Mibvunzo Inobva Kuvaravi
◼ Izanoi guru iro Zvirevo 27:23 iri kugovera kuvafudzi vomudzimu pamwe chete nokumaKristu ose zvawo?
Ndima yacho inorava, kuti: “Shingaira uzive kuti makwai ako akadini; uchengete zvakanaka mapoka ako.” (Zvirevo 27:23) Urwu rugwaro rwakashandiswa kazhinji kazhinji kukurudzira vafudzi vomudzimu kuratidza fariro nokurovedzana nomugariro nezvinetso zvamaKristu ari muungano. Kurudziro yakadaro yakafanira, sezvo Bhaibheri richifananidza vakuru navafudzi uye ungano neboka ramakwai. (Mabasa 20:28, 29; 1 Petro 5:2-4) Bva, kunyange zvazvo nheyo iri pamusoro apa ichishanda, iyi ndima haisati iri zvikurukuru pamusoro pavafudzi vomudzimu.
Bhuku raZvirevo rine ndima zhinji idzo dzinomira dzoga sokutaurwa kupfupi kwezano, asi Zvirevo 27:23 rutivi rweboka rendima dzacho: “Shingaira uzive kuti makwai ako akadini; uchengete zvakanaka mapoka ako. Nokuti pfuma haigari nokusingaperi; ko korona inogara kusvikira kumarudzi ose here? Uswa hunoenda, bumhudza ndokubuda, nemirivo yamakomo inounganidzwa. Makwaina anokuvigira zvokufuka zvako, uye mbudzi ndiwo mutengo weminda. Mukaka wembudzi ucharingana zvokudya zvako, nezvokudya zveimba yako, nokuraramisa vasikana vako.”—Zvirevo 27:23-27.
Ichi chikamu chakafuridzirwa chinorumbidza kuva namararamire anoratidzirwa nokushingaira, kushanda zvakaoma, rupfave, uye kuziva kutsamira kwedu pana Jehovha. Chinoita ikoku kupfurikidza nokusimbisa upenyu hwokufudza hwomufudzi wechiIsraeri, zvichida mukusiana noupenyu hwokuzviratidzira hwakavakirwa pakubata kwebhizimisi nokuda kupfuma nokukurumidza.
“Pfuma,” kana kuti upfumi hunowanwa muzvinoitika zvokukurumidza zvebhizimisi, nomugumo woutanhamari (“chiremera”), inogona kunyangarika nenzira iri nyore, sokupupurira kuchaita vazhinji. Nokudaro pane zvakawanda zvokutaura nokuda kwoupenyu hwakapfava, hwakadai sohwakateverwa navafudzi vekare mukutarisira makwai. Mararamire iwayo akanga asina kupfava mupfungwa yokuva anoita madiro. Mufudzi aifanira kupa ngwariro kuboka rake, achiva nechokwadi chokuti makwai akadzivirirwa. (Pisarema 23:4) Kana, mukuapa ngwariro, akawana gwai rairwara kana kuti rakakuvara, angarizodza namafuta anonyaradza. (Pisarema 23:5; Ezekieri 34:4; Zekaria 11:16) Muzvinoitika zvizhinjisa mufudzi anoshingaira uyo anoisa mwoyo wake kumapoka ake aizoona nhamburiko dzake dzichiva nemiuyo—wedzero yapashoma napashoma yeboka rake.
Mufudzi anoshanda zvakaoma naanongwarira aiva namanyuko anovimbika ebetsero—Jehovha. Seiko? Eya, Mwari anogovera mwaka nenguva izvo kazhinji kazhinji zvinoguma nouswa hwakakwana hungagona kudyisa makwai. (Pisarema 145:16) Apo, nechinjo dzemwaka, uswa hwakasvibira hunonyangarika munharaunda dzakaderera, hungava hwakawanda munzvimbo dzakakwirira, uko mufudzi anongwarira aigona kuendesa mhuka dzake.
Zvirevo 27:26, 27 inodudza muuyo mumwe webasa rakadaro—zvokudya nezvokupfeka. Sezvinobvumwa, rondedzero yacho haisati iri yezvokudya zvokunyanyisa kana kuti makaro ezvakanakisisa, uyewo haipi mushandi chikonzero chokukarira zvipfeko mumagadzirirwe azvino uno akaitwa nomugadziri kana kuti jira rakaisvonaka. Asi kana akanga achidisa kuita nhamburiko, mufudzi nemhuri yake vaigona kuwana kumukaka wamakwai (uye nokudaro chizi), pamwe chete neshinda yokurukisa nguvo dzakasimba.
Naizvozvo pangiro yokuti: “Shingaira uzive kuti makwai ako akadini” haisati zvikurukuru iri nokuda kwavafudzi vomudzimu; ndeyamaKristu ose. Inosimbisa ukoshi hwokuva kwedu vanogutsikana nezvokudya nezvokupfeka zvinowanwa nebasa rakatsiga, rokushingaira, tichivimba kuti Mwari haasati achizotisiya. (Pisarema 37:25; 2 VaTesaronika 3:8, 12; VaHebheru 13:5) Tichienzanisa Zvirevo 27:23-27 nezano riri pana Ruka 12:15-21 na 1 Timotio 6:6-11, tinoona kuti zano raMwari rave riri renguva dzose sei paiyi nhau. Naizvozvo mumwe nomumwe wedu angaravazve Zvirevo 27:23-27, achizvibvunza amene kuti, ‘Ndiri kufungisisa irori nokurishandisa muupenyu hwangu hwezuva nezuva here?’
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 30]
Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.