RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g12 April pp. 25-27
  • Kukwegura Hakutadzisi Munhu Kuti Atange Kuva Shamwari yaMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kukwegura Hakutadzisi Munhu Kuti Atange Kuva Shamwari yaMwari
  • Mukai!—2012
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuva Nomukurumbira Uye Kushanda Muhurumende
  • Zvinzvimbo Zvepamusoro Zvandakava Nazvo Muhurumende
  • Kutanga Kufarira Zvokunamata
  • Ndakava Netariro Mune Ramangwana
  • Ropafadzo Inokosha Yandakawana
  • Nzira yaJehovha Ndiyo Nzira Yakanakisisa Yokurarama
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Takatsunga Kushumira Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Makore 50 Ebasa Renguva Yakazara Pedyo neArctic Circle
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Mukai!—2012
g12 April pp. 25-27

Kukwegura Hakutadzisi Munhu Kuti Atange Kuva Shamwari yaMwari

Yakataurwa naOlavi J. Mattila

“Maizviziva here kuti munogona kuwana zivo yakarurama pamusoro poMusiki?” Mubvunzo uyu ndakaubvunzwa nemumwe weZvapupu zvaJehovha, uye wakaita kuti ndidzamise pfungwa. Panguva iyoyo ndakanga ndava nemakore anopfuura 80 uye ndaizivana nevamwe vaiva nemukurumbira avo vaisanganisira vatungamiriri mune zvematongerwo enyika. Asi nezera rangu zvaiita here kuti ndisvike pakunyatsoziva Mwari ndova shamwari yake?

NDAKABEREKWA muna October 1918 muHyvinkää, kuFinland. Ndichiri mudiki ndakatanga kuita mabasa akasiyana siyana epapurazi. Papurazi redu taiva nemombe, mabhiza, huku nemadhadha. Ndakadzidza kushanda nesimba uye kunakidzwa nebasa rangu.

Pandaikura, vabereki vangu vaindikurudzira kuti ndienderere mberi nechikoro. Saka pandakanga ndapedza chikoro, ndakatanga kuenda kukoreji asi ndakanga ndisingagari kumba. Ndakatanga kuitawo zvekumhanya uye ndakazivana nasachigaro werimwe sangano rezvemitambo reFinnish Athletic Association ainzi Urho Kekkonen. Ndakanga ndisingazivi kuti VaKekkonen vaizova mutungamiriri wemakurukota ehurumende kuFinland uye kuti vaizova mutungamiriri wenyika, zvinova zvinzvimbo zvavakava nazvo kwemakore anenge 30. Uyezve, handina kumbobvira ndazvifungira kuti vaizochinja upenyu hwangu.

Kuva Nomukurumbira Uye Kushanda Muhurumende

Muna 1939, hurumende yeFinland neyeSoviet Union dzakatanga kurwisana. Muna November gore iroro, ndakapinzwa muchiuto. Ndakatanga ndiri murayiridzi wemauto anenge akamirira kuti kana hondo yopisa agotumirwa, uye ndakazopedzisira ndava mutungamiriri wevanoshandisa zvigwagwagwa. Hondo iyi yakarwiwa panzvimbo inonzi Karelia, iri pamuganhu peFinland neSoviet Union. Muna 1941, patakanga tichirwa tiri pedyo nedhorobha rinonzi Vyborg, ndakakuvadzwa zvakaipisisa nezvimvarumvaru zvakavapo pakaputika mabhomba ndikabva ndaendeswa kuchipatara chemasoja. Handina kuzokwanisa zvekare kudzokera kuhondo nemhaka yokukuvara kwandanga ndaita.

Muna September 1944, ndakabviswa muchiuto ndikabva ndadzokera kukoreji. Ndakaendererawo mberi nokumhanya kwandaimboita. Katatu ndakaita shasha kudarika vamwe vose munyika, kaviri kacho ndamhanya inonzi relay, iya yokugamuchidzana chitanda, uye kamwe chete pataimhanya inonzi hurdle yokukwakuka zvinhu zvinenge zvakaiswa munzira. Ndakawanawo madhigirii maviri epayunivhesiti. Rimwe raiva rezvezvigadzirwa zvemazuva ano (technology) uye rimwe rezvekushandiswa kwemari (economics).

Panguva iyoyo, Urho Kekkonen akanga ava kuita zvematongerwo enyika uye ava nomukurumbira. Muna 1952, panguva yaaiva mutungamiriri wemakurukota, akandikumbira kuti ndinoshanda somumiririri kuChina. Ndiri ikoko ndakaonana nevamwe vashandi vemuhurumende kusanganisira aimbova mutungamiriri weChina VaMao Tse-tung. KuChina ikoko ndakasangana neimwe tsvarakadenga yakanditora mwoyo yainzi Annikki, yaishanda mubazi rinoona nezvekunze kwenyika rokuFinland. Takazoroorana muna November 1956.

Gore rakazotevera, ndakachinjwa kuti ndinoshandira kuArgentina semumiririri weFinland. Ikoko ndiko kwatakabereka vanakomana vedu vaviri. Takazodzokera kuFinland muna January 1960. Tichangosvika takava nemwana wechitatu, musikana.

Zvinzvimbo Zvepamusoro Zvandakava Nazvo Muhurumende

Kunyange zvazvo ndakanga ndisati ndambova mubato rezvematongerwo enyika, muna November 1963, mutungamiriri wenyika VaKekkonen akandikumbira kuti ndive gurukota rinoona nezvekutengeserana kunze kwenyika. Kwemakore 12 akazotevera, ndakashanda mumapazi matanhatu ehurumende ndiri gurukota, uye kaviri ndiri mubazi rinoona nezvekunze kwenyika. Makore iwayo ndaifunga kuti, kuti matambudziko evanhu apere zvinongoda munhu ane njere. Asi ndakatanga kuona madiro anoita munhu chinzvimbo uye kutonga vamwe. Ndakazvionera ndoga nhamo dzinokonzerwa nevanhu vasina kuvimbika uye vane godo.—Muparidzi 8:9.

Asiwo kune vamwe vandakaona kuti vanoedza nomwoyo wose kuita kuti zvinhu zvinake. Asi pasinei neizvi, vatungamiriri vanenge vaine vavariro yakanaka pakupedzisira vanozotadza kuzadzisa zvinangwa zvavo.

Muna 1975, vatungamiriri venyika 35 vakauya kuHelsinki kuti vazopinda musangano une chekuita nekuchengetedza runyararo unonzi Conference on Security and Cooperation in Europe. Mazuva iwayo ndakanga ndiri gurukota rinoona nezvekunze kwenyika uye ndiri chipangamazano waVaKekkonen. Ndakanzi ndironge mafambiro aizoita musangano uyu, uye ndakasangana nevatungamiriri venyika vose vakapinda musangano uyu.

Mumazuva mashoma iwayo ndakashamisika neunhu hwairatidzwa nevatungamiriri ava. Chimwe chavainetsanirana macheya okugara! Asi, ndakaona sokuti musangano uyu nemimwe yakazoitwa yokuona kuti zvakanga zvataurwa pamusangano wekutanga zviri kuitwa here zvakatombobatsira pakuvandudza kodzero dzevanhu uye kunzwanana pakati penyika.

Kutanga Kufarira Zvokunamata

Muna 1983, ndakarega basa ndokubva ndaenda kunogara kuFrance kwaiva nemwanasikana wangu. Gare gare takazowirwa nedambudziko rakakura. Muna November 1994, mudzimai wangu Annikki akabatwa kenza yemazamu. Gore iroro, ndakapinda muurongwa hwokuita mari nevanhu vainge vasina kutendeseka ndisingazvizivi. Kweupenyu hwangu hwose ndakanga ndashanda nesimba kuitira kuti ndive nemukurumbira wakanaka. Chikanganiso chandakaita ichi pakusarudza vokushanda navo chakashatisa mukurumbira wangu.

Upenyu hwangu hwose ndaigara ndichionana neZvapupu zvaJehovha. Ndaifarira chaizvo basa ravaiita uye ndaitora mabhuku avaindipa, asi nguva yokuti ndigare pasi ndakanga ndisina. Muna 2000 mudzimai wangu anga achiri kurwara. Rimwe zuva muri muna September 2002, ndakashanyirwa nemumwe weZvapupu zvaJehovha. Akandibvunza mubvunzo uri patangira nyaya ino. Ndakazvibvunza kuti: ‘Chokwadi zvinoita here kuti ndizive nezvaMwari? Zvingaita here kuti ndive shamwari yaMwari?’ Ndakatsvaga Bhaibheri rangu, iro rakanga rava neguruva nepamusana pokusashandiswa, uye ndakanga ndava kugara ndichikurukura neZvapupu nyaya dzeBhaibheri.

