RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 7
  • Murume Akashinga

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Murume Akashinga
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • “Akanga Anyatsofadza Mwari”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
  • Enoki—Aisatya Pasinei Zvapo Nezvinetso Zvose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Enoki Akafamba naMwari Munyika Isingadi Mwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Famba naMwari Munguva Ino Inonetsa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 7
Enoki

NHAU 7

Murume Akashinga

VANHU zvavakavamba kuwanda papasi, uzhinji hwavo hwakaita zvinhu zvakaipa saKaini. Asi mumwe murume aiva akasiyana. Ndiye murume uyu ainzi Enoki. Enoki aiva murume akashinga. Vanhu vakamupoterera vaiita zvinhu zvakashata kwazvo, asi Enoki akangopfuurira kubatira Mwari.

Mumazuva aEnoki, mumwe murume anouraya mumwe

Unoziva here kuti nei vanhuvo panguvayo vaiita zvinhu zvizhinji kwazvo zvakaipa? Eya, funga, Ndianiko akasakisa Adhama naEvha kusaterera Mwari ndokudya muchero wakanzi naMwari havafaniri kudya? Yaiva ngirozi yakaipa. Bhaibheri rinoiidza kuti Satani. Uye ari kuedza kuti ari wose ave akaipa.

Vanhu vakaipa vemumazuva aEnoki vari kurarama upenyu hwakaipa

Rimwe zuva Jehovha Mwari akaita kuti Enoki azivise vanhu chimwe chinhu chavasina kuda kunzwa. Ndeichi: ‘Pane rimwe zuva Mwari achaparadza vanhu vose vakaipa.’ Zvimwe vanhu vakatsamwa zvikuru kunzwa izvi. Vangatove vakaedza kuuraya Enoki. Saka Enoki aitoda kuva akashinga kuzivisa vanhu nezvechaizoitwa naMwari.

Mwari haana kurega Enoki achigara nguva refu pakati pavanhuvo vakaipa. Enoki akararama makore 365 bedzi. Neiko tichiti “makore 365 bedzi”? Nokuti vanhu mumazuvawo vanga vakasimba zvikuru kupinda zvino uye vairarama nguva refu kwazvo. Idika, mwanakomana waEnoki Metusera akararama makore 969!

Eya, Enoki afa, vanhu vakangoramba vachiipisisa. Bhaibheri rinoti ‘chiri chose chavaifunga chakanga chakashata nguva yose,’ uye kuti ‘pasi rakazadzwa namasimba masimba.’

Unoziva here chimwe chezvikonzero nei papasi paiva nechinetso chikurusa mumazuvawo? Imhaka yokuti Satani akanga ane nzira itsva yokuita kuti vanhu vaite zvakaipa. Tichadzidzazve pamusoro payo.

Genesisi 5:21-24, 27; 6:5; Hebheru 11:5; Judha 14, 15.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe