Chisimba Chinoitirwa Vakadzi—Dambudziko Riri Munyika Yose
NOVEMBER 25 iZuva Rinochengetwa Munyika Yose nechinangwa Chokupedza Chisimba Chinoitirwa Vakadzi. Zuva iri rakatangwa paGungano reSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose muna 1999 nechinangwa chokuti vanhu vose vazive kutyorwa kuri kuitwa kodzero dzevakadzi. Nei zvakanga zvakakodzera kutora danho iri?
Munyika dzakawanda vakadzi vanoonekwa uye vanobatwa sevanhu vakaderera kana kuti sevanhu venhando. Kusarurwa kwavanoitwa kwakadzika midzi. Chisimba chinoitirwa vakadzi munzira dzakasiyana-siyana idambudziko riri kuenderera mberi kunyange munyika dziya dzinonzi dzakapfuma. Maererano naKofi Annan aimbova Munyori Mukuru weUN, “chisimba chinoitirwa vakadzi chapararira munyika yose, uye chiri kuitwa nevanhu vemapoka ose. Vakadzi vanoitirwa chisimba pasinei nedzinza ravo, rudzi rwavo, kwavanobva, kwavakaberekerwa kana kuti zvavari.”
Radhika Coomaraswamy, aimbova Mutori Wenhau Anokosha weUN weDare reKodzero Dzevanhu rinoshora chisimba chinoitirwa vakadzi, anoti nokuda kwevakadzi vakawanda, chisimba chinoitirwa vakadzi “inyaya isingafaniri kutombotaurwa munzanga uye inonyadzisa iri kuitika muupenyu.” Nhamba dzakabudiswa nesangano rinoongorora nezvokushushwa kwevanhu muHolland dzinoratidza kuti 23 muzana yevakadzi vari mune imwe nyika yokuSouth America, kana kuti mumwe chete pavana, vanorohwa mumba. Saizvozvowo, Dare rokuEurope rinofungidzira kuti mumwe chete pavakadzi vana vokuEurope anotomborohwa mumba muupenyu hwake. Maererano neBritish Home Office, yokuEngland neWales, mune rimwe gore richangopfuura, paavhareji vakadzi vaviri vakaurayiwa vhiki imwe neimwe nevarume vavanogara navo kana kuti vavaimbogara navo. Magazini inonzi India Today International yakati “vakadzi vose vari muIndia, vanogara vachitya uye vanogona kungobatwa chibharo papi nepapi, mumugwagwa chero upi zvawo, munzvimbo ipi zvayo chero pane vanhu, paawa ipi zvayo.” Rimwe sangano rinonzi Amnesty International rinorondedzera chisimba chinoitirwa vakadzi nevasikana richiti “idambudziko riri kwose kwose rine chokuita nekodzero dzevanhu” riripo nhasi.
Zvataurwa pamusoro apa zvinoratidza maonero anoita Mwari vakadzi here? Mubvunzo uyu uchakurukurwa munyaya inotevera.