Mupi We“chipo Chiri Chose Chakanaka”
“Pane imwe nhambo ndakashanyirwa nomumwe mufundisi wechechi yeReformed. Aida kuziva kuti ndaitarisira sei chechi yangu. Ndakati kwaari: . . . ‘Hatibhadhari miripo; hakuna chinhu chokuita kuti vanhu vakakavare. Hatitongounganidzi mipiro.’ ‘Munowana sei mari yacho?’ akabvunza kudaro. Ndakapindura kuti, ‘Zvino, Dr.——, kana ndikakuudzai iri zvokwadi yakapfava zvikurusa hamusati muchizotongokwanisa kuidavira. Apo vanhu vanofarira neiyi nzira, havawani ndiro yokuunganidzira mipiro inopfuudzwa pavari. Asi vanoona kuti kune ndyiko. Vanoti kwavari vamene, “Iyi horo inoda chimwe chinhu. . . . Ndinogona sei kupa mari shomanene kuiri basa?”’ Akatarira kwandiri sokunge aifunga kuti, ‘Unofunga kuti ndiri chii—asina ruzivo rwokuzviwanira here?’ Ndakati, ‘Zvino, Dr.——, ndiri kukuudzai zvokwadi yakajeka. . . . Apo munhu anowana chikomborero uye ane pfuma ipi neipi, anoda kuishandisa nokuda kwaShe. Kana asina pfuma, neiko tichifanira kumusunda kuti aibvise?’”
—Charles T. Russell, purezidhendi wokutanga weWatch Tower Society, “The Watch Tower,” July 15, 1915.
TINOPA nemhaka yokuti Jehovha Mwari akanga ari wokutanga kupa. Kupa kwake kwakatanga nguva refu isingatauriki yapfuura nechisiko—chisiko chake chimene chokutanga, “Mwanakomana wake wakaberekwa mumwe woga.” (Johane 3:16) Norudo, akapa chipo choupenyu kuna vamwe.
Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, chipo chikurusa chaJehovha kwatiri. Asi Mwanakomana waMwari, maari amene, haasati ari mugumo wokupa kwaMwari. “Nyasha huru huru dzaMwari” ndicho chinodana muapostora Pauro kuti “chipo . . . chisingagoni kurondedzerwa” chaJehovha. (2 VaKorinte 9:14, 15) Ichi chipo sezviri pachena chinobatanidza hwerengedzo yorunako rwose nomutsa usakafanirwa izvo Mwari anotambanudzira kuvanhu vake kupfurikidza naJesu. Mutsa usakafanirwa wakadaro unoshamisa kwazvo zvokuti unopfuura simba rohunhu rerondedzero kana kuti kutaura. Bva, kuchine zvakawanda kukupa kwaMwari.
Kare kare, mumwe mambo akabvuma nokuchenjera uye nokuzvininipisa kuti zvinhu zvakanaka zvipi kana zvipi zvaaipa sezvipo zvaiva chaizvoizvo zvaJehovha. Akati: “Nokuti zvose zviri kudenga nezviri pasi ndezvenyu; ushe ndohwenyu, Jehovha, makakudzwa muri musoro wezvose. . . . Asi ini ndini ani, navanhu vangu chinyiko, zvatingagona kupa nomwoyo wose kudai? Nokuti zvose zvinobva kwamuri, takangokupai zvakabva paruoko rwenyu.”—1 Makoronike 29:11-14.
Muenzaniso waMwari
Jakobho, mudzidzi waJesu Kristu, aiziva kuti Jehovha Mwari ndiye manyuko echinhu chipi nechipi chiri chakanaka zvikuru murutivi rwuri rwose. Zvipo zvakakwana bedzi zvinobva kwaari. Jakobho akanyora, kuti: “Chipo chiri chose chakanaka nechipiwa chiri chose chakakwana chinobva kumusoro, nokuti chinoburuka kuna Baba vezviedza zvokudenga, uye navo hakuna musiano wokushanduka kwomumvuri.”—Jakobho 1:17, NW.
Kunyange munhau yokupa zvipo, Jakobho akaona kuti Mwari akasiana sei navanhu. Vanhu vanogona kupa zvipo zvakanaka asi havadaro nguva dzose. Izvi zvipo zvingabva muvavariro youdyire, kana kuti zvingashandiswa kuedza munhu kuti aite chimwe chinhu chakashata. NaJehovha hakuna musiano; haachinji. Nokudaro, zvipo zvake hazvichinji. Zvakachena nguva dzose. Nguva dzose zvinosimudzira garikano nomufarwa zvorudzi rwomunhu. Nguva dzose ndezvemutsa uye zvinobetsera, hazvitongoparadzi.
Vavariro Dzokupa Zvipo
Mumazuva aJakobho, vatungamiriri vorudzidziso vakakurumbira vaipa zvipo bedzi bedzi kuti vaonekwe navanhu. Vaipa nevavariro yakashata. Vachidisa kurova maoko kwavanhu, vaibvumiranisa pane zvisina kufanira mipimo yavo yakarurama. MaKristu, zvisinei, aifanira kuva akasiana. Jesu akaapa zano, kuti: “Zvino kana uchipa varombo zvipo, rega kuridza hwamanda pamberi pako, sezvinoita vanyengeri mumasinagoge nomunzira dzomumusha, kuti vakudzwe navanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, vapiwa mubairo wavo. Asi iwe, kana uchipa zvipo, ruoko rwako rworuboshwe ngarurege kuziva chinoitwa norudyi rwako, kuti kupa kwako kuve pakavanda; ipapo Baba vako vanoona pakavanda vachakupa mubairo.”—Mateo 6:2-4.
Chikonzero chomuKristu chokupa zvipo ndechokubetsera vamwe kugutsa chinodikanwa kana kuti kuvafadza kana kuti kusimudzira kunamata kwechokwadi. Hachisati chiri chokuzvirumbidza. Meso aJehovha, pashure pokurangarira zvose, anogona kupinda murutivi rwakadzama zvikurusa rwomwoyo wedu. Anogona kuona vavariro yomukati-kati iri seri kwezvipo zvedu zvengoni.
Zvapupu zvaJehovha zvinovavarira kutevera muenzaniso waJehovha noMwanakomana wake mukupa zvipo. Zvinopa zvazvinazvo. Zvine mashoko akanaka oUmambo, uye zvinopa iwaya kukukomborerwa kwavamwe. Zvinoziva kuti Zvirevo 3:9 inoti: “Kudza Jehovha nezvaunazvo, uye nezvitsva zvazvose zvawakawana.” Nemhaka yokuti bazu rehofisi riri rose, ungano, uye munhu mumwe nomumwe anotsvaka zvapachokwadi kubetsera garikano yavose, uhama hwose hunoitwa kuti huve hwakasimba mumudzimu nohunobudirira. Budiriro yokunyama haisati ichitungamirira kubudiriro yomudzimu, asi budiriro yomudzimu inounza budiriro yokunyama yakakwana nokuda kwezvinodikanwa zvebasa raJehovha.
Nzira Dzokugoverana Nadzo
Kune nzira dzakawanda umo munhu ari wose anogona kubetsera madziri somunhu oga kuti atsigire mashoko akanaka. Nzira imwe iri pamusoro peHoro dzoUmambo. Mitezo yose yeungano inoshandisa Horo yoUmambo. Mumwe munhu akagovera mari yokuvakwa kwayo kana kuti yokurenda, magetsi, kudzorwa kwetembiricha, uye kuchengetwa. Sezvo tsigiro yeungano inoitwa nomunhu ari wose iri madikanwa, mabhokisi emipiro anoiswa muHoro yoUmambo, uye mipiro yokuzvidira inogamuchirwa inoshandiswa kubhadhara ndyiko dzeungano. Kubva mune yomuraudzo, mipiro kubazu romunzvimbomo reWatch Tower ingaitwa, mukuwirirana nechisarudzo cheungano.
Mipiro inogona kuitwa kubazu reSosaiti rimene nokuda kwokurovedza nokutsigira vafundisi namapiona chaiwo mumativi enyika umo mashoko akanaka asati asvika vagari vemo vose zvavo. Dzimwe ndyiko mukuparadzirwa kwamashoko akanaka dziri pamusoro pebasa ravatariri vanofambira. Muapostora Pauro, uyo akagadza muenzaniso mubasa rokufambira muzana rokutanga ramakore, akarumbidza ungano muFiripi, achiti: “Makanditumira kamwe, norwechipirizve, pakushaiwa kwangu.” (VaFiripi 4:14-16) Kunze kwendyiko dzaaya mativi ebasa renguva yakazara, idzo mapazu ose anadzo, kune kuchengetwa kwomusha weBheteri mumwe nomumwe naavo vanogara nokushanda ipapo. Kunyorwa nokutsikirirwa kwamabhuku ayo ane shoko rakaisvonaka ramashoko akanaka zvamazvirokwazvo iropafadzo dzinopiwa naMwari, asi kuparadzirwa kwamabhuku acho kuri madikanwawo, uye kunobatanidza ndyiko. Ipapo kune ndyiko dzamagungano nekokorodzano, tisingadudzi hedu nhau dzedare idzo dzakarwiwa ku‘dzivirira nokusimbisa pamutemo mashoko akanaka.’—VaFiripi 1:7.
Nguva inopedzerwa mukuparidzira mashoko akanaka kunoitwa nomubatiri mumwe nomumwe waJehovha ndeyokuzvidira, uye ndizvo zvakaitawo kupa kwake mari. Kutsaurwa kwenguva dzose kwemari inofanira kushandiswa mukutsigirwa kwokufutunuka kwokunamata kwechokwadi kunokurudzirwa nomuapostora Pauro: “Zvino, kana zviri zvipo zvakaunganidzirwa vatsvene, . . . nomusi wokutanga wevhiki, mumwe nomumwe wenyu ngaakamure zvimwe kumba kwake, aunganidze paakawana napo.”—1 VaKorinte 16:1, 2.
Apo munhu anoita mupiro, haazivi nguva dzose kuti uchashandiswa sei zvomenemene, asi anoona miuyo mukufutunuka kwokuparidzira Umambo. Mishumo iri mu 1993 Yearbook of Jehovah’s Witnesses inoratidza kuti mashoko akanaka oUmambo ari kuparidzirwa munyika dzinopfuura 200 nezvitsuwa zvegungwa navashumiri vechiKristu vanopfuura 4 500 000. Iyi mishumo inofadza. Chipo chipi nechipi ipapoka, pasinei zvapo noukuru, chinobatsira mukuparadzirwa kwamashoko akanaka munyika yose.
Iri basa rinowanirwa mari kupfurikidza nokupa kwakabatanidzwa kwavose. Vamwe vanokwanisa kupa yakawanda, uko kunobatsira basa rokuparidzira kusvikira kumwero mukuru zvikuru. Vamwe vanopa shomanene. Asi avo vanoita mipiro miduku havafaniri kunzwa vachinyara kana kuti kunzwa kuti mugove wavo haukoshi zvikuru. Jehovha zvamazvirokwazvo haanzwi nenzira iyoyo. Jesu akajekesa ikoku zvikuru apo akaratidza kuti Jehovha akaonga sei mupiro muduku wechirikadzi. “Akaona chirikadzi, waiva murombo, achiisamo tumari tuviri tuduku. Akati: ‘Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chirikadzi iyi, iri murombo, yakaisa kupfuura vamwe vose; nokuti avo vose vakaisa pazvipo, vachitora pazvizhinji zvavo, asi uyu wakaisa, achitora pakushaiwa kwake, zvaaifanira kurarama nazvo, zvose zvaakanga anazvo.’”—Ruka 21:2-4.
Hazvinei hazvo nokuti mugariro wedu wemari ungava wakadini, tinogona kupa munzira dzinofadza Jehovha. Wezvamapisarema anosanopeta kuti tinogona sei kupa mbiri kuna Mambo wedu noMutongi. Iye anoti: “Ipai Jehovha kukudzwa kunofanira zita rake; uyai nechipiriso, mupinde muvazhe dzake.” (Pisarema 96:8) Naizvozvo, ngatitevedzere muenzaniso worudo waBaba vedu vokudenga kupfurikidza nokupa kwedu zvipo kwokufara nemhaka yokuti iye akatanga kutipa.
[Bhokisi riri papeji 30]
NZIRA IYO VAMWE VANOITA NAYO MIPIRO KUBASA ROKUPARIDZA UMAMBO
◻ Mipiro Kubasa Renyika YOSE: Vazhinji vanotsaura kana kuti vanoronga chitsama icho vanoisa mumabhokisi omupiro akanyorwa, kuti: “Mipiro Yebasa Renyika Yose reSosaiti—Mateo 24:14.” Mwedzi mumwe nomumwe ungano dzinotumira izvi zvitsama kudzimbahwe renyika yose muBrooklyn, New York, kana kuti zvimwe kuhofisi yebazu iri pedyosa.
◻ ZVIPO: Mipiro yokuzvidira yemari ingatumirwa zvakananga kuWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania, 25 Columbia Heights, Brooklyn, New York 11201, kana kuti kuhofisi yebazu yeSosaiti yomunzvimbomo. Zvinhu zvakagadzirwa namabwe anokosha kana kuti zvimwe zvinokosha zvingapiwawo. Tsamba pfupi inotaura kuti chakadaro chipo chaicho inofanira kuperekedza iyi mipiro.
◻ Gadziriro Yemipiro Inotsamira PAMUGARIRO: Mari ingapiwa kuWatch Tower Society kuti ichengetwe zvakachengeteka kutozosvikira parufu rwomupi, negadziriro yokuti muchinoitika chokushaiwa kwomunhu wacho, ichadzorerwa kumupi.
◻ INISHUWARENZI: Watch Tower Society ingadudzwa somugamuchiri wegadziriro yeinishuwarenzi youpenyu kana kuti mugadziriro inopiwa pakurega basa/mudyandigere. Sosaiti inofanira kuziviswa nezvegadziriro ipi neipi yakadaro.
◻ Akaunzi DZEBHANGI: Akaunzi dzebhangi, magwaro anoratidza mhindu ichapiwa pashure penguva yakati, kana kuti mudyandigere womunhu angachengeteswa zvakakotsekana kana kuti kuitwa kuti abhadharwe parufu kuWatch Tower Society, mukuwirirana nezvinodikanwa zvomunzvimbomo zvebhangi. Sosaiti inofanira kuziviswa nezvegadziriro dzipi nedzipi dzakadaro.
◻ MASTOCK NAMABOND: Mastock namabond zvingapiwa kuWatch Tower Society sechipo chaicho kana kuti zvimwe mugadziriro kupfurikidza nayo mari inopfuurira kubhadharwa kumupi.
◻ REAL ESTATE: Real estate inotengeseka ingapiwa kuWatch Tower Society kupfurikidza nokuita chipo chaicho kana kuti zvimwe kupfurikidza nokuchengeta estate youpenyu kumupi, uyo anogona kupfuurira kugaramo mukati menduramo yake. Munhu anofanira kunyorera Sosaiti asati apa huridzi hwereal estate ipi neipi kuSosaiti.
◻ Zvido Zvenhaka NAMATRUST: Zvinhu kana kuti mari zvingapiwa kuWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania kupfurikidza nechido chenhaka chakaitwa pamutemo, kana kuti Sosaiti ingadudzwa somugamuchiri webvumirano yetrust. Trust inobetsera sangano rorudzidziso ingagovera betsero dzakati dzomutero. Kopi yechido chenhaka kana kuti bvumirano yetrust inofanira kutumirwa kuSosaiti.
Nokuda kwamamwe mashoko pamusoro pezvinhu zvakadaro, nyorera Treasurer’s Office, Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania, 25 Columbia Heights, Brooklyn, New York 11201, kana kuti hofisi yebazu yeSosaiti yomunzvimbomo.
[Mifananidzo iri papeji 31]
Nzira inoshandiswa nayo mipiro yenyu:
1. Vazvipiri vapaBheteri
2. Kuvakwa kwehofisi yebazu
3. Yamuro yengwavaira
4. Horo dzoUmambo
5. Vafundisi