Mudzimai wangu wandaida akashaya muna June 2004, uye ndakabva ndasara ndiri pachena. Asi vana vangu vaindinyaradza chaizvo. Kunyange zvakadaro ndakanga ndichine mibvunzo yokuti chii chinomboitika patinofa. Ndakabvunza vakuru vaviri vechechi yeLutheran nezvenyaya iyi. Vakangondipindura kuti, “Unoziva, iyi mibvunzo yakaoma.” Mhinduro yavo haina kumbondigutsa. Ndipo pandakava neshungu dzokuda kuziva zvakawanda nezveBhaibheri.

Pandakaramba ndichidzidza Bhaibheri neZvapupu, ndakatanga kuwedzera kunzwisisa zvinhu zvandaiva neshungu nazvo. Chimwe chacho ndechokuti, Bhaibheri rinotsanangura kuti rufu rwakafanana nokurara uye mufi hapana chaanenge achaziva, uye kuti vakafa vane tarisiro yokuzomutswa voraramazve pano panyika. (Johani 11:25) Izvi zvakandipa tariro uye zvakandinyaradza chaizvo.

Ndakabva ndangotanga kuverenga Bhaibheri rose. Rugwaro rwakandibaya mwoyo ndiMika 6:8, runoti: “Jehovha anodei kwauri kunze kwokuti ururamisire, ude mutsa uye uve nomwero pakufamba naMwari wako?” Pfungwa iyi yakajeka uye inoratidza uchenjeri yakandifadza. Yakandiratidza kuti Jehovha ndiMwari akanaka uye ane rudo.

Ndakava Netariro Mune Ramangwana

Pandaidzidza chokwadi pamusoro paMwari, kutenda kwangu uye chivimbo changu maari zvakawedzera. Ndainyatsonzwa ukama hwangu neMusiki huchisimba! Ndakafadzwa nemashoko ake ari pana Isaya 55:11 okuti: “Ndizvo zvichaita shoko rangu rinobuda mumuromo mangu. Harizodzoki kwandiri risina zvaraita, asi richaita zvandinofarira, uye richabudirira pane zvandinoritumira.” Zvose zvakavimbiswa naMwari zvakazadziswa uye ndizvo zvaachaita mune ramangwana. Achaita kuti chinangwa chakatadza kuzadziswa nehurumende dzevanhu uye masangano ezvematongerwo enyika chizadzike. Somuenzaniso, Pisarema 46:9 inoti: “Anogumisa hondo kusvikira kumugumo wenyika.”

Kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha kwakandibatsira chaizvo. Pandakapinda misangano iyi ndakazvionera ndoga runonzi rudo rwechokwadi rwakanzi naJesu ndirwo runofanira kuratidzwa nevateveri vake vechokwadi. (Johani 13:35) Rudo urwu harusi rwokungoda vanhu vedzinza rako kana kuti vaunoziva chete uye haruwaniki mune zvematongerwo enyika uye mune zvemabhizimisi.

Ropafadzo Inokosha Yandakawana

Iye zvino ndine makore anopfuura 90, uye pane zvose zvandakaita muupenyu, kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha ndicho chinhu chinokosha kwandiri. Chido changu chokunamata chakazadziswa. Ndava kuziva chinangwa choupenyu uye chokwadi nezvaMwari.

Chinondifadzawo ndechokuti kunyange iye zvino ndakwegura kudai ndinokwanisa kupinda misangano uye kuenda kunoparidzira. Kunyange zvazvo ndakazivana nevanhu vane zvinzvimbo zvepamusoro uye ndakaita mabasa makuru muupenyu, hapana chandingaenzanisa nokuziva Musiki, Jehovha Mwari uye kuva shamwari yake. Ndinotenda Mwari uye ndinoda kumurumbidza nokundipa mukana wokuti ndive mumwe we“vashandi pamwe chete” naye. (1 VaKorinde 3:9) Kukwegura hakutadzisi munhu kuti atange kuva shamwari yoMusiki, Jehovha Mwari!

[Mufananidzo uri papeji 26]

Ndiine mutungamiriri wenyika VaKekkonen uye mutungamiriri weU.S.A. VaFord pamusangano wekuHelsinki muna 1975

[Mufananidzo uri papeji 26]

Ndiine mutungamiriri wenyika VaKekkonen uye mutungamiriri weSoviet VaBrezhnev

[Mufananidzo uri papeji 27]

Ndine zvakawanda zvandinokwanisa kuita semuKristu

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 26]

Pazasi nechokuruboshwe: Ensio Ilmonen/Lehtikuva; pazasi nechokurudyi: Esa Pyysalo/Lehtikuva

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe