-siyana yeGhana sekugogodza pasuo, suo reroorano.

Mutambo Wokugogodza Suo

Vabereki vevaviri vacho vanozivisa mitezo yemhuri pamusoro pemusi nechinangwa chemusangano wacho. Kutaura kwokuti “mitezo yemhuri” kunonongedzera kumhuri yeAfrica yakakudziridzwa inobatanidza vanababamukuru vevaviri vacho, vanatete, vazukuru, vanambuya. Pazuva rakarongwa, vamiriri kubva kumhuri dzose dziri mbiri vanoungana nokuda kwemutambo wacho. Kuvapo kwechikomba ndekwekuzvidira. Inotevera irondedzero pfupi zvikuru yechakaitika pamumwe mutambo wakadaro wokugogodza suo.

Mumiriri Wemusikana (MWS): [Achitaura kuvamiriri vechikomba] Tinoziva chikonzero chenyu chokuuya, asi tsika dzinorayira kuti tibvunze, Nei mauya pano?

Mumiriri Wemukomana (MWK): Mwanakomana wedu Kwasi akanga achipfuura nepamba penyu ndokuona ruva rakaisvonaka uye anoda bvumiro yenyu kuti aritanhe.

MWS: [Vachinyepedzera kusaziva] Mumba muno hamuna ruva. Munogona kubvumikisa ikoko mumene.

MWK: Mwanakomana wedu haana kukanganisa. Tinopwiswa kuti mune ruva rakaisvonaka kwazvo mumba muno. Zita reruva racho ndiAfi.

MWS: Ipapoka iruva reunhu. Eya, Afi anogara pano.

MWK: Tinoda kugogodza pasuo ndokukumbira ruoko rwaAfi muroorano kumwanakomana wedu Kwasi.

Mhuri yemukomana zvino inopa zvinhu zvakati, zvakadai sezvinwiwa zvakasiyana-siyana uye mari. Kuchitsamira parudzi rwacho, kune misiyano muuwandu uye zvinhu zvinopiwa. Uyu mutambo unoenzana nemuitiro wokuMabvazuva wevimbiso, uye muzvimwe zviitiko ringi yevimbiso inorayirwa.

Mumiriri wemwenga zvino anomubvunza pamberi pevacherekedzi vose kana zvinhu zvaunzwa zvichifanira kugamuchirwa. Kupfurikidza nemhinduro yake yokubvuma, vose varipo zvapupu zvekudisa kwake kuroorwa. Zuva rakanakira mhuri dzose dziri mbiri rinobvumiranwa nokuda kwokupembererwa kweroorano yacho. Zvokudya zvakapfava zvinogumisa mutambo wacho.

Mutambo Weroorano

Nhamba yevanhu vanoungana pamba pemusikana kana kuti pamba pemumiriri akasarudzwa nokuda kwokubhadharwa kwemari yeroora, chiri chiitiko chinomirira kuroora, kazhinji kazhinji inowanzova huru kupfuura nhamba inovapo nokuda kwemutambo wokugogodza suo. Ikoku imhaka yokuti shamwari dzakawanda zvino dzavapo.

Mhoteredzo yacho ndeyemufaro. Varume navadzimai vaduku vasina kuroora kana kuti kuroorwa vanoitira hanya kuona chavigirwa mwenga. Asi mhoteredzo yokufara inochinjira kukusafara sezvo mhuri yemwenga inonyunyuta kuti zvinhu zvemari yeroora hazvina kukwana. Vamwe vari muvateereri vanofunganya apo mhuri yemwenga inoratidzika kuva inoomerera. Mutauriri wechikomba anokurukura nenzira younyanzvi kuti awane kurangarira kwetsitsi kwemhuri yemwenga. Mamiriro ezvinhu anopfava sezvo mhuri yomusikana inotera. Mhoteredzo yacho inochinja zvekare. Zvino ava mabiko, uye zvokudya zvakapfava zvakasiyana-siyana zvinopiwa.

Kuti atange mutambo wokuroora, mutauriri wemwenga anonyararidza boka racho uye anogamuchira vose. Anobvunza vamiriri vemwenga pamusoro pechinangwa chavo. Vatauriri vechikomba vanotaura chikonzero chavo chokuuya, vachiyeuchidza gungano racho kuti suo rakatogogodzwa uye kuti tendero yokupinda yakapiwa.

Mutauriri wemhuri mumwe nomumwe ipapo anosuma mitezo yemhuri yapedyo kugungano racho, kubatanidza uyo anopa ruoko rwemusikana muroorano pamwe chetewo neuyo anoperekedza mukomana muroorano. Mutambo unopfuurira.

MWS: [Achitaura kuvamiriri vemwenga] Tapota budisai zvinhu zveroora zvatakakumbira.

Mutauriri wemwenga anoverenga zvinhu zvemari yeroora kuti vose vabvumikise kuti zviripo. Kana vamiriri vechikomba vakafunga kuti mhuri yemwenga yawedzera zvido zvacho, vanosarudza pachivande nhau yacho zuva reroorano risati rasvika. Zvisinei, mhuri yechikomba inouya kumutambo wacho yakagadzirira kukurukura kuderedzwa kwezvokuwedzera kana vamwe vemhuri yemwenga vakabvumikisa kuva vakaoma. Kupi kana kupi kunogara munhu, mari yeroora—ingave yakakwirira kana kuti yakaderera—inofanira kubhadharwa zvakazara.

Dzimwe mhuri dzinorayira zvinhu zvakadai zvinwiwa, zvipfeko, zvuma, mhete, uye zvimwe zvinhu zvavadzimai. Kuchamhembe kweGhana, mari yeroora ingabatanidza munyu, makola nut, hanga, makwai, uye kunyange mombe. Nenzira isingachinjiki kune rutivi rwekeshi kumari yeroora yacho.

Nepo kurukurirano ichipfuurira, mwenga haapo asi ari pedyopo, achitarisa. Kuvapo kwechikomba ndekwekuzvidira. Nokudaro, munhu anogara kure anogona kupa simba kuvabereki vake kuti varonge roorano nokuda kwake. Pachiitiko charondedzerwa pano, zvisinei, chikomba chiripo. Zvino yava nguva yemhuri yake yokuita kurayira.

MWK: Tazadzisa zvose zvinodikanwa kwatiri, asi hatisati taona muroora wedu.

Mutambo weroorano hausi nhau yeiitiro hanya pazvinhu zvinokosha bedzi; chiitiko chokuvawo nekuseka. Mhuri yemusikana zvino inobvuma kurayira kwemhuri yemukomana kwokuona mwenga.

MWS: Tinoshuva kuti kudai mwenga waiva pano. Nenzira isingafadzi, akafamba kunze kwenyika uye hatina mapasipoti kana kuti mavhiza okunomutora.

Munhu wose anoziva chakunoreva. Pakarepo, mhuri yemwenga inopa chitsama chemari—chitsama chipi nechipi icho chikomba chinogona kuwana—uye panguva iyoyo chaiyo! mapasipoti okufungidzira nemavhiza anovapo. Uye mwenga adzoka kurwendo rwake!

Kuwedzera kukuseka kwacho, mamwe marudzi anoronga kuti dzimwe shamwari dzemwenga dziite saiye. Mumwe nomumwe anoita semwenga anorambwa neboka kutozosvikira, pakati pokuombera kukuru, mwenga wechokwadi aunzwa. Ipapo anokokwa nomutauriri wake kuti aone zvinhu zvakasiyana siyana zvemari yeroora yake. Anobvunzwa kana zvaunzwa nechikomba zvichifanira kugamuchirwa. Pane kuterama sezvo munhu wose anomirira nokuitira hanya mhinduro yacho. Vamwe vasikana havana chivimbo uye vamwe vakashinga, asi mhinduro yacho nenzira isingachinjiki ndihungu, kuchiteverwa nekuombera maoko kune mutinhimira.

Kana chikomba chiripo, mhuri yemwenga inorayira kuchiziva. Kuseka kwacho kunopfuurira pasina kurega kana kwakanga kwakarongwa kuti mumwe weshamwari dzake dziite saiye. Achizvikoshesa, shamwari yake inosimuka, asi anorambwa pakarepo.

Vabereki vemwenga vanorayira kuona mukuwasha wavo. Chikomba chechokwadi zvino chinosimuka, chichiita kuti pave nenyemwerero dzomufaro. Mhuri yemwenga inomubvumira kuti akumbanire murume wake, uyo anoisa ringi pachigunwe chake kana ringi ichirayirwa serutivi rwemari yeroora. Ringi chinhu chitsva chokuMabvazuva. Iyewo, anoisa ringi pachigunwe chake. Kukorokotedza nemufaro zvinozadza mhepo. Nokuda kwokupfavisa uye rutsuta, vamwe zvino vanobatanidza mutambo wokugogodza suo pamwe chete neroorano pazuva rimwe chete.

Mitezo ine ruzivo rwokuzviwanira yemhuri dzose dziri mbiri uye vamwe zvino vanogovera vachangobva kuchata zano pamaitire avanogona kuita kuti roorano yavo ibudirire kutozosvikira rufu rwavaparadzanisa. Kugumisa zuva racho nenzira inofadza, zvokudya zvakapfava zvinogoverwa.

Mutambo weroorano wapfuura! MuGhana, kubva pazuva iroro zvichienda mberi, vaviri vacho vanorangarirwa nenzanga sevakarooorana pamutemo. Kana nokuda kwechikonzero chakati, ipi neipi yemitezo mikuru yemhuri yemusikana ine chiremera isina kukwanisa kupinda mutambo wacho, zvimwe zvezvinwiwa zvakapiwa zvinotumirwa kwavari kusimbisa kupedzwa kweroorano. Kana mwenga nechikomba vari Zvapupu zvaJehovha, muzvimwe zviitiko Zvapupu zvacho zvinoronga ipapo kuti hurukuro yeBhaibheri ipiwe, nezvokudya zvakapfava pashure pacho.

MuGhana varoorani vanova nemutambo weroorano wokuMabvazuva, kuno unonzi roorano yamejasitiriti kana kuti muchato wehurumende. Uyu unogona kuitwa pane bvumiro yevabereki kana kuti pasina chero bedzi varoorani vane zera repamutemo. Muroorano yetsika bvumiro yevabereki ndichinodikanwa.

Muroorano yamejasitiriti varoorani vacho vanoita mhiko dzeroorano. Asi mhiko hadziitwi muroorano yetsika. Hurumende inoda kuti roorano dzose dzetsika dzinyoreswe, uye Zvapupu zvaJehovha zvinoteerera. (VaRoma 13:1) Ipapo gwaro rokunyoresa rinopiwa.

Kubvira munguva dzekare kutozosvikira Gold Coast, zvino yava Ghana, yava koroni yeBritain, roorano yetsika yakanga iri bedzi chimiro cheroorano munyika yacho. Ipapo vagari vekuBritain vakasuma muitiro weroorano wokuMabvazuva kuvagari vemo vavo vaigara kuno. Vagari vemo venyika ino vaibvumidzwawo kuita urwu rudzi rweroorano, uye kwemakore akawanda zvino, muitiro weroorano wokuMabvazuva uye roorano yetsika zvakavapo pamwe chete. MuGhana dzose dziri mbiri dzinobvumirwa pamutemo, nokudaro dzinogamuchirika kuZvapupu zvaJehovha. Kunotsamira pavanhu vamwe navamwe kusarudza kuti chimiro chipi chavanoshuva.

Mudzimwe nyika dzeAfrica, roorano dzetsika dzinofanira kunyoreswa varoorani vasati varangarirwa sevakaroorana pamutemo. MuGhana, zvisinei, roorano yetsika seyatsanangurwa pamusoro apa inoshanda pamutemo pasina kunyoresa, varoorani vacho vachirangarirwa sevakaroorana pamutemo apo roorano yetsika inopedzwa. Gare gare, roorano yacho yetsika inonyoreswa nokuda kwokuchengetwa kwezvinyorwa bedzi.

Roorano zvirokwazvo chipo chaMwari chorudo kurudzi rwomunhu, chipo chisingaenzaniswi icho kunyange ngirozi dzisina kupiwa. (Ruka 20:34-36) Ukama hunokosha hwakafanira kuchengeterwa rumbidzwo yeMuvambi wahwo, Jehovha Mwari.

[Mufananidzo uri papeji 14]

Ringi dzichinjinjanwa

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe