Mubayiro Wokudada—Wakakura Zvakadini?
WAKAMBOSHANDA nomunhu akaedza nemaune kukuita kuti unzwe usingakoshi here? Zvichida manija, bhasi, mutariri, kana kuti kunyange hama yakakutarisira pasi ichikuzvidza? Wakanzwa sei nezvomunhu iyeye? Wakafadzwa nounhu hwake here? Kana! Nei? Nemhaka yokuti kudada kunoparira miganhu uye kunokanganisa kurukurirano.
Kudada kunoita kuti munhu atarisire vamwe vanhu vose pasi, kuitira kuti iye nguva dzose aite seakakwirira. Munhu anofunga nenzira iyoyo haambowanzotaura zvakanaka nezvevamwe. Anongogara achitaura mamwe mashoko asina kunaka okushora—“ehe, chingava chokwadi, asi ane chinetso ichi kana kuti anokanganisa apa.”
Mubhuku rinonzi Thoughts of Gold in Words of Silver, kudada kunorondedzerwa se“ushati hunoramba huchiparadza. Kunoparadza munhu, kuchisiya zvishoma chaizvo zvokuyemura.” Zvinoshamisa here kuti hapana munhu anonzwa akasununguka pane munhu anodada? Chokwadi ndechokuti, mubayiro wokudada kakawanda ndewokushayiwa shamwari dzechokwadi. Bhuku iroro rinoenderera mberi richiti, “Zvakasiyana neizvozvo, nyika inoda vanhu vanozvininipisa—kwete vanozvininipisa vachidada nokuzvininipisa kwacho, asi vanozvininipisa chaizvoizvo.” Bhaibheri rinotaura zvakafanira, kuti: “Kudada kwomunhu kunomunyadzisa, anozvininipisa achakudzwa.”—Zvirevo 29:23, The Jerusalem Bible.
Zvisinei, kudada kunokanganisa sei ukama hwomunhu naMwari, kupfuuura ushamwari kana kuti kukudzwa navanhu? Mwari anoona sei vanodada, vanozvikudza, uye vanozvitutumadza? Kudada kana kuti kuzvininipisa—zvine basa kwaari here?
Chatinodzidza Mukuzvininipisa
Munyori akafuridzirwa waZvirevo anoti: “[Kudada] kunotangira kuparadzwa; uye mweya wamanyawi unotangira kuwa. Zviri nani kuva nomweya unozvininipisa pakati pavarombo, pakugovana zvakapambwa navanozvikudza.” (Zvirevo 16:18, 19) Uchenjeri hwamashoko iwayo hunosimbiswa mune zvakaitika kumukuru weuto reSiria Naamani, akararama munguva yomuporofita wechiIsraeri Erisha.
Naamani aiva namaperembudzi. Achitsvaka kurapwa, akaenda kuSamaria achifunga kuti aizotaura naErisha pachake. Panzvimbo paizvozvo, muporofita wacho akatuma muranda wake nemirayiridzo yokuti Naamani ageze kanomwe muRwizi rweJoridhani. Naamani akatsamwa namabatirwe aainge aitwa uye nezano racho. Muporofita wacho akaregerei kubuda ndokutaura naye pachake panzvimbo pokutuma muranda? Uye chokwadika, chero rwizi rwupi zvarwo rweSiria rwakanga rwakangofanana neJoridhani! Kudada ndiko kwaimunetsa. Zvakaguma sei? Sezvineiwo, zano rokuchenjera rakashanda kwaari. “Ipapo akaburuka, akandonyura muna Joridhani kanomwe, sezvakanga zvataura munhu waMwari; nyama yake ikadzoka, ikafanana nenyama yomwana muduku, akava wakanaka.”—2 Madzimambo 5:14.
Dzimwe nguva tinobetserwa zvikuru nokungozvininipisa zvishomanene chete.
Mubayiro Wokuzvikudza
Zvisinei, patiri mubayiro wokudada unogona kuva wakakura zvikuru kupfuura kungorasikirwa kwedu nomukana wokubetserwa kana kuwana chimwe chinhu. Pane kumwe kudada kwakanyanya kunorondedzerwa neshoko rokuti hubris. Maererano nenyanzvi yechiGiriki Barclay, “hubris kudada kwakasangana noutsinye . . . , kuzvidza kwokuzvitutumadza kunoita kuti [munhu] atarisire pasi hama dzake.”
Muenzaniso wakajeka wokudada kwakanyanyisa kworudzi urwu unooneka muBhaibheri. Ndezvakaitika kuna Hanuni, mambo weAmoni. Insight on the Scriptures rinotsanangura kuti: “Nemhaka yezvakanaka zvaakanga aitirwa naNahashi, Dhavhidhi akatuma nhume kuti dzinonyaradza Hanuni pakafa baba vake. Asi Hanuni, abvuma zvaitaurwa namachinda ake kuti uku kwaingova kunyengera kwaDhavhidhi kuti asore guta, akanyadzisa varanda vaDhavhidhi nokugera rumwe rutivi rwendebvu dzavo nokugura nguo dzavo napakati kusvikira kumagaro avo ndokuvadzinga.”a Nezvechiitiko ichi, Barclay anoti: “Mabatiro aakavaita iwayo aiva hubris. Kwaiva kutsvinya, kunyomba, kunyadziswa pane vanhu zvose zvakabatanidzwa.”—2 Samueri 10:1-5.
Hungu, munhu anodada anogona kuzvikudza, kunyadzisa vamwe. Anonakidzwa nokurwadzisa mumwe munhu noutsinye, asinganzwiri tsitsi uye ipapo anogutsikana nokusanzwa zvakanaka nokunyara kwomunhu wacho. Asi kutarisira pasi kana kuti kuparadza kuzviremekedza kwomumwe munhu ijekakwose. Zvinoguma nokurasikirwa neshamwari uye, zvimwe, kuvengana.
MuKristu wechokwadi chero upi zvake angaratidza sei kudada kunokuvadza kudaro, sezvo Tenzi wake akarayira kuti ‘anofanira kuda muvakidzani wake sezvaanozviita’? (Mateo 7:12; 22:39) Zvinongopesana nezvose zvinomirirwa naMwari naKristu. Munhau iyi, Barclay anotaura izvi zvinokosha: “Hubris ndiko kudada kunoita kuti munhu azvidze Mwari.” Ndiko kudada kunoti: “Mwari haako.” (Pisarema 14:1) Kana kuti sezvakataurwa pana Pisarema 10:4: “Nokuzvikudza kwechiso chake, wakaipa unoti: Haangabvunzi. Ndangariro dzake dzose dzinoti: Hakuna Mwari.” Kudada kwakadaro, kana kuti kuzvikudza, kunoita kuti munhu avengane kwete neshamwari bedzi nehama asiwo naMwari. Mubayiro wakadini!
Usarega Kudada Kuchikuodza
Kudada kunogona kuva pakawanda—kudada kunoparirwa nourudzi, norusarura, nokusiyana kwechinzvimbo nebasa munzanga, nokudzidza, noupfumi, nokuzvikudza, nesimba. Neimwe yenzira idzi, kudada kunogona kungotanga mauri ndokuodza unhu hwako.
Vakawanda vanoita sevanozvininipisa pavanenge vachishanda navanhu vakakwirira kana kuti kunyange vavakaenzana navo. Asi chii chinoitika apo munhu anozvininipisa zvakajeka anova nechinzvimbo? Pakarepo, anova munhu anoshandisa simba rake zvisina kunaka anoita kuti upenyu huipire vari pasi pake! Izvi zvingaitika kune vamwe pavanopfeka yunifomu kana kuti bheji rinoratidza simba. Kunyange vashandi vehurumende vanogona kudada mukubata kwavo navanhu, vachifunga kuti vanhu vanofanira kuvashandira, kwete kuti ivo vashandire vanhu. Kudada kungakuita kuti uve nehasha, usina tsitsi; kuzvininipisa kungakuita ane mutsa.
Jesu angadai akadada nokuva nehasha paaiva navadzidzi vake. Aiva munhu akakwana, Mwanakomana waMwari, aibata navateveri vasina kukwana, vaida zvokuudzwa chokuita, vaida kumanikidzwa kuita chiito. Asi, akatii kune vaya vaiteerera? “Huyai kwandiri, imi mose makaneta, makaremerwa, ini ndichakuzorodzai. Muise joko rangu pamusoro penyu, mudzidze kwandiri; nokuti ndiri munyoro, ndine mwoyo unozvininipisa, kuti muwane zororo pamweya yenyu. Nokuti joko rangu rakanaka, nomutoro wangu unorerukira.”—Mateo 11:28-30.
Nguva dzose tinoedza kutevedzera muenzaniso waJesu here? Kana kuti tinozviwana tava nehasha, tisingachinjiki, tichishandisa simba zvisina kunaka, tisina tsitsi, tichidada here? SaJesu, edza kuzorodza, kwete kudzvinyirira. Dzivisa kuodza kunoita kudada.
Kuzviremekedza Nokuvhaira
“Vara rakafanana, asi rakananga/rakanaka kuzviremekedza kwakanaka kana kuti kwakarurama. (Webster’s Ninth New Collegiate Dictionary) Kuzviremekedza kunoreva kuzviremekedza iwe pachako. Zvinoreva kuti une hanya nezvinofungwa navamwe vanhu pamusoro pako. Une hanya nokutarisika kwako nomukurumbira wako. Chirevo chechiSpanish ndechechokwadi chinoti, “Ndiudze waunofamba naye ndigokuudza kuti uri ani.” Kana uchida kushamwaridzana navanhu vane uchapa, vane usimbe, vasingataridziki zvakanaka, uye vane mukanwa makaora, uchafanana navo. Mafungiro avo achanamatira pauri, uye uchava asingazviremekedzi saivo.
Chokwadi, pane zvimwe zvakazonyanya—kudada kunoita kuti uzoguma wava kuvhaira kana kuti kusingabetseri. Vanyori navaFarise vomuzuva raJesu vaidada netsika dzavo uye nokunyanyisa kwavo mune zvechitendero. Jesu akanyevera nezvavo kuti: “Mabasa ose avanoita vanoita kuti vaonekwe nevanhu; nokuti vanokudza tubhokisi [tune magwaro] twavanopfeka sezvinhu zvinodzivirira, uye vanokudza mipendero yenguo dzavo [kuti vaite sevatsvene zvikuru]. Vanoda nzvimbo dzepamusoro kupfuura dzose pakudya kwemanheru nezvigaro zvepamberi mumasinagogi, uye kwaziso mumisika uye kunzi Rabhi nevanhu.”—Mateo 23:5-7, NW.
Saka, chinodikanwa mafungiro ari pakati nepakati. Yeukawo kuti Jehovha anoona mwoyo, kwete zvinoonekwa kunze chete. (1 Samueri 16:7; Jeremia 17:10) Kuzviita akarurama hakusiko kururama kunodiwa naMwari. Zvisinei, mubvunzo zvino ndewokuti, Tingaratidza sei kuzvininipisa kwechokwadi ndokudzivisa kuwana mubayiro wakakura wekudada?
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Mufananidzo uri papeji 4]
Kuzvininipisa zvishomanene kwakabetsera Naamani zvikuru