RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 10/15 pp. 28-31
  • Chinhu Chitsva Kuvanoda Shoko raMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chinhu Chitsva Kuvanoda Shoko raMwari
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nei Paidiwa Shanduro Itsva?
  • Zvinhu Zvakasiyana
  • Kudzorera Zita raMwari
  • Kusvika Kune Vasingaravi chiNgezi
  • Shanduro yeNyika Itsva Inodiwa Nemamiriyoni Evanhu Pasi Pose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Shanduro yeNyika Itsva
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva Rakarurama Here?
    Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
  • Kudhinda Nokuparadzira Shoko Rinoyera Ramwari Amene
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 10/15 pp. 28-31

Chinhu Chitsva Kuvanoda Shoko raMwari

Muna 1988 chinhu chitsva chakaitwa nokuda kwevose vanoda Shoko raMwari. Mugore iroro, Bhaibheri rinosvitsa pamamiriyoni 100 re“New World Translation of the Holy Scriptures” rakadhindwa. Rakabva rava rimwe remaBhaibheri akaparadzirwa zvikuru rakabudiswa muzana rino remakore!

CHIITO ichi chinonyanya kufadza tichifunga kuti pakubudiswa kwayo, shanduro iyi yakashorwa zvikuru. Asi, haina kungopukunyuka chete asi yakabudirira, ichipinda mumamiriyoni emisha—nemwoyo—munyika yose! Iyi shanduro yakasiyana yakabvepi? Ndiani anoitsigira? Uye ungabatsirwa sei nokuishandisa?

Nei Paidiwa Shanduro Itsva?

Kwemakore anopfuura zana, Watch Tower Bible and Tract Society, sangano repamutemo rinomiririra Zvapupu zvaJehovha, yakaparadzira maBhaibheri. Zvisinei, nei Zvapupu zvaJehovha zvakaona kudiwa kwokubudisa imwe shanduro yeShoko raMwari? Bhuku rinonzi Shanduro Dzawanda Kwazvo? (So Many Versions?), rakanyorwa naSakae Kubo naWalter Specht, rinoti: “Hapana shanduro yeBhaibheri inogona kumbofa yakanzi ndiyo yokupedzisira. Shanduro dzinofanira kufambirana nokukura kwounyanzvi hweBhaibheri nokuchinja kwomutauro.”

Zana rino remakore raona kuwedzera kwakati kwekunzwisisa chiHebheru, chiGiriki, uye chiAramaiki—mitauro iyo Bhaibheri rakatanga kunyorwa mairi. Uyezve, manyoro eBhaibheri ekare uye akarurama kupfuura ayo akashandiswa nezvizvarwa zvakapfuura zvevashanduri veBhaibheri akawanikwa. Nokudaro Shoko raMwari rinogona kushandurwa zvakarurama zvikuru nhasi kupfuura kare! Saka, Dare Reshanduro yeBhaibheri yeNyika Itsva rakaumbwa kuti rishandure Bhaibheri mumitauro yemazuva ano nokuda kwechikonzero chakanaka.

Muna 1950 shanduro yomutauro wechiNgezi yeShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki yakabudiswa. Musoro wacho pachawo wakanga wakasiyana zvikuru netsika yaivapo, uchiramba kuratidzwa kweBhaibheri serakaumbwa netestamendi “Yekare” ne“Itsva.” Mumakore gumi akatevera, zvikamu zveMagwaro echiHebheru zvakabudiswa zvishoma nezvishoma. Muna 1961 Bhaibheri rose muchiNgezi rakabudiswa riri bhuku rimwe.

Ndiani chaizvo akashandura Bhaibheri iri rakanaka kwazvo? Nharireyomurindi yechiNgezi yaSeptember 15, 1950, yakati: “Varume vanoumba dare rokushandura vakaratidza chido chavo . . . kuramba vasingazivikanwi, uye havatombodi kuti mazita avo abudiswe vachiri vapenyu kana kuti vafa. Chinangwa cheshanduro yacho ndechokurumbidza zita raMwari mupenyu, wechokwadi.” Vashori vakataura kuti bhuku racho rinofanira kukurumidza kurambwa sebasa rakaitwa nevanhu vasina unyanzvi, asi havasi vose vakava nemafungiro akadaro asina musoro. Alan S. Duthie anonyora kuti: “Kana tikaziva kuti vashanduri kana kuti vabudisi veshanduro yakati yeBhaibheri ndivanaani, zvinotibatsira here kusarudza kana shanduro iyoyo yakanaka kana kuti yakashata? Kwete zvakananga. Hapana chinotsiva kuongorora zvinoratidza shanduro imwe neimwe pachayo.”a

Zvinhu Zvakasiyana

Mamiriyoni evaravi akaita izvozvo chaizvo uye akaona kuti Shanduro Yenyika Itsva yechiNgezi haingoraviki chete asi yakarurama zvokururama zviye. Vashanduri vayo vakashanda vachishandisa mitauro yokutanga yechiHebheru, chiAramaiki, uye chiGiriki, vachishandisa magwaro akanakisisa aivapo.b Pakashandiswawo kungwarira kusiri kwenguva dzose kuti vashandure Magwaro ekare zvaari chaizvo sezvinobvira asi mumutauro waizokurumidza kunzwisiswa. Maererano neizvozvo, dzimwe nyanzvi dzakarumbidza shanduro iyi nokuda kwokuvimbika kwayo nokururama. Somuenzaniso, Andover Newton Quarterly yaJanuary 1963 yakati: “Kushandurwa kweTestamendi Itsva uchapupu hwokuti pane nyanzvi dzinokwanisa kukurira zvinetso zvakawanda zvokushandurwa kweBhaibheri nounyanzvi.”

Vashanduri vacho vakazarura chikamu chitsva chokunzwisiswa kweBhaibheri. Ndima dzeBhaibheri dzakanga dzichimbonzwisiswa zvishoma chete dzakava dzakajeka zvinoshamisa. Somuenzaniso, rugwaro rwakaoma rwaMateo 5:3 rwunoti, “Vakakomborerwa varombo mumudzimu” (King James Version), rwakashandurwa zvine musoro kuti: “Vanofara avo vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu.” Shanduro Yenyika Itsva yechiNgezi inoshandura mashoko anokosha zvakafanana. Somuenzaniso, shoko rechiGiriki rokuti psy·kheʹ rakashandurwa kuti “mweya” pose pose parinowanikwa. Somugumisiro, varavi vanogona kukurumidza kunzwisisa kuti kusiyana nedzidziso dzezvitendero, mweya, unofa!—Mateo 2:20; Marko 3:4; Ruka 6:9; 17:33.

Kudzorera Zita raMwari

Chinhu chinokosha cheShanduro Yenyika Itsva yechiNgezi chine chokuita nokudzorerwa kwezita raMwari, Jehovha. Mumakopi ekare eBhaibheri rechiHebheru, zita raMwari rinomirirwa nemabhii mana angangomiririrwa naYHWH kana kuti JHVH. Zita iri rakasiyana namamwe rinowanikwa kanoda kusvika ka7 000 mune inonzi Testamendi Yekare yoga. (Eksodho 3:15; Pisarema 83:18) Zviri pachena kuti Musiki wedu aida kuti vanamati vake vazive uye vashandise zita iroro!

Zvisinei, kutya mashura kwakaita kuti vanhu vechiJudha varege kushandisa zita raMwari. Zvichitevera kufa kwevaapostora vaJesu, vaikopa Magwaro echiGiriki vakatanga kutsiva zita raMwari nemashoko echiGiriki okuti Kyʹri·os (Ishe) kana kuti The·osʹ (Mwari). Zvinosuruvarisa kutaura kuti, vashanduri vemazuva ano vakapfuudzira tsika iyi isingakudzi Mwari, vachibvisa zita raMwari mumaBhaibheri akawanda kunyange kusabudisa pachena kuti Mwari ane zita. Somuenzaniso, pana Johane 17:6, (NW) pane mashoko aJesu anoti: “Ndakaonesa zita renyu.” Zvisinei, Today’s English Version inoishandura ichiti: “Ndakaita kuti muzivikanwe.”

Dzimwe nyanzvi dzinodzivirira kubviswa kwezita raMwari nokuti kududzwa kwaro chaikwo hakuzivikanwi. Zvisinei, mazita anozivikanwa emuBhaibheri akadai saJeremia, Isaya, uye Jesu anowanzoshandurwa nenzira dzisina kunyanya kufanana nemadudzirwe aanoitwa muchiHebheru chokutanga. Sezvo Jehovha iriyo nzira yakarurama yokushandura nayo zita raMwari—uye yakajairwa nevanhu—kuramba kurishandisa hakunzwisisiki.

Dare Reshanduro yeBhaibheri yeNyika Itsva rakatora danho rokushinga rokushandisa zita rokuti Jehovha muzvikamu zveMagwaro zvechiHebheru nezvechiGiriki. Zvakafanana zvakanga zvaitika mushanduro dzevafundisi dzevanhu vomuCentral America, South Pacific, uye kuMabvazuva. Zvisinei, kushandisa zita raMwari kwakadaro hakusi hako kufarira kwezvedzidzo. Kuziva zita raMwari kunokosha kuti usvike pakumuziva somunhu. (Eksodho 34:6, 7) Shanduro Yenyika Itsva yechiNgezi yakakurudzira mamiriyoni evaravi kuti ashandise zita rake!

Kusvika Kune Vasingaravi chiNgezi

Pakati pa1963 na1989, Shanduro Yenyika Itsva yakawanikwa, yose kana kuti chikamu chayo, mune mimwe mitauro gumi. Zvisinei, basa rokushandura rakanga rakaoma, kumwe kushandura kuchipedza makore 20 kana kupfuura. Ipapo, muna 1989 Dhipatimendi Remabasa Okushandura rakaumbwa padzimbahwe renyika yose reZvapupu zvaJehovha. Richitungamirirwa neDare Rokunyora reDare Rinodzora, dhipatimendi iri rakatanga kukurumidzisa kushandurwa kweBhaibheri. Mutoo wokushandura wakatangwa waisanganisa kudzidzwa kwemashoko eBhaibheri noruzivo rwezvemakombiyuta. Gadziriro iyi inoshanda sei?

Kana Dare Rokunyora rangotendera kushandurirwa kweBhaibheri mumutauro mutsva, rinogadza boka revaKristu vakazvitsaurira kuti rishande sechikwata chokushandura. Zvikwata zvinogona kuita shanduro ine musoro zvikuru pane zvinogona kuitwa nomunhu mumwe ari kushanda ari oga. (Enzanisa naZvirevo 11:14.) Kakawanda kacho, nhengo yoga yoga yechikwata chacho yave ine ruzivo mukushandura mabhuku eSosaiti. Chikwata chacho chinobva charovedzwa chaizvo munheyo dzokushandurwa kweBhaibheri nomukushandiswa kwemapurogiramu ekombiyuta akagadzirirwa basa ravo. Kombiyuta haiiti basa chairoiro rokushandura, asi inogona kuita kuti chikwata chikwanise kuwana mashoko anokosha nokuchibatsira kuti chinyore pasi zvachinosarudza.

Basa rokushandura Bhaibheri rine matanho maviri. Mudanho rokutanga, vashanduri vanopiwa mashoko nezvitsama zvemashoko zvinoshandiswa muShanduro Yenyika Itsva yechiNgezi. Mashoko echiNgezi anoreva zvakafanana, akadai sa“atone,” (dzikinura) “atonement,” (rudzikinuro) uye “propitiation,” (yananiso) anorongwa pamwe, vashanduri vachichenjedzwa nezvekusiyana kuduku-duku kwezvaanoreva. Vanoronga mashoko omutauro waanoshandurirwa maari anoreva zvakafanana. Zvisinei, dzimwe nguva mushanduri anganetseka kushandura ndima. Gadziriro yekombiyuta yokutsvaka mashoko inopa mushanduri mashoko pamusoro pemashoko echiGiriki neechiHebheru uye inoita kuti akwanise kuvhura mabhuku eWatch Tower.

Basa racho parinoenda padanho rechipiri, mashoko akashandurwa anobva angoiswa murugwaro rweBhaibheri rwacho nekombiyuta. Izvi zvinoita kuti pave nekururama nokufanana mushanduro yacho. Zvisinei, mashoko anovapo somugumisiro wegadziriro iyi yoku“tsvaka mashoko nokuatsiva” haamboraviki. Panotomboita basa rokunyora nokuumbazve ndima dzeBhaibheri kuitira kuti dziravike zvakanaka.

Gadziriro iyi yokushandura yakaratidza kuti inoshanda zvinofadza. Rimwe boka rakakwanisa kushandura Magwaro ose echiHebheru mumakore mavivi chete. Enzanisa irori neboka rakashanda pamutauro iwowo risingabatsirwi nekombiyuta. zvakaritorera makore 16. Kusvikira panguva ino, Magwaro echiKristu echiGiriki akadhindwa mumimwe mitauro 18 kubva muna 1989. Shanduro Yenyika Itsva yava kuwanikwa, yose kana kuti chikamu chayo, mumitauro 34. Saka inopfuura 80 muzana yeZvapupu zvaJehovha inotombovawo neMagwaro echiKristu echiGiriki mururimi rwaamai.

United Bible Societies inoshuma kuti pamitauro yenyika 6 500, zvikamu zveBhaibheri zviri kuwanikwa mune 2 212 chete.c Saka, vashanduri vanenge 100 vari kushanda kuti vabudise Shanduro Yenyika Itsva yeMagwaro echiHebheru neechiGiriki mumitauro 11 uye 8 zvichitevedzana. Kuda kwaMwari ndekwokuti “vanhu vose vaponeswe, vasvike pakuziva zvokwadi.” (1 Timotio 2:4) Shanduro Yenyika Itsva pasina mubvunzo icharamba ichiita basa guru panhau iyoyi.

Saka tinofara kuti shanduro iyi yakapfuura nhamba itsva yemakopi ane mamiriyoni 100, uye tinonyengetera kuti mamwe mamiriyoni akawanda achabudiswa munguva iri mberi. Tinokukurudzira kuti uiongorore pachako. Uchanakidzwa nezvinhu zvakawanda-wanda zvakasiyana: kunyorwa zvinoravika, misoro yemapeji, indekisi inogona kukubatsira kuwana ndima dzawakajairana nadzo, mapu dzine mashoko akakwana, uye mashoko eratidziro anofadza. Zvinonyanya kukosha, unogona kurava Bhaibheri iri nechivimbo chokuti rinopa zvakarurama mashoko aMwari mumutauro wako.

[Mashoko Omuzasi]

a Zvinofadza kuti butiro reNew American Standard Bible ra1971 rine Mamwe Mashoko Anobatsira rakataurawo zvakafanana kuti: “Hatina kushandisa zita renyanzvi ipi neipi nokuda kwemashoko kana kuti zvokutaura nokuti tinodavira kuti Shoko raMwari rinofanira kumira sezvariri.”

b Testamendi Itsva muchiGiriki Chepakuvamba, (The New Testament in the Original Greek) rakanyorwa naWestcott naHort, ndiyo yakashanda sekwokuwana mashoko echiGiriki. Biblia Hebraica raR. Kittel ndikwo kwaibva mashoko akawanda eMagwaro echiHebheru.

c Sezvo vanhu vakawanda vachikwanisa kutaura mitauro miviri, zvinodavirwa kuti Bhaibheri, rose kana kuti chikamu charo, rinoshandurwa mumitauro yakaringana kuraviwa ne90 muzana yevanhu vari munyika.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 29]

“Kushandurwa kweTestamendi Itsva uchapupu hwokuti pane nyanzvi dzinokwanisa kukurira zvinetso zvakawanda zvokushandurwa kweBhaibheri nounyanzvi.”—ANDOVER NEWTON QUARTERLY, JANUARY 1963

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 30]

“Shanduro dzinofanira kufambirana nokukura kwounyanzvi hweBhaibheri nokuchinja kwomutauro”

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 31]

NYANZVI DZINORUMBIDZA SHANDURO YENYIKA ITSVA

NEZVESHANDURO Yenyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki, Edgar J. Goodspeed, mushanduri we“Testamendi Itsva” yechiGiriki muAn American Translation, akanyora mutsamba yomusi wa8 December 1950 kuti: “Ndinofarira basa revanhu venyu, uye vavariro yaro yenyika yose, uye ndinofadzwa zvikuru neshanduro yakapfava, yakananga uye yakajeka. Inoratidza kunyatsodzidza kwakanaka kwakakura, sezvandinogona kupupurira.”

Nyanzvi yechiHebheru nechiGiriki Alexander Thomson yakanyora kuti: “Zviri pachena kuti shanduro yacho ibasa renyanzvi dzinoziva basa uye dzakachenjera, dzakatsvaka kubudisa pfungwa yechokwadi yerugwaro rwechiGiriki seizvo mutauro wechiNgezi unokwanisa kuratidza.”—The Differentiator, April 1952, mapeji 52-7.

Purofesa Benjamin Kedar, nyanzvi yechiHebheru iri muIsrael vakati muna 1989: “Mukunzvera kwangu kwemitauro kune chokuita neBhaibheri rechiHebheru neshanduro, ndinowanzotaura zviri mushanduro yechiNgezi inozivikanwa seShanduro Yenyika Itsva. Pakuita kudaro, ndinoramba ndichivimbiswa kuti basa iri rinoratidza kuedza zvakatendeka kunzwisisa rugwaro zvakarurama sezvinobvira.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe