Pwere—Muchakunda Muedzo Woruvimbiko rwechiKristu Here?
“HAMUFUNGI nezvomufambiro woutere sokusavimbika. Muri kungofara zvenyu. Chokwadi, munoziva kuti kana vabereki venyu kana kuti vakuru vakawana, kungaparira rusuruvaro nezvinetso zvakawanda. Asi apo munenge muchifara, munongovharira zvenyu mifungo iyoyo kunze.”
Murume muduku achangobva kunokorwa mashoko akanga apfuuridzira muitiro wapachivande woufeve. Akararama upenyu huviri, achinyengera vabereki vake neungano yechiKristu. Aisaziva panguva yacho kuti akanga achikundikana muedzo woruvimbiko rwechiKristu.
Zviuru zvepwere dzechiKristu zvakakundikana miedzo yakafanana yoruvimbiko. Uye hakushamisi! Chokwadi, Satani Dhiabhorosi ari ‘kurwa hondo’ navanhu vaMwari, achiita zvose zvaanogona kupunza perero yavo. (Zvakazarurwa 12:17) Zvikurukuru iye akaita pwere chipfuro cha“mabasa [ake] amanomano.” (VaEfeso 6:11, Kingdom Interlinear) Nokudaro kunoda nhamburiko chaiyoiyo nokutsunga kuramba wakavimbika.
Ruvimbiko chii chaizvo? MuMagwaro echiHebheru, shoko romutauro wapakuvamba nokuda kwo“ruvimbiko” rinoratidzira batano yorudo kumunhu nedonzo mundangariro. (Pisarema 18:25) Harirondedzeri chisungo chisina kusimba icho chinogona kudamburwa nyore nyore asi batano inoramba yakasimba kutozosvikira donzo rayo pamusoro pomunhu iyeyo razadzikwa. MuMagwaro echiGiriki, shoko romutauro wapakuvamba nokuda kwo“ruvimbiko” rine mufungo woutsvene, kururama, kana kuti ruremekedzo.
Ruvimbiko nokudaro runobatanidza ukama hwakarurama naMwari. VaEfeso 4:24, (NW) inotiudza kuti “pfekai hunhu hutsva hwakasikwa . . . mukururama kwechokwadi noruvimbiko.” Iwe unoda kuva akavimbika kuna Jehovha here? Ipapo unofanira kusakurira batano yokuvimbika kwaari, chisungo chisingadambuki, kutsunga kumufadza munzira dzako dzose. Unofanira kunamatira kumipimo yakarurama yaJehovha—pasinei zvapo nokuti kuita neimwe nzira kungaedza sei!
Dzvinyiriro Dzokuva Asina Kuvimbika
Nenzira inorumbidzwa, vanhu vaduku vazhinjisa vari pakati peZvapupu zvaJehovha vari kuvavarira kuramba vakavimbika, uye vanofarikanya hana yakachena somuuyo. Muapostora Pauro kunyanguvezvo akaporofita kuti mukati ma“mazuva okupedzisira,” kusavimbika kwaizoratidzira vanhu vose zvavo. (2 Timotio 3:1, 2) Nenzira ine ngwavaira, dzimwe pwere dzechiKristu dzakabvumira iyi nyika isina kuvimbika ku‘dzimanikidzira muchimiro chayo imene.’ (VaRoma 12:2, Phillips) Satani akaita sei ikoku?
Dzvinyiriro yavaenzani chishandiswo chimwe chinobudirira chaSatani. Vanhu vazhinjisa vanoda kufungwa zvakanaka nezvavo navamwe, uye Satani anoziva nzira yokushandisa nayo ichi chishuvo chomuzvarirwo. Dzichida kurangarirwa sedzomuzvarirwo, dzimwe pwere dzechiKristu dzakapinda mukurukurirano isina kunaka, mufambiro woutere, kusvuta, udhakwa—kunyange kushandisa mirimo zvisina kunaka—zvose mufariro dzokugamuchirwa navaenzani vadzo.
Satani anoda kuti ‘tizvibate timene mutsinhirano nezvishuvo zvenyama yedu, tichiita zvinhu zvinodiwa nenyama.’ (VaEfeso 2:3) Iye anosanoziva kuti sundo yechishuvo chevatano inogona kuva yakasimba sei mukati mo“kukura kwepwere.” (1 VaKorinte 7:36, NW) Uye iye anoda kuti utere kuzvishuvo izvozvo. Dzimwe pwere dzechiKristu dzisingazivi dzinotambira mumaoko ake kupfurikidza nokuona mabhuku outere, mabhaisikopo, uye mavhidhiyo kana kuti kupfurikidza nokushandisa bonhora. Izvi zvinhu, zvinowanzotungamirirawo kuzviito zvakakomba zvokusavimbika. Ko nyika yaSatani yakaku‘manikidzira muchimiro chayo’ mudzimwe dzeidzi nharaunda here?
Kurarama Upenyu Huviri
Nepo kuita chakaipa chakakomba chakadai soufeve kuri makuri kumene nhau yakakomba zvikuru, dzimwe pwere dzinoomesa zvitambudzo zvadzo. Ivo vakafanana na“vanhu venhema,” vanotaurwa nezvavo paPisarema 26:4, “vanyengeri.” Pwere dzakadaro dzinorarama upenyu huviri, dzichiita nenzira imwe dziri muboka ravabereki vadzo kana kuti mamwe maKristu akakura mumudzimu uye imwe nzira dziri muboka ravaenzani vadzo.
Kurarama upenyu huviri, zvisinei, kuzvikunda uye kune ngozi. Zviito zvakaipa zvisingadzorwi kunodokuva nguva dzose zvinotungamirira kuzvimwe zviito zvakaipa. Uye nepo hana yomunhu ingatambudzwa pakutanga, kana munhu akapfuurira kwenguva refu muchakaipa, hana yake ichaita zvishomanene kuchakaipa. Munhu anga‘rega kunzwa marwadzo’ chaizvoizvo pamusoro pokuita chakaipa.—VaEfeso 4:19, Kingdom Interlinear.
Paiyi nguva kunova kwakaoma zvikuru kureurura chakaipa chako ndokuwana betsero. Ikoku kwakadaro zvikurukuru kana dzimwe pwere dzechiKristu dzichibatanidzwa muchakaipa. Pfungwa yakaipa yoruvimbiko inowanzokurira. Pwere yanokorwa mashoko pakutanga yakatsanangura, kuti: “Unoziva chauri kuita, uye unoziva kuti chakaipa. Kuti vamwe vanhu vanobatanidzwa varege kupinda muchinetso, unobvuma kusaudza munhu upi noupi.”
Asi nepo munhu anga‘vanza zvaari’ kuvabereki vake kana kuti ungano, haagoni kuvanda Jehovha. “Hakune chisikwa chisingaonekwi naye, asi zvinhu zvose zvakafukurwa nokuzarurwa pameso aiye watinofanira kuzvidavirira kwaari.” (VaHebheru 4:13) Bhaibheri rinotipikira, kuti: “Unofukidza kudarika kwake, haangavi nomufaro.” (Zvirevo 28:13) Pashure penguva yakati chakaipa chicharatidzirwa. Munhu haambogoni kushainira Jehovha. Zvirevo 3:7 inoti: “Usazviti wakachenjera; itya Jehovha, ubve pane zvakaipa.” Yeukawo, kuti “meso aJehovha ari pose pose; achicherekedza vakaipa navakanaka.”—Zvirevo 15:3.
Pwere yadudzwa kare, pamwe chete navamwe vanoverengeka vakabatanidzwa muchakaipa chakavandika, yakawanwa, uye iyo neshamwari dzayo vaitofanira kudzingwa muungano yechiKristu. Ivo gare gare vakanaya mumudzimu uye vakadzorerwa. Zvisinei, inzira yakaoma zvakadini yokudzidza nayo revo yoruvimbiko!
‘Kururamisa Zvinhu’ naMwari
Zvakadiniko kana munhu akatobvumikisa kuva asina kuvimbika munzira yakati, zvichida kupfurikidza nokuita chiito chakaipa? Kuri nyore kuzvinyengera umene ndokuramba kudikanwa kwokururamisa zvinhu. Imwe pwere iyo yakapinda pachivande muufeve yakati: “Ndakawedzera ushumiri hwangu hwomumunda, ndichifunga kuti ikoku nenzira yakati kwaizofukidza chakaipa chacho.” Rudzi rwakasindimara rwaIsraeri nenzira yakafanana rwakaedza kunyaradza Jehovha nezvibairo. Asi Jehovha akaramba kuzvipira kwokunyengera kwakadaro. Iye akavakurudzira, kuti: “Shambai, muzvinatse; bvisai zvakaipa zvamabasa enyu pamberi pangu; regai kuramba muchiita zvakaipa.” Jehovha aizogamuchira zvibairo zvavo bedzi pashure pokunge va‘ruramisa zvinhu naye.’ Zvimwe chetezvo ndezvechokwadi nhasi nokuda kwavapi navapi vangabatanidzwa muchakaipa.—Isaya 1:11, 15-18.
Munhu haagoni kururamisa zvinhu naJehovha nokungotaura zvakavanzika bedzi kumuenzani. Kutanga, vaenzani nguva dzose havasati vachipa betsero yakanakisisa, sezvo kazhinji kazhinji ivo vakaganhurirwa zvakaenzana muruzivo rwokuzviwanira muupenyu. Zvinokosha zvikuru, ivo havagoni kukanganwira chivi chako. Mwari bedzi anogona kuita izvozvo. Naizvozvo “durura mwoyo wako” kwaari mureururo. (Pisarema 62:8, NW) Kunyange zvazvo unganyadziswa zvikuru nomufambiro wako, iva nechokwadi chokuti Jehovha ano‘kanganwira zvikuru.’—Isaya 55:7.
Uchada betsero yokuwedzera. “Ita kuti vabereki vako vazive, ita kuti vakuru vazive nokukurumidza—pamavambo chaipo,” anopa zano kudaro mumwe muKristu muduku uyo akabetserwa nebetsero yakadaro. Hungu, vabereki vako zvimwe vanokwanisa zvakanaka kukubetsera. “Ipa mwoyo wako” kwavari, kuvaita kuti vazive tambanuko yakazara yezvinetso zvako. (Zvirevo 23:26, NW) Ivo vanogona kuronga kuti ugamuchire imwe betsero kuvakuru veungano apo ikoko kunenge kuri madikanwa.—Jakobho 5:14, 15.
Kuratidzira Ruvimbiko Rwechokwadi—Seiko?
Chokwadika, kwaizova kwakanakisisa kusatongowira mumufambiro wokusavimbika pakutanga. Pisarema 18:25 (NW), rinotiudza, kuti: “Nomumwe munhu akavimbika [Jehovha] muchaita noruvimbiko; nomunhu asina mhaka, akasimba muchabata nenzira isina mhaka.” Jehovha anokomborera zvikuru avo vanochengeta nenzira yokuvimbika mipimo yakakwirira yomufambiro.
Kune dzimwe nzira, kunyanguvezvo, umo ruvimbiko rwako rungaedzwa. Somuenzaniso, ngatitii shamwari yako yatanga panzira yokusindimara. Ucharega here ruvimbiko rwakaipa kushamwari iyoyo ruchifukidza ruvimbiko rwako kuna Jehovha? Chinhu chorudo chokuita kwaizova kusvika shamwari iyoyo ndokuikurudzira kushuma nhau yacho kuvabereki vake kana kuti kuvakuru. Udza shamwari yako kuti kana asingaiti saizvozvo munhambo ine mufungo yenguva, uchafanira kuita saizvozvo iwe umene. Zvirevo 27:5 inoti: “Kurairwa pachena kunopfuura rudo rwakavanzwa.” Kupfurikidza nokubatsira shamwari yako neiyi nzira, unoratidzira kwete bedzi uchokwadi hwoushamwari hwako asiwo ukuru hworuvimbiko rwako kuna Jehovha.
Upi kana upi uri muedzo, simba rokuratidzira ruvimbiko rinobva mukuva noukama hwomunhu oga hwakasimba naJehovha. Munyengetero une revo nefundo yomunhu oga yokushingaira zvinokosha kana tichizofarikanya ukama hwakadaro. Nenzira inofadza, pwere dzose dzinokanganisa dzadudzwa pakuvamba dzakabvuma kuti minyengetero yadzo netsika dzefundo yomunhu oga zvakanga zvava zvomuitiro—uye pashure penguva yakati hazvina kuvapo. Jehovha akarega kuva chaiyeiye kwavari, uye mufambiro usina kuchena wakakurumidza kutevera. Ko iwe, kupfurikidza nomunyengetero nefundo yomunhu oga, uri kusimbisa here ukama hwako naJehovha kuti urambe wakavimbika?
Chokwadi, padzimwe nguva ungashamisika kana uri kurasikirwa nokuva nenguva yakanaka. “Pane dzimwe nguva kunoratidzika sokunge vanhu venyika vari kufara,” akadaro mumwe mukadzi muduku. “Asi apo unobatwa mumugariro wakati, unogona kuona kuti hakusati kuchitongova kufara.” Iye akataura kubva muruzivo rwokuzviwanira, achiva akapinda muutere hwevatano, kuchiguma napamuviri nokubvisa pamuviri. “Kuva muzvokwadi idziviriro,” iye zvino anodaro—chidzidzo chaakadzidza nenzira yakaoma. Pisarema 119:165 rinotiyeuchidza kuti “vanoda murau [waMwari] vano rugare rukuru.”
Naizvozvo, ita unani hwako kuti urambe wakavimbika. Shanda pakuvaka ukama husingaperi naJehovha. Venga chiri chakashata uye namatira kuchiri chakanaka. (VaRoma 12:9) Pisarema 97:10 (NW), rinotiudza, kuti: “Haiwa imi vadi vaJehovha, vengai chiri chakashata. Iye anodzivirira mweya yavakavimbika vake; anovanunura muruoko rwavakaipa.” Hungu, sepwere yechiKristu, uchabetserwa nedziviriro yaJehovha ndokufarikanya upenyu husingagumi kana ukakunda muedzo woruvimbiko rwechiKristu.