RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 8/1 p. 24
  • “Paimba Neimba”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Paimba Neimba”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Mashoko Akafanana
  • Dzidzisa Pachena Uye Paimba Neimba
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • “New World Translation”—Younyanzvi Uye Yakatendeseka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Kupupurira Paimba Neimba
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Chinhu Chitsva Kuvanoda Shoko raMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 8/1 p. 24

“Paimba Neimba”

“ZUVA riri rose mutembere napaimba neimba vakapfuurira vasingaregi kudzidzisa nokuzivisa mashoko akanaka pamusoro paKristu, Jesu.” (Mabasa 5:42, NW) Zvapupu zvaJehovha zvinowanzoshandisa rugwaro irworwu nourwo rwuri pana Mabasa 20:20 kuti zvibvumikise hwaro hwapaMagwaro hwebasa razvo rokuparidzira pasuo nesuo. MuGermany, zvisinei, vamwe vatsoropodzi veZvapupu zvaJehovha vakadenha nzira iyo New World Translation inoshandura nayo ndima idzodzi, vachitaura kuti inokwenengera chiGiriki chapakuvamba.

Kutaura kwakadaro kwakanaka here? Nyangwe. Kutanga, dzinenge shanduro dzimwe nhanhatu dzeBhaibheri dzechiGermany dzinoshandura ndima idzodzi nenzira yakafanana. Pakati padzo pane Zürcher Bibel yakahwirudzurwa ne“New Testaments” rakanyorwa naRupert Storr, Franz Sigge, uye Jakob Schäfer (rakahwirudzurwa naN. Adler). Shanduro dzakawanda dzechiNgezi dzinobvuma.

Nyanzvi yeGermany Hans Bruns inoruramisa shanduro yayo, “paimba neimba,” pana Mabasa 5:42, ichiti: “Mukuwirirana norugwaro rwapakuvamba, kunoratidzika sokunge vaienda paimba neimba.” Hungu, katʼ oiʹkon, kutaura kwapakuvamba murugwaro irworwu, hakushandiswi mupfungwa yokurondedzera (“pamusha”) asi mupfungwa yokuparadzira, zvichireva chaizvoizvo kuti “mukuwirirana neimba.” (Chimiro chezvakawanda, katʼ oiʹkous, kureva kuti “mukuwirirana nedzimba,” kunowanwa pana Mabasa 20:20.) Dzimwe nyanzvi, dzakadai saHeinz Schürmann, dzinotsigira kushandurwa kwokuparadzira kwamashoko iwaya. Horst Balz naGerhard Schneider, vabudisi veduramashoko rinotsanangura Testamente Itsva, vanotaura kuti kutaura ikoku kunogona kushandurwa kuti “imba pashure peimba.” Chiverengero chakati chamabhuku enongedzero echiNgezi chinotsanangurawo ndima iyoyi nenzira yakafanana.

Zvakare, ipapoka, New World Translation yadzivisa denho dzavatsoropodzi. Chinokosha zvikuru, zviri pachena kuti pane hwaro hwakasimba hweBhaibheri nokuda kwoushumiri hwapaimba neimba. (Enzanisa naMateo 10:11-14; 24:14.) Zvapupu zvaJehovha zvakaropafadzwa kutevedzera vabiyazvo vomuzana rokutanga ramakore muna ikoku.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe