RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 77 p. 182-p. 183 ndim. 2
  • Mukadzi Aiva Patsime

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mukadzi Aiva Patsime
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Kudzidzisa Mukadzi wokuSamariya
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Nomukadzi Patsime
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mvura Inowanisa Upenyu Husingaperi
    Mukai!—2009
  • Zvinorevei Kuva “muSamariya Akanaka”?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 77 p. 182-p. 183 ndim. 2
Jesu ari kutaura nemukadzi muSamariya patsime raJakobho

CHIDZIDZO 77

Mukadzi Aiva Patsime

Papera nguva yakati kuti kubva pakaitwa Paseka, Jesu nevadzidzi vake vakapfuura nemuSamariya pavaidzokera kuGarireya. Vava pedyo neguta reSikari, Jesu akambomira panzvimbo yainzi tsime raJakobho kuti azorore hake. Panguva iyoyo, vadzidzi vake vakapinda muguta kuti vanotenga zvekudya.

Mumwe mukadzi akabva auya kutsime racho kuzochera mvura. Jesu akati kwaari: “Ndipewo mvura yekunwa.” Iye akabva ati: ‘Muri kutaurirei neni? Ndiri mukadzi muSamariya. VaSamariya havataudzani nevaJudha.’ Jesu akamuti: ‘Kudai waziva kuti ndini ani, ungadai wandikumbira mvura uye ndaizokupa mvura inopa upenyu.’ Mukadzi wacho akabvunza kuti: ‘Muri kurevei? Apa hamuna kana chekucheresa mvura.’ Jesu akati: ‘Munhu wese anonwa mvura yandinomupa haazombovizve nenyota.’ Mukadzi wacho akati: ‘Changamire, ndipeiwo mvura iyoyo.’

Jesu akazoti kwaari: ‘Enda unotora murume wako uuye naye kuno.’ Iye akati: ‘Handina murume ini.’ Jesu akati: ‘Wataura chokwadi, nekuti wakaroorwa ka5 uye murume wauri kugara naye iye zvino haasi wako.’ Mukadzi wacho akati: ‘Muri muprofitaka imi! Vanhu vekwedu vanotenda kuti tinogona kunamata Mwari mugomo iri, asi vaJudha vanoti muJerusarema ndimo chete munofanira kunamatirwa nevanhu. Ndinoziva kuti kana Mesiya auya ndiye achatidzidzisa manamatiro atinofanira kuita.’ Jesu akabva audza mukadzi wacho zvaakanga asati amboudza mumwe munhu zvekuti: ‘Ndini Mesiya wacho.’

Jesu ari kutaura nevaSamariya

Mukadzi wacho akamhanyira muguta raaigara akaudza vaSamariya kuti: ‘Ndinofunga kuti munhu wandaona uko ndiye Mesiya. Hapana chaasingazivi nezvangu. Huyai mumuone!’ Vanhu vacho vakamutevera kutsime uye vakatanga kuteerera zvaidzidziswa naJesu.

VaSamariya vakakumbira Jesu kuti ambogara muguta ravo. Akagara muguta racho kwemazuva maviri achivadzidzisa uye vazhinji vakatenda maari. Vakaudza mukadzi uya muSamariya kuti: ‘Nezvatanzwa zvichitaurwa nemurume uyu, tava kuziva kuti ndiye chaiye muponesi wenyika.’

“‘Uya!’ uye munhu wese ane nyota ngaauye; munhu wese anoda ngaatore mvura yeupenyu asingatengi.”—Zvakazarurwa 22:17

Mibvunzo: Nei mukadzi muSamariya akashamisika paakaona Jesu achitaura naye? Jesu akamuudza kuti chii?

Johani 4:1-42

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